LOADING

Type to search

Agriculture Provincial Newspapers Telegraph

Vemumadhorobha Votarisira Pfumvudza

Share

CHEGUTU – VARIMI veminda midiki mumadhorobha anoti Kadoma neChegutu
varimushishi kugadzira minda sezvinodiwa nevarimisi kuitira kuti vawanewo mbeu,
fotereza nemishonga yesora uye zvipukanana pachapiwa zvekurimisa
zvePfumvudza.

Sekutaurwa kwazvakaitwa nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa,
munhu wese ane zvinodiwa anofanira kuti awane zviwanikwa zvePfumvudza.
Mumwe murimisi muChegutu akaudza varimi kuti pasipoti yekuwana Pfumvudza
ndiye murimi pachake.

Pasipoti yekuti uwane Pfumvudza ndiwe pachako. Kana ukangoteedzera zvinodiwa
chete, unowana. Saka, chekutanga kugadzira ndima dzenyu mobva machera
makomba enyu zvine mwero, mobva maisa gumbeze (mulch), mangodaro chete
matopinda, akadaro murimisi Pardon Marumahoko.

Marumahoko akayeuchidza varimi kuti kune vanhu vachatenderera vachitarisa
vakaita basa zvomene vobva vatonyorwa mazita avo pane avo vachapihwa. Anenge
akaita zvakewo anenge atofoira otomirira mwaka unotevera.

Murimi oga oga akutarisirwa kuwana fotoreza yeCompound D neAmonium Nitrate
zvingaita mbeu uye mishonga inoenderana nechindima chimwechete.

MuKadoma varimi vaishena shena kwazvo muminda kunyanya pakanaya mvura
panguva yapera. Mvura yakapa vanhu vazhinji kuti vamhanye muminda
kunogadzirira.Vamwe vainge vakatopedza zvavo kugadzira vakatodyara zvokuti
mumera wavo watova nemashizha matatu kana mana.

Revai Katumba, akati haana kumboteerera zviya zvekuti vanhu vambomira kudyara
nekuti mvura yainge isati yatanga.

"Ini ndakadyara nemvura iyo iya yekutanga. Chibage changu chakatobuda
zvakanaka chose, chatova nemashizha matatu zvokuti painodzoka mvura
ndakutoisa AN. Hapana paichaita mwedzi isina kunaya, saka chibage changu
hachimbofa nezuva," akadaro Katumba.

Mbuya Sosana Muyambo vakati Pfumvudza vakaimirira nekuti ndiyo mbeu chete
yavanogona kuwana nekuti muzvitoro zvembeu hamuchapindika.

"Hapana chandinopindira muzvitoro zvembeu nekuti mari yekutenga mbeu yacho
handina, saka ndinotomirira iyoyi yeHurumende. Munda ndakapedza kugadzira
ndangomirira Pfumvudza," vakadaro Mbuya Muyambo.

Hurumende yakatsidza kuti ichapa Pfumvudza kuna ani naani zvake anokodzera
zvisinei nekuti munhu ndewe bato ripi rezvematongerwo enyika. Gore rapera varimi
vazhinji kwazvo vemumadhorobha vakawana Pfumvudza, vamwe ndokutowana
pundutso kubva ipapo nanhasi vari kuguta.

Vamwewo vakawana zviwanikwa zvePfumvudza ndivo vakatengesa zvinova
zvinodzosera zvirongwa zveHurumende mumashure. Kune vamwe vashandi
veHurumende vainge varimowo muurongwa hwegovera zviwanikwa izvi
vakasungwa nekuda kwekuba.

Fotoreza inosvika matani makumi mapfumbamwe (90 tonnes) inonzi yakabiwa
pamwaka wapera nembavha dzisina tsitsi neruzhinji rwevanhu.