LOADING

Type to search

Masvingo Star Provincial Newspapers

Zaka yomisa kuungana kwevanhu

Share

DUNHU rekuZaka ramisa kuungana kwevanhu pasina wongororo yevezveutano
zvichitevera kuputika kwechirwere checholera.
Mugwaro rakabuda muvhiki rapfuura vanoona nezveutano mudunhu iri zvinorakidza
kuti nharaunda ina dze10, 14,15 ne21 ndidzo dzapindwa nechirwere ichi.
Izvi zvopa kuti gadziriro dzekudzivirira kupararira kwacho chiiswe zvinosanganisira
kudzivisa kuungana kwevanhu pasina munhu wezveutano.
Vagari vemudunhu iri vakurudzirwa kushandisa nzira yekuchenesa mvura dzakaita
sekukwatisa vasati vanwa, musangano yematumba ekumakerereke amiswa uye
ndufu dzese dzavakuitwa pasi pemunhu wezveutano.
Kugadzirwa kwezvokudya nekuungana kwevanhu vanodarika makumi mashanu
pandufu zvambomiswa.
Nzvimbo dzekutandarira vanhu vachiita ndari zvambonzi zvimbomira uye kutengesa
chikafu panzvimbo dzisingabvumirwi zvambomiswa.
Chirwere ichi chakaputikawo mudunhu reChiredzi neBikita.