LOADING

Type to search

Provincial Newspapers Telegraph

Tsikamutanda wotiza

Share

CHEGUTU – MUMWE murume anofungidzirwa kuti anoita basa reutsikamutanda
akasvorwa zvikuru kwazvo nevagarisani vake mushure mekunge atengera
murapwisikana wake chipfeko chemukati svondo rapera.

Cuthbert Chidhakwa, uyo anonzi anoita basa rehutsikamutanda munzvimbo dziri
kure nekuno dzakaita seRaffingora, Hurungwe, Gokwe, Sanyati, Mhondoro, Kwekwe
nekumwewo parizvino akatotiza paanogara.

Murume uyu akavhevhetedza mwanasikana uyo anonzi anemakore gumi
nematanhatu uye anomborasika pfungwa, kuti aizoda kumurapa paurwere hwake.

Mwana akanoudza amai vake, Faustina Mupandawana, nyaya yaainge audzwa ivo
ndokumutendera kuti arapwe.

Chidhakwa akati kunongera hadzichanetse sezvo dzawira mutswanda.

Akatora murwere wake ndokuenda naye mugomba maimbokanyirwa zvidhina
maakamuudza mwanasikana kuti akumure chipfeko chemukati sezvo aida kumurapa
sikarudzi.

Izvi zvakaitika masikati machena rakacheka nyika.Chidhakwa anonzi akaudza amai
vemwana nemudzimai wake kuti vasare havo pamba iye achienda nemurwere wake.

Tsikamutanda uyu anonzi akabata bata murwere wake muviri wose
ndokumuchichidzira kuti asaudza vanhu. Anonzi akadzokorora zvakare maitiro aya
musikana asingaudze kana ani zvake.

Nyaya yakazobuda pachena apo Chidhakwa akazotengera musikana uyu shashiko.

Mwanasikana akatora chipfeko chiya ndokunoratidza mugarisani wavo, Amai
Nomalanga Ncube.

Amai Ncube vakatora shashiko ndokuenda nayo kumudzimai waChidhakwa anonzi
Prudence Mucharangwa. Mucharangwa akaudza Ncube kuti amirire muridzi
wenyaya sezvo ainge asipo. Mumwe mudzimai anogara pedyo nemhuri
yaChidhakwa, Amai Mirriam Muvengwa vakaudza Ncube kuti murume uyu
imhombwe chaiyo sezvo àkatombokanda mashoko epfimbo kwavari.

Chidhakwa paakazosvika akawana nyaya yake yakamumirira. Tsikamutanda uyu
paakapirwa nyaya yake akabva anyepera kunozvibatsira ndokupota neseri kwemba
ndiye nyangara akadaro. Nanhasi murume uyu hapana arikuziva kwaari.

Mucharangwa akabva atizawo pamba pavanoroja achiti akuenda kuvabereki vake
kumapurazi ekuMukute.

Vanhu vazhinji vanogaro yambirwa kuti vatarisise vana kubva kushinywi dzakaita
semaporofita enhema, asi vazhinji vanooma musoro zvinova zvinozosvitsa vana
pakaoma.

Gore rino muna Nyamavhuvhu, Michael Mundiya wemubhuku raSabhuku Mugadya
pasi paMambo Benhura kuMhondoro-Ngezi akazvisungirira padyo nepamusha
paanatezvara vake mushure mekunge mukadzi wake anyangarika natsikamutanda.