More
    HomeMasvingo StarVejowani marange vosunga zvinhu

    Vejowani marange vosunga zvinhu

    Published on

    spot_img

    CHEGUTU- VAZHINJI vechitendero cheJohanne Marange vakuita hwemutamba kitsi nagonzo
    apo vakupota vachihwandisa vana kubva kuvashandi vezveutano vakufamba vachitenderera
    nemaraini vachidonhedzera vana nhomba yekudzivirira mhetamakumbo.
    Vatendi vazhinji kwazvo vanoti hazvisi kuzomboitika kuti vana vavo vazombobvira
    vakashandisha mushonga kunyange hwemhando ipi zvayo.
    Vanoti ivo vatova vanasadzimba wani vasina kana kumbobvira vamedza chero mushonga,
    mapuritsi kana kubaiwa jekusini ripi zvaro. Zvino vanotoganza zvavo. Hanzi kupedza nguva
    kweHurumunde kuedza chero nenzira ipi neipi kuvamanikidzira kupa vana mishonga.
    "Ko iyo Hurumende inopedzereiko nguva nekutaura zvainoziva kuti isu veMarange
    hatitenderane nazvo. Hakasi kekutanga Hurumende ichizviedza zvichiramba saka apa chachinja
    chii.
    "Ini zera rangu rino handitozivi chinonzi jekiseni kana mushonga upi zvayo, asi mwari
    vanongondichengeta. Naizvozvo handina mwana anopiwa miti asi mvura dzeminamato chete,"
    akadaro rabhauma Silent Mugwisi.
    Vana vazhinji vechechi iyoyi vanofa nekuda kwekuti vabereki vavo vanoisa zvitanda munzeve
    panoziviswa kuti vana ngavagare vakadzivirirwa kubva kuzvirwere zvakasiyanasiyana
    Mugwisi anozviramba achiti ichokwadi zvirwere zvevana zvinouraya, asi vana veMarange
    vanongofawo sevamwe vana vese kana urwere hwavakunda.
    Vanamukoti vaifamba vachidonhedzera vana nhomba iyoyi vakatsinhirawo vakati chokwadi
    vatendi veJohanne Marange vakavangarara.
    Vanamukoti ava vanoti vana vanotopfigirwa mudzimba vamwe kutotumwa nekukurumidza kuri
    kuitira kutiza mishonga.
    "Chokwadi isu taona dambudziko hombe kwazvo nekuda kwevanhu vanokudza chitendero
    zvakadaro kukanganwa kukosha kwemwana.Tirikuti tidzivirire zvirwere zvevana nyika yose, asi
    unotoona vamwe vabereki vachitoomesa musoro nokuramba.”

    Latest articles

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...

    Masvingo records 5000 drug abuse cases

    Antony Chawagarira BIKITA -- The fight against drug and substance abuse is intensifying across Masvingo...

    More like this

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...
    error: Content is protected !!