LOADING

Type to search

Masvingo Star Provincial Newspapers

Varimi vokurudzirwa kuchengetedza mombe

Share

Varimi vemuMasvingo vakurudzirwa kurinda mombe dzavo kuti dzisanodya muminda sezvo nokuda
kwekupisa kwezuva zvimwe zvirimwa zvinova neutachiona hunouraya zvipfuwo.

Zimbabwe yakatarisana nedambudziko renzara sezvo pakawongororwa nana maazvikokota
vemamiriro ekunze kuti mwaka uno kuchange kusina mvura yakakwana.

Masvingo nderimwe dunhu rasangana nedambudziko iri zvakanyanya nekuti kubva zvamboturuka
mvura kune dzimwe nzvimbo, Masvingo haina kuwana mvura yakanyanya.

Mukuru weverimisi mudunhu reMasvingo, Caristo Masiiwa akati nokuda kokusanaya kwemvura
zvirimwa zvaita semapfunde zvinoita utachiona hunozivikanwa seprussic acid iyo isna kufaira
kuzvipfuwo.

“Tine varimi vakanga vadyara mapfunde, chibage, rukweza nemhunga asi tine nzvimbo dzatirikuona
kuti tava nenguva yakareba tisina kuwana mvura. Mbesa idzi dzavakakusvava saka nokuda
kwaizvozvo tinogona kuva nedambudziko rekuti mombe dzikadya mapfunde anenge asvika panguva
yakadai tine inonzi prussic acid inotanga kuvapo mumapfunde kana agara nguva achishushikana
nekushaya mvura awomerwa kudaro mombe dzikadya dzinozofa.”

Vakapa chenjedzo varimi kuti kana zvichibvira vafudze mombe dzavo kana kurinda minda yavo kuti
vadzivirire kurasikirwa nemombe dzavo.

“Tinoda kukurudzira varimi vose vemapfunde mumatunhu ose muMasvingo kuti ngatitarisei mbeu
dzedu kana mombe dzikadya tinogona kuita dambudziko rekufirwa nemombe.Tinoda kukurudzira
varimi vose vane mombe kuti ngatirindei, tifudze mombe dzedu dzirege kudya mapfunde akadero
nekuti tinogona kuzosanagana nedambudziko.”

Next Up