More
    HomeChaminukaHurumende yofarira mabasa ari kuitwa muMarondera

    Hurumende yofarira mabasa ari kuitwa muMarondera

    Published on

    spot_img

    MARONDERA- Munyori wekusimudzirwa kwedunhu reMashonaland East, VaTavabarira Kutamahufa
    vanoti vanofadzwa zvikuru neshanduko iri kuitika mudhorobha reMarondera iyo yaona kuvakwa
    kwezvinhu zvakawanda nenguva dikidiki.
    Vakataura izvi pavakafamba vachiona budiriro iri kuitika muzvivakwa pamwe nemamwewo mabasa
    muguta iri svondo rakapera.
    Vachitaura nevatapi venhau mushure mekutenderera pachivakwa ichi, VaKutamahufa vakati ivo
    chivakwa ichi chichanakisa nzvimbo yeMarondera sezvo inenge yashongedzwa zvakanyatsonaka.
    Vakatizve zvichaita kuti nyaya dzezvemabhizimisi mudhorobha iri dzinge dzichisimukira sezvo paine
    makambani ane chitsamha achange achiitira mabasa awo pamuzinda uyu.
    Mamwe emakambani anenge aine mahofisi nezvitoro pachivakwa ichi anosanganisira Bon Marche,
    Bola Hardware, ZINARA, Surrey, ZETDC nemamwewo.
    "Chivakwa chitsva ichi chiri kunyatsokwenenzverwa uye misikidzo yacho yakanaka zvekuti
    Marondera ichange yanyatsoshongedzeka. Izvi zvinofadza zvikuru sezvotichiiona kuti kuvhurwa
    kwezvitoro nemizinda yemakambani akasiyana-siyana kuchaita kuti vagari vemuno vawane mabasa
    pamwe nekuva nesarudzo yakawedzerwa kana vachinge vave kutenga zvavanoda,” vakadaro
    vaKutamahufa.
    Mukuru ari kuona nezvekufambiswa kwemabasa pakuvakwa kwemuzinda wezvekutengeserana uyu,
    Engineer Lloyd Ngoro vakati vanotarisira kuti kuvakwa kwawo kuchange kwapera mukati memwedzi
    waKurume.
    Vakati: “Basa riri kufambira mberi zvakanaka chose uye pangosara zvishoma zvinoda kubatwa-batwa
    kuti muzinda kuti kuvakwa kwemuzinda uyu kunge kuchipera. Tinotarisira kupedza muKurume uye
    munaKubvumbi, vemabhizimisi vanenge vatotanga kuvhura zvitoro zvavo kuruzhinji.”

    Latest articles

    KMC WINS THE COMMUNITY EMPOWERMENT AND SOCIAL IMPACT AWARD

    Kamativi Mining Company (KMC), a leading lithium producer, has been honored with the prestigious...

    ZIFA convenes club licensing regulations workshop

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe Football Association (ZIFA) on Thursday convened a workshop...

    Government still pursuing establishment of Road Accident Fund

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe government is expediting the establishment of the Road...

    Caledonia Mining Posts 467 percent Profit Surge

    Harare, (New Ziana) — Caledonia Mining Corporation recorded a dramatic 467 percent surge in...

    More like this

    KMC WINS THE COMMUNITY EMPOWERMENT AND SOCIAL IMPACT AWARD

    Kamativi Mining Company (KMC), a leading lithium producer, has been honored with the prestigious...

    ZIFA convenes club licensing regulations workshop

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe Football Association (ZIFA) on Thursday convened a workshop...

    Government still pursuing establishment of Road Accident Fund

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe government is expediting the establishment of the Road...
    error: Content is protected !!