More
    HomeMasvingo StarVarimi vokurudzirwa kuchengetedza mombe

    Varimi vokurudzirwa kuchengetedza mombe

    Published on

    spot_img

    Varimi vemuMasvingo vakurudzirwa kurinda mombe dzavo kuti dzisanodya muminda sezvo nokuda
    kwekupisa kwezuva zvimwe zvirimwa zvinova neutachiona hunouraya zvipfuwo.

    Zimbabwe yakatarisana nedambudziko renzara sezvo pakawongororwa nana maazvikokota
    vemamiriro ekunze kuti mwaka uno kuchange kusina mvura yakakwana.

    Masvingo nderimwe dunhu rasangana nedambudziko iri zvakanyanya nekuti kubva zvamboturuka
    mvura kune dzimwe nzvimbo, Masvingo haina kuwana mvura yakanyanya.

    Mukuru weverimisi mudunhu reMasvingo, Caristo Masiiwa akati nokuda kokusanaya kwemvura
    zvirimwa zvaita semapfunde zvinoita utachiona hunozivikanwa seprussic acid iyo isna kufaira
    kuzvipfuwo.

    “Tine varimi vakanga vadyara mapfunde, chibage, rukweza nemhunga asi tine nzvimbo dzatirikuona
    kuti tava nenguva yakareba tisina kuwana mvura. Mbesa idzi dzavakakusvava saka nokuda
    kwaizvozvo tinogona kuva nedambudziko rekuti mombe dzikadya mapfunde anenge asvika panguva
    yakadai tine inonzi prussic acid inotanga kuvapo mumapfunde kana agara nguva achishushikana
    nekushaya mvura awomerwa kudaro mombe dzikadya dzinozofa.”

    Vakapa chenjedzo varimi kuti kana zvichibvira vafudze mombe dzavo kana kurinda minda yavo kuti
    vadzivirire kurasikirwa nemombe dzavo.

    “Tinoda kukurudzira varimi vose vemapfunde mumatunhu ose muMasvingo kuti ngatitarisei mbeu
    dzedu kana mombe dzikadya tinogona kuita dambudziko rekufirwa nemombe.Tinoda kukurudzira
    varimi vose vane mombe kuti ngatirindei, tifudze mombe dzedu dzirege kudya mapfunde akadero
    nekuti tinogona kuzosanagana nedambudziko.”

    Latest articles

    Warriors set to receive US$500k AFCON prize money

    Zimbabwe’s senior men’s national soccer team, the Warriors, will receive US$500,000 from the Confederation...

    Zanu PF secures Bikita Ward 13 seat unopposed

    Antony Chawagarira BIKITA – Zanu PF candidate Obvious Tinarwo Madzivanyika has been declared the new...

    Prof. Jiri warns land barons

    Harare, (New Ziana) – Permanent Secretary in the Ministry of Lands, Agriculture, Fisheries, Water...

    Malaria kills four

    Harare, (New Ziana) – The country recorded four malaria-related deaths and more than 1,700...

    More like this

    Warriors set to receive US$500k AFCON prize money

    Zimbabwe’s senior men’s national soccer team, the Warriors, will receive US$500,000 from the Confederation...

    Zanu PF secures Bikita Ward 13 seat unopposed

    Antony Chawagarira BIKITA – Zanu PF candidate Obvious Tinarwo Madzivanyika has been declared the new...

    Prof. Jiri warns land barons

    Harare, (New Ziana) – Permanent Secretary in the Ministry of Lands, Agriculture, Fisheries, Water...
    error: Content is protected !!