Farai Chikore
ZVIMBA – Kanzura vakapinda mukanzuru yeZvimba nechiga chekumiririra kodzero dzemadzimai vakayemura motokari yekambani yekuviga vanhu vakati mufi akavigwa pachishandiswa mhando yemotokari iyi munhu nhaamuki chipoko.
Gogo Tsitsi Kaja mudzimayi wasabhuku Kahungwa vanova kanzura vakataura mashoko aya vakayeva motokari yemhando yemesisidisi bhenzi muzvambara iri yeruvara ruchena iyo yainge yakatakura bhokisi rainge rakagadzirwa samara uye rakashongedzwa zvisina akamboona.
“Uuuuuum mota yakanakisa iyi, uye bhokisi racho harizi rekutamba naro, ukavigwa zvemhando iyi haumuki chipoko chokwadi,” vakadaro kanzura Kaja.
Kanzura ava vakazokurukura neve kambani yekuviga vanhu iyi vachida kunzwisisa kuti zvinomboita mari kuti munhu awane mukana wokuvigwa zvemhando iyi.
Mumiriri wekambani yacho akabva ati zvinosiyana siyana zvichienderana nemari ininge ichibhadharwa nemunhu pamwedzi woga woga.
Mutauri uyu akazoenderera mberi achiti kambani yavo yakatisiyanei nemamwe makambani sezvo ichipa mukana munhu kuti panguva yake yokurarama anogona kubhadhara mari inoita gumi repondo pagore roga roga kwete zvokuti pamwedzi pamwedzi izvo zvinombokanganwika nevamwe vozochema pakugumisira.
Kambani iyi inoti munhu akange afa anogona kupiwa mari inoita zvuru zviviri zvema dora eku America kana kupiwa zvikwanisiro zvinoti motokari yekutakura mutumbi, bhazi rekutakura varikuchema nevauya kuzokuta vafirwa, bhokisi uye muchina wekudzikisa bhokisi kupinda muguva.
Musi uyu motokari yekambani iyi yainge iine bhokisi rinotengwa nezvuuru zvina zvemadhora eku America, izvo zvakataurwa nemumiriri wekambani iyi achiti kana wafirwa kambani inopa vanhu mukana wokuwedzera mari pane yavanenge yavapa sechema vosarudza mhando yebhokisi repamusoro soro kana vachida.
Kanzura Kaja vakati vanoda kuunganidza vanhu munharaunda yavo voshevedza kambani iyi kuti izotsanangurira vanhu nezve basa ravo kuitira kuti anenge azvifarira apinde muchirongwa.
Gogo Kaja vakazotizve pakufirwa kunoita vanhu vaona zvakawanda vanhu vachipinda tsekwende nokuda kwekushaya zvikwanisiro sezvo vanenge vasina kugadzirira ndufu dzavo, vozopedzesera vave kusudza munhu ozongovigwa zvinosiririsa.
Nyaya yokushaya hanya nokugadirira rufu iri kubata vakawanda kunyangwe makambani anoita zvokuviga vanhu achipamukana wokuti munhu abhadhare chumi pamwedzi ozongowanawo pekutangira mushure mukunge atorwa nenguva.












