Varimi vofarira mvura yaturuka

New Ziana > Provincial Newspapers > Varimi vofarira mvura yaturuka

CHINHOYI- VARIMI vemapindu ari mudhorobha reChinhoyi vanoti vari kufara
nekuturuka kuri kuita mvura mwaka uno.
Varimi ava ndevaye vanogara mudhorobha asi vanotora mukana wokurima muzvitsuwa
zvakasiwa pakurongwa kwedzimba.
Amai Mutema, umwe wevarimi ave, vakati varikufara zvikuru nemvura iri kunaya zuva
nezuva vachiti yabatsira zvikuru kuchibage chavo icho chavapedyo nokubuda
muchekechera.
“Chibage changu chakura zvokuti chava kuda kutofurura saka mvura yanaya nguva
yakanaka. Chibage chandinorima chinondibatsira gore negore nokuti ndinokohwa
masaga mashanu zvokuti gore rinotopera ndichigaisa ndisingatengi upfu. Ipo pamberi
pemba yangu ndipo poga pandinorima handirimi pakakura asi kwandiri
zvinondikwanira,” vakadaro Amai Mutema.
Gogo Rosemary Tsengere avo vanorima pamberi pemukova wavo muColdstream uye
vane purazi kuMakonde vanoti mvura yauya panguva yakaringana zvokuti gore rino
vanokohwa samakore ose.
“Mvura iri kunaya zvakanaka chibage chandinorima muno mudhorobha chinodyiwa
nevazukuru vangu vachibika havo. Kupurazi takarima munda wose zvokuti gore rino
tichakohwa sezvatinoita makore ose. Varimi vanofanirwa kushandisa mvura iri kunaya
zvineungwaru. Nguva ino yaakuda kudyara mbambaira kune avo vane mbeu yacho,
nokuti nguva yokudyara chibage yakatodarika,” vakadaro Gogo Tsengere.
Felex Kasinamuchenga anogara muChikonohono muChinhoyi makare akatiwo aive
akagadzirira kuuya kwemvura achiti anorima nechirongwa cheHurumende
chePfumvudza icho chaanoti chirikumubatsira gore negore.
Akaenderera mberi achiti vanhu vose dai vashandisa bindu ripi neripi zvaro riri kushaya
anorima. Akati kunyangwe dzimwe nzvimbo dzakamirira kuvakwa varidzi vadzo
ngavambodzishandisa kurima nechirongwa chePfumvudza sezvo chirikuitirwa
kunyangwe avo vari mumadhorobha.
Varimi vemudhorobha reChinhoyi vakarima nzvimbo zhinji kusanganisira dzimwe
dzisingabvumirwi pamurawo yezvenharaunda, asi chibage chizhinji chiri munzvimbo idzi
chiri kutaridzika zvakanaka zvokuti goho racho richange rakakura.

Chinhoyi iri munharaunda yeMakonde iyo inonaya mvura yakawanda munyika
yeZimbabwe, uye ine ivhu dzvuku iro rinonzi navana mazvikokota haridi fotereza
yakawanda zvokuti kunyangwe angobiridzira kurima haashayi chokubata.

Most Popular