More
    HomeMasvingo StarICT yoshingaira kuputsa mukaha pakati penharaunda

    ICT yoshingaira kuputsa mukaha pakati penharaunda

    Published on

    spot_img

    GURUKOTA rebazi rinoona nezvekufambiswa kwemashoko nezve masaisai reInformation
    Communication Technology Postal and Courier Services, Dr Jenfan Muswere, vati bazi ravo
    ririkushanda kudzoredzera mukaha pakati pevari kumaruwa nevari mumadhorobha.
    Vachitaura pagungano rekuparura chirongwa chemakomputa paMushandike High School
    muMasvingo, Dr Muswere vakati kuti vanhu vange vachibatirana pamwe mukuvandudza
    nyika panofanira kunge pasisina mukaha pakati pevanhu vari kumaruwa nevari
    mumadhorobha.
    “Takanangana nekuti munhu wese muno munyika arikumaruwa, arikumapurazi, vari
    kunzvimbo dzakasiyana siyana vange vachiwaniswa mikana yakaenzana kuitira kuti tese
    tinge tichivaka nyika yedu tichibatsirana. Tichibatsirana nevese vari kumaruwa nevese vari
    kunzvimbo dzinonzi dzakasarira.”
    Dr Muswere vakati munhu wese anofanira kunge ave neunyanzi hwezvekutekenywa kwezve
    masaisai nokuti ruzivo urwu ndiro rwakanyanya kukosha munguva ye4th industrial
    revolution.
    “Kuuya kwataita kwakanangana nekuti chikoro chimwe nechimwe, nharaunda imwe neimwe
    inofanira kuuya ichiwaniswa mukana pasi pechirongwa chePOTRAZ Universal Services
    Fund Programme yakanangana nekuenzaniswa kwemikana iri muno munyika kuti vana vari
    kuno kwaMushandike vange vaine ruzivo rwakafanana neruzivo rwevana vanenge
    varikumadhorobha, vange vaine ruzivo rwevana vanowanikwa kuChina, vange vaine ruzivo
    runowanikwa nevana vari kuAmerica.”
    Zvikoro zvinokwana kuita gumi nezviviri (12) zvakaparurwa pachirongwa chakaitwa
    neMuvhuro vhiki yakapara muMasvingo zvinosanganisira Chiredzi Christian College,
    Mushandike High School ne Chirichoga High School.

    Latest articles

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...

    Masvingo records 5000 drug abuse cases

    Antony Chawagarira BIKITA -- The fight against drug and substance abuse is intensifying across Masvingo...

    More like this

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...
    error: Content is protected !!