LOADING

Type to search

Masvingo Star Provincial Newspapers

Vechidiki ngavaremekedze varwi verusununguko

Share

NaSharon Chimenya

APO Zimbabwe iri kupemberera makore makumi mana nemana vechidiki avo vakazvarwa mushure mekunge nyika yawana kuzvitonga kuzere vakurudzirwa kuremekedze nhoroondo yevarwi verusununguko.
Vachitaura neMasvingo Star, VaPatricia Mapfumo umwe wevakakuvara munguva yehondo vakati zvinorwadza kunzwa vechidiki vachitaura kuti pfuti ngaiuye.

Nokuda kwekusaziva nekusanzwisisa vamwe vechidiki vanotaura mashoko anodzimba vamwe vakakuvara nevakarasikirwa nehama dzavo munguva yehondo.

Vamwe ndivo vanoti ngaidzokere kwayakabva tinonoitora izvo zvinomutsa mavanga eavo vakazvipira kusunungura nyika ino.

“Ndinofara nechiitiko chaitwa pano paKamungoma nokuda kwekuti chiyeuchidzo huye mufananidzo wokuvaka nyika yedu. Mufananidzo wokudzidzisa pwere dzinoti pfuti ngaiuye tinogona kuipakata, kutaura zvavasingagoni kuita.”

Vechidiki vakakurudzirwa kuti vadzidze kwakabva nevakuru vakaona hondo kuti vaone kukosha kwenhoroondo yerusununguko. Hurumende kuburikidza nebazi reHome Affairs and Cultural Heritage irikuvandidza nzvimbo dzinopemberera nokurangarira varwi verusununguko.

Hillary Masasa wechidiki, anobva kuWard 5 muBikita, akati kusununguka kwakaita nyika kunomupa mukana wokuita zvaanoda nekufamba zvaanoda pasina anomuvhunza munyika yakasununguka.

“Kurangarira zuva rekuzvitonga kuzere kunondibatsira kuona kukosha kwevakarwa hondo dai vasina kuzvipira kurwisa vavengi pamwe deno ndisipo kana deno ndichiri pasi pehudzvanyiriri. Kuzitonga kuzere kwakauya narwo Rusununguko. Ndinokwanisa kuita zvandinoda, kufamba nguva yandinoda pasina anondibvunza munyika yekwedu.”

Gore rino dunhu reMasvingo ririkunopemberera kuzvitonga kuzere kwaChivi vachibva mukuitika munhandare yeMucheke umo vakange vachiitira gore negore.