Tiri maPastors for Emmerson Dambudzo kwete Economic Development

New Ziana > Provincial Newspapers > Tiri maPastors for Emmerson Dambudzo kwete Economic Development

CHINHOYI – VASHUMAIRI vanozviti Pastors for ED vakazvibuditsa pachena kuti (for
ED) hairevi kuti kubudirira kwemabhizimisi (Economic Development) asi inoreva kuti
Emmerson Dambudzo anova mazita emutungamiriri wenyika ino.
Pastors for ED nderimwe remamwe mapoka arikuvambwa akanangana nekutsigira
mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa apo nyika yatarisana nesarudzo gore
rinouya.
Pakuparurwa kweboka iri mudunhu reMashonaland West, muvambi weboka racho iri,
Muvhangeri Idirashe Dongo, vakati zvakakosha kuti vanhu vese vazive kuti mamwe
mapoka ose pavarikuti hupfumi hwenyika (Economic Development) ivo varikuti
Emmerson Dambudzo.
"Ndinoda kuti apa mupabate zvakajeka, ndati pastors 4ED uyu haasi weEconomic
Development, ndewa Emmerson Dambudzo Mnangagwa.
"Nemhaka yekuti takasiyana neTeachers 4ED, isu takamira pachirevo chaMwari chekuti
wave mwaka wedu wekuti tisimuke titsigire mutungamiriri wenyika yatigere zviri
pachena pasina chivande," akadaro Muvhangeri Dongo.
Vakasimbisa pfungwa yekuti vese vanovati Pastors for Economic Development
havazive zvavanotaura uye havana kuzviwana kwavari.
"Makanzwa vachinyora mubepa vachiti Pastors for Economic Development havana
kunzwa kubva kwatiri. Ndirikuda kupatsanura nemhaka yekuti ndinoda kuti kana munhu
achipinda apinde achiziva zvaarikuda nezvaasingadi."
Vakazivisa pachena kuti havasi kuita izvi kuti vatsvage mari sezvinofungidzirwa
nevamwe asi ibasa ravo semuranda waMwari.
"Handisi kuita zvinhu izvi kuti nditsvage mari ndirikuda kuti tidzokere pasi pepfungwa
yaMwari. MaKristu anofanira kutsigira hutungamiriri hwenyika nezvinechekuita
nebudiriro yenyika yaagere.

"Ndakambofonerwa nevakomana vaChamisa vakanditi you are frog-marching pastors.
Chirevo chaMwari hachichinji kuti isu tinofanira kuzviisa pasi pevatungamiriri venyika
yatinogara."
Vakaenderera mberi vachijekesa kuti bhaibheri parinoda kutaura rinotaura parinoda
kunyarara rinonyarara.
"Dai bhaibheri raida kuti vanhu venyika yeZimbabwe munogona kutsigira achagona
kuzova achagadzwa ringadai rakataura."
Vakati vamwe vafundisi vanotya kubuda pachena kutsigira zvavanoda, vamwe vanoti
hakusi kunamata kana uchinge uchitsigira ZANU PF. Vakabvunza kuti saka kunova
kunamata kana munhu achitsigira bato ripi, nechikonzero chekuti munhu nemunhu ane
bato raanotsigira.
"Handina chinondityisa kana angandityisidzire, ndiri mufundisi akakwana anonzwa
Mwari, anosapota ZANU PF," akadaro Muvhangeri Dongo.

Most Popular