Vabereki nevana vopedzisa gadziriro yekuvhurwa kwezvikoro

New Ziana > Local News > Vabereki nevana vopedzisa gadziriro yekuvhurwa kwezvikoro

NaHeadrance Viga

GADZIRIRO yekuvhurwa kwezvikoro pakotoro yekupedzisira yemugore rino ra2026 yasvika kumagumo apo zvikoro zvichange zvichivhurwa nemusi wa8 Gunyana sehurongwa webazi rinoona nezvedzidzo munyika.

Naizvozvo change chiri chipipiti munzvimbo dzakatsaukana kudunhu reMazowe apo vabereki vane vana vanodzidza pazvikoro zvinoti Dandamera Primary School, Amandas Primary School neKundayi Secondary School kuConcession vakange vachitenderera muzvitoro zvizhinji kubva munzvimbo iyi vachitenga mabhuku, zvinyoreso pamwe nezvipfeko zvinodiwa muzvikoro pamwaka uno.

Sezvo pasina angada kusarira shure, vabereki vane vana vanofunda paRujeko High School, Tsungubvi Primary School pamwechete nepaRusununguko Primary School kuGlendale vaitendereravo zvekare muzvitoro zvemunharaunda yavo vachitsvaga zvinodiwa nevana pazvidzidzo zvekotoro yekupedzisira pagore iyo inoita kuti vana vabve mugwaro ravari ikozvino vachienda mugwaro rinotevera.

“Zvinodiwa kuchikoro kuti mwana atange zvidzidzo nevamwe parezvino ndatenga asi pane zvimwe zvishoma zvasara,” akadaro Fadzanai Gutsa kubva makare muGlendale.

Kutsigirwa kwedzidzo yevana kwange kuchiitwa zvekare paKushinga Primary School kuMazowe apo vabereki vakange vachitengera vana vawo mabhuku, kunyanya mabhuku ekuverenga ayo akaita seyetsumo, madimikira pamwe nezviperengo.

“Pane mabhuku andakatengera mwana wangu anoti ekuverenga pamwe neekunyorera,” uku kutaura kwaTariro Segwate wekuMazowe.

Kunze kwekuita zvose izvi, vamwe vabereki ndovaibhadhara mari dzezvikoro kuitira kuti vana vasadzingwe muzvikoro zvavanodzidza apo kotoro yechitatu yakutanga uye ndiyo yakakoshesesa zvikuru sezvo inenge ine bvunzo dzekupedzisira dzegwaro rechinomwe, O level pamwe ne A level.

Pamusoro pegadziriro yacho, vana vazhinji vakange vachiverenga mabhuku vari mudzimba uye vamwe ndovakaita mukana wekuwanawo zvidzidzo zvepazororo izvo zvavanopihwa nevarairidzi, hama pamwe neshamwari uye zviri zvidzidzo zviya zvinobetsera vana kunyanya panguva yavanenge vasiri kuzvikoro kuitirwa kuti vana vasazonyanya kuvarairwa mune zvedzidzo.

“Mwana wangu akange achiverenga pazororo uye zvichamubatsira pakutanga kwekotoro ino,” vakadaro amai Zhanje wekuGlendale.

Nyangwe zvazvo gadziriro yekuvhurwa kwezvikoro isiri nyore asi kumhanya-mhanya kwevabereki vachiunganidza kana zvishoma izvozvo zvavari nazvo mucherechedzo werudo kuvana uye vana vacho vanofanirwa kushanda nesimba kuti vabereki varambe vachivapa tsigiro munyaya dzedzidzo.

Most Popular
error: Content is protected !!