Antony Chawagarira
Harare-Murume anonzi Anymore Zvitsva uyo ari kupomerwa mhosva dzekuuraya vanhu vakawanda munzvimbo dzeGuruve neMvurwi abvuma mhosva gumi dzekubata chibharo pamwe nekuedza kuuraya paakaendeswa kudare remuHarare nhasi musi weChitatu.
Zvitsva anonzi akabvuma mhosva idzi pamberi pemutongi wedare remuMagistrate, nyaya yake ichitarisirwa kuendeswa kuHigh Court kuti itongwe zvizere.
Maererano nemagwaro edare, munhu anonzi ndiye akatanga kuurayiwa naZvitsva ndiModester Isaac wekuNyakapupu kuGuruve muna 2024.Zvitsva anonzi akamumanikidza kupinda musango, ndokumudzipa kusvikira afa asati amusungirira pamuti.
Mapepa edare anoti kurwiswa muchivande nekuuraya uku kwakazoenderera mberi kuMubaiwa Village uko anonzi akarwisa vakadzi vaviri vainge vachibva kutsime, achivadzvinya nekumonyorora mitsipa umwe wavo ndokuzowanikwa akasungirirwa pamuti.
Zvitsva anonzi zvakare akarwisa Alice Marangarire kuMvurwi gore rapfuura(2025) paakanga achitsvaga mombe, achimutyisidzira nebhemba asati amudzipa newaya.
Mumwe mwedzi iwoyo kuMubaiwa Village kuGuruve, anonzi akauraya Elisha Dickens Chikwavarara nechombo chisati chazivikanwa, ndokuzodzipa Dudzai Mazuvaawanda achibva amusungirira pamuti.
Mhosva dziri kutarisana naZvitsva dzinosanganisirawo kuuraya nhengo shanu dzemhuri paOna Farm muna Zvita wegore rapfuura..
Anonziwo akabata chibharo vakadzi vaviri kuBosha Village asati avadzipa nekuvapa muchetura mumwedzi iwoyo.Pane imwe mhosva zvakare yaari kupomerwa yekuuraya mumwe mukadzi paMuzura Farm achishandisa pfumo.
Mapurisa anoti vanhu vanofungidzirwa kuurayiwa naZvitsva vave kusvika gumi nepfumbamwe(19).
Zvitsva akasungwa muna Zvita wegore rapfuura mushure meoparesheni yakaitwa pamwe chete neZimbabwe Republic Police, Zimbabwe National Army pamwe neAir Force of Zimbabwe.











