More
    HomeChaminukaVaGarwe vorangarira mamwe magamba ehondo

    VaGarwe vorangarira mamwe magamba ehondo

    Published on

    spot_img

    NeMunyori WeChaminuka

    MARONDERA- Sachigaro webato riri kutonga munyika reZanu PF muMashonaland Cde Daniel Garwe vakatsindikidza kuti musangano uyu ucharamba uchikoshesa chiremerera chemagamba ose akafira nyika yeZimbabwe pamwechete neachiri kurarama.

    Vakati kuzvipira kwemagamba ose enyika yeZimbabwe kunofanirwa kugara kuchikosheswa sezvo bandiko raakabata rakaita kuti Zimbabwe ive nekuzvitonga kuzere kubva kuhutongi hwevasina mabvi.

    Munguva pfupi ichangodarika, Cde Garwe, avo vanovazve Gurukota rinoona nezvekusimudzirwa kwematunhu, vakabatsiridza mukuiswa kwematombo anamujibha vashanu vakauraiwa pane imwe nzvimbo yeMurehwa panguva iyo Chimurenga Chepiri chaitsviriridza.

    Magamba akaisirwa matombo aya akapfuudzwa hupenyu hwawo musi wa17 Gunyana mugore ra1979 munzvimbo yaSabhuku Matara muWard 10 kwaMurehwa.

    Kuuraiwa kwemagamba aya kwakakonzereswa nemutengesi munguva yehondo zvinova zvakaita kuti amomoterwe achideurwa ropa rawo.

    Mushure mekunge vaona kuti matombo epamuzinda arere magamba aya, Cde Garwe vakabatsiridzazve kuti pange pachiiswa ruzhowa rwakatenderdza nzvimbo iyi.

    “Tiri panzvimbo ino kuti tinge tichipa ruremekedzo rwakakodzera kunamujibha nachimbwido vedu vane marangwanda akazorora pano. Vakafa zvavo, vakazorora panyama asi mumweya yedu tinavo pane zvose zvatinoita. Izvi zvinongova zvimwechete nemamwe magamba edu ehondo yerusununguko akafira nyika ino ku Nyadzonia, Tembwe neChimoio uyewo mumakomo, munzizi nemumapako munzvimbo dzakasiyana-siyana.

    “Vakarwa kurwa kwakanaka uye tinongoti moyo yavo ngairambe ichizorora murugare. Hapana zvimwe zvatingakwanise kutenda nazvo zvinoenderana nekuzvipira kwavo kwavakaita mukurwira Rusununguko rwedu tose,” Cde Garwe avo vaivewo mujibha munguva yehondo vakadaro.

    Kurudziro yavo yakave yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvigare zvichirangarira nekukoshesa mabasa akabatwa nevarwi vehondo yerusununguko.

    Cde David Chigumbu avo vaishandisa zita rekuti James Dendera Kambanje munguva yehondo uye vakapukunyuka patsekwende iyi vakapa kutenda kukuru padanho iri.

    Vakati:”Zvaitwa nemusangano wedu uri kutonga munyika yeZimbabwe weZanu PF zvinotipa manyukunyuku uye kudekara kukuru muhana dzedu. Ishuviro yangu kuti zvinge zvichizongoitirwa magamba ose emunyika yekwedu.”

    New Ziana

    Latest articles

    Zim, Cuba strengthen ties with landmark cultural partnership

    Harare, (New Ziana) –A high level delegation from Zimbabwe early this week meet with...

    President Mnangagwa officiates at historic renaming of Tomilnson Depot, and commissioning of police housing

    Harare, (New Ziana) -President Emmerson Mnangagwa on Friday officially unveiled the new name of...

    Zimbabwe moving to tighten social media regulation

    Harare,  (New Ziana) — The Zimbabwe government plans to strengthen the Data Protection Act...

    Call to replicate tobacco industry success in other sectors

    Harare, (New Ziana) - The success of the tobacco industry in Zimbabwe should be...

    More like this

    Zim, Cuba strengthen ties with landmark cultural partnership

    Harare, (New Ziana) –A high level delegation from Zimbabwe early this week meet with...

    President Mnangagwa officiates at historic renaming of Tomilnson Depot, and commissioning of police housing

    Harare, (New Ziana) -President Emmerson Mnangagwa on Friday officially unveiled the new name of...

    Zimbabwe moving to tighten social media regulation

    Harare,  (New Ziana) — The Zimbabwe government plans to strengthen the Data Protection Act...