GURUKOTA rebazi rinoona nezvekufambiswa kwemashoko nezve masaisai reInformation
Communication Technology Postal and Courier Services, Dr Jenfan Muswere, vati bazi ravo
ririkushanda kudzoredzera mukaha pakati pevari kumaruwa nevari mumadhorobha.
Vachitaura pagungano rekuparura chirongwa chemakomputa paMushandike High School
muMasvingo, Dr Muswere vakati kuti vanhu vange vachibatirana pamwe mukuvandudza
nyika panofanira kunge pasisina mukaha pakati pevanhu vari kumaruwa nevari
mumadhorobha.
“Takanangana nekuti munhu wese muno munyika arikumaruwa, arikumapurazi, vari
kunzvimbo dzakasiyana siyana vange vachiwaniswa mikana yakaenzana kuitira kuti tese
tinge tichivaka nyika yedu tichibatsirana. Tichibatsirana nevese vari kumaruwa nevese vari
kunzvimbo dzinonzi dzakasarira.”
Dr Muswere vakati munhu wese anofanira kunge ave neunyanzi hwezvekutekenywa kwezve
masaisai nokuti ruzivo urwu ndiro rwakanyanya kukosha munguva ye4th industrial
revolution.
“Kuuya kwataita kwakanangana nekuti chikoro chimwe nechimwe, nharaunda imwe neimwe
inofanira kuuya ichiwaniswa mukana pasi pechirongwa chePOTRAZ Universal Services
Fund Programme yakanangana nekuenzaniswa kwemikana iri muno munyika kuti vana vari
kuno kwaMushandike vange vaine ruzivo rwakafanana neruzivo rwevana vanenge
varikumadhorobha, vange vaine ruzivo rwevana vanowanikwa kuChina, vange vaine ruzivo
runowanikwa nevana vari kuAmerica.”
Zvikoro zvinokwana kuita gumi nezviviri (12) zvakaparurwa pachirongwa chakaitwa
neMuvhuro vhiki yakapara muMasvingo zvinosanganisira Chiredzi Christian College,
Mushandike High School ne Chirichoga High School.


