LOADING

Type to search

Masvingo Star Provincial Newspapers

Varimi vokurudzirwa kusapisa masango

Share

NaSharon Chimenya

VARIMI vezvipfuwo vakurudzirwa kusapisa masango kuitira zvipfuwo zvavo, zvichitevera kusanaya zvakanaka kwemvura mwaka uno. Gore rino nzara yakauya nokuda kweEl Nino, iyo yakaita kuti varimi vazhinji varasikirwe nezvirimwa zvavo.

Vachitaura nevatori venhau, mukuru anoona nezveongororo dzezvipfuwo kubazi rezvekurima, Andrew Chamisa, akati mafuro achiri kuratidzika zvakanaka, asi varimi vachirega zvekupisa masango. “Tirikukurudzira varimi vezvipfuwo, mombe, mbudzi, makwai nemadhongi kuti vachengetedze zvipfuyo zvavo zvisakanganiswa nedambudziko ratakatarisana naro. Chinhu chikuru chatiri kukurudzira ndechokuti vacheke uswa.

“Mafuro mazhinji achiri kutaridzika zvakanaka saka tiri kukurudzira varimi kuti vakacheka uswa vonokwanisa kupa zvipfuwo. Tinokurudzira varimi kuti vasapisa masango nokuti vakapisa masango uswa hese hunofurwa nemombe hunotsva.”

Chamisa akakurudzira varimi kuti vashande pamwe nevemadhumeni neveEnvironmental Management Agency (EMA) kugadzira nzira dzekuti vadzivirere moto. Vakati varimi vasarase mashanga avo asi vamachengete kuitira kuzopa mombe dzavo pamwaka urikutevera.

“Tinokurudzirazve varimi kuti ngavagadzire chikafu vachishandisa mashanga anowanikwa apo vanhu pavanenge vapedza kukohwa. Vakaita yatinoti Urea treatment of stover inobetsera mombe.”