More
    HomeProvincial NewspapersVarimi vofarira mvura yaturuka

    Varimi vofarira mvura yaturuka

    Published on

    spot_img

    CHINHOYI- VARIMI vemapindu ari mudhorobha reChinhoyi vanoti vari kufara nekuturuka
    kuri kuita mvura mwaka uno.
    Varimi ava ndevaye vanogara mudhorobha asi vanotora mukana wokurima muzvitsuwa
    zvakasiwa pakurongwa kwedzimba.
    Amai Mutema, umwe wevarimi ave, vakati varikufara zvikuru nemvura iri kunaya zuva nezuva
    vachiti yabatsira zvikuru kuchibage chavo icho chavapedyo nokubuda muchekechera.
    “Chibage changu chakura zvokuti chava kuda kutofurura saka mvura yanaya nguva yakanaka.
    Chibage chandinorima chinondibatsira gore negore nokuti ndinokohwa masaga mashanu zvokuti
    gore rinotopera ndichigaisa ndisingatengi upfu. Ipo pamberi pemba yangu ndipo poga
    pandinorima handirimi pakakura asi kwandiri zvinondikwanira,” vakadaro Amai Mutema.
    Gogo Rosemary Tsengere avo vanorima pamberi pemukova wavo muColdstream uye vane
    purazi kuMakonde vanoti mvura yauya panguva yakaringana zvokuti gore rino vanokohwa
    samakore ose.
    “Mvura iri kunaya zvakanaka chibage chandinorima muno mudhorobha chinodyiwa nevazukuru
    vangu vachibika havo. Kupurazi takarima munda wose zvokuti gore rino tichakohwa
    sezvatinoita makore ose. Varimi vanofanirwa kushandisa mvura iri kunaya zvineungwaru.
    Nguva ino yaakuda kudyara mbambaira kune avo vane mbeu yacho, nokuti nguva yokudyara
    chibage yakatodarika,” vakadaro Gogo Tsengere.
    Felex Kasinamuchenga anogara muChikonohono muChinhoyi makare akatiwo aive akagadzirira
    kuuya kwemvura achiti anorima nechirongwa cheHurumende chePfumvudza icho chaanoti
    chirikumubatsira gore negore.
    Akaenderera mberi achiti vanhu vose dai vashandisa bindu ripi neripi zvaro riri kushaya
    anorima. Akati kunyangwe dzimwe nzvimbo dzakamirira kuvakwa varidzi vadzo
    ngavambodzishandisa kurima nechirongwa chePfumvudza sezvo chirikuitirwa kunyangwe avo
    vari mumadhorobha.
    Varimi vemudhorobha reChinhoyi vakarima nzvimbo zhinji kusanganisira dzimwe
    dzisingabvumirwi pamurawo yezvenharaunda, asi chibage chizhinji chiri munzvimbo idzi chiri
    kutaridzika zvakanaka zvokuti goho racho richange rakakura.

    Chinhoyi iri munharaunda yeMakonde iyo inonaya mvura yakawanda munyika yeZimbabwe,
    uye ine ivhu dzvuku iro rinonzi navana mazvikokota haridi fotereza yakawanda zvokuti
    kunyangwe angobiridzira kurima haashayi chokubata.

    Latest articles

    KMC WINS THE COMMUNITY EMPOWERMENT AND SOCIAL IMPACT AWARD

    Kamativi Mining Company (KMC), a leading lithium producer, has been honored with the prestigious...

    ZIFA convenes club licensing regulations workshop

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe Football Association (ZIFA) on Thursday convened a workshop...

    Government still pursuing establishment of Road Accident Fund

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe government is expediting the establishment of the Road...

    Caledonia Mining Posts 467 percent Profit Surge

    Harare, (New Ziana) — Caledonia Mining Corporation recorded a dramatic 467 percent surge in...

    More like this

    KMC WINS THE COMMUNITY EMPOWERMENT AND SOCIAL IMPACT AWARD

    Kamativi Mining Company (KMC), a leading lithium producer, has been honored with the prestigious...

    ZIFA convenes club licensing regulations workshop

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe Football Association (ZIFA) on Thursday convened a workshop...

    Government still pursuing establishment of Road Accident Fund

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe government is expediting the establishment of the Road...
    error: Content is protected !!