MARONDERA- Igaroziva kuti kupa rukudzo kune vechikuru vatinogarisana navo
kunyangwe ivo vacho vatinenge tisingagarisane navo nguva nenguva kunoita kuti
tiwane makomborero akavandudzwa kubva kunaNyadenga.
Vabve zera vose vakawana nekubata zvakawanda mukati mehupenyu
hwatinorarama uye pane zvakawanda zvatinokwanisa kudzidza kubva kwavari
zvinoita kuti hupenyu hwedu hunge huchifamba nehwaro hwakanaka.
Izvi zvakazadzikiswa nemutungamiri wenyika yeZimbabwe, President Mnangagwa,
pamwechete nebato ravanotungamirira uye riri kutonga reZanu PF mushure
mekunge vapa chiremerera kune vakuru vakabatsirisa mukurwira hondo
yerusununguko uye munguva dzakazotevera dzekuvaka nyika yedu iri pakati penzizi
Zambezi naLimpopo.
Mumwedzi yatichangopfuura, bato reZanu PF rakaumba bandiko revechikuru vari
mumusangano uyu rinozivikanwa nekuti Elders Council uye riine nhengo dzinosvika
gumi. Risati raumba bandiko iri, bato rekuunza kuzvitonga kuzere munyika iri rainge
raumbazve rimwe bandiko revarwiri vehondo yakaunza rusununguko muZimbabwe
rinozivikanwa nekuti War Veterans League.
Kuita uku kwakaburitsa pachena kuzvipira kwakaita Zanu PF haifi yakarasa vacho
vakaumbiridza huvepo hwayo mumakore ekare uye zvikaratidzawo kuzvipira
kwebato iri kushanda zvakadzama nenhengo dzaro dzose.
Zvinobatsirazve pakuumbwa kwemusangano zvinoenderera mberi sezvo ruzivo
rwune nhengo dzeElders Council nedzeWar Veterans League pamusoro
penhoroondo yenyika ino uye nezvinofanirwa kuti zvinge zvichiitwa pakuvaka
Zimbabwe rwuchizoshandiswa nguva nenguva.
Kune vangangodaro vasina kunge vaziva panguva yayakagadzwa, Elders Council
ine nhengo dzinosanganisira dziri pamongo hwehutongi hwenyika nemuPolitburo
uye nedzimwewo dzine hunyanzvi hwakadzama maererano nemakore avadhonza
vachishandira nyika, kuvimbika kwavo uye ruzivo rwemandiriri rwavainarwo.
Basa ravo nderekuzivisa nekuratidza chiedza kumutungamiri wenyika maererano
nezvenyaya dzekutonga nyika pamwe nekuddyidzanawo naidzo dzekunze.
Nhengo idzi, idzo dzinotungamirirwa naDr Sydney Sekeramayi dzinopazve mazano
ekuvaka kana kudzoreredza makakatanwa anganyuke nguva nenguva pakati
penhengo dzebato riri kutonga iri, kupa gwara rakafanira rinofanirwa kunge
richitevedzwa zvinosimbisa musangano kana zvimwewo zvingade mazano
kunaPresident Mnangagwa
Zviri pachena semuswe wembudzi kuti kuumbwa kwebandiko iri kuchaita kuti
nhoroondo yeZanu PF inge ichigara yakachengetedzwa uye isazombofa
yakazunungutswa nemuvengi zvachose.
Mabasa avo avakabata mushure mekuzvipira uye avari kubata kunyangwe pari
nhasi ekuti Zimbabwe irambe iri nyika inotongwa nekushandirwa nezvizvarwa zvayo
achabatsiridza zvikuru panguva iyo Hurumende iine matanho emabasa airi kuita kuti
nyika ino izova nehupfumi hwakavandudzika nekugarisika kwevanhu vayo
muhupenyu hunoyemurika patinozosvika mugore ra2030.
Panguva iyo President Mnangagwa vairatidza kuti zvinokosha kusebedza pedo
pamwe nekuve nebandiko revechikuru vane nhoroondo yakadzama yemusangano
wavo vachiushandira nesimba nguva nenguva, tinoona kuti mutungamiri webato
rinopikisa VaNelson Chamisa aye vachazenge vachikwikwidzawo kuti vagozova
mutungamiri wenyika musarudzo dzemunyika dzichaitwa musi wa23 Nyamavhuvhu
avo vari kungoramba vachitarisira pasi vechikuru vemubato rinopikisa iri.
VaChamisa vanoedza nepose pavanokwanisa napo kudzikisira pasi vechikuru
vagara vari mubato rinopikisa zvisinei nezita rarinenge riinaro panguva iyoyo. Maitiro
aya anoratidza zivo shoma kubva kune uyo anoti anokwanisa kuzotonga nyika yose
pajekerere.
Mutungamiri webato rinopikisa uyu anosarudza kusebedza pedo naye vadiki vane
mikaka pamhino panyaya dzezvematongerwo enyika zvinova zvinoita kuti
kungogara kuine makakatanwa nekusawirirana mubato iri.
Izvi zvimwe zvezvichaita kuti bato iri rirakashwe neZanu PF musarudzo dziri
kutevera.
Ndinodaro nekuda kwekuti ndisiri hangu chamanwiza panhau dzezvematongerwo
enyika, ndinoona kuti kubvorongedzera vechikuru vemubato rinopikisa iri rinounza
kugunun’una kwakakura mukati memusangano uyu pachezvavo zvekuti
pavanezenge vachikwikwidza musarudzo, anenzenge achingova mazvake-mazvake.
Mushure mekufuga ravo vega kwaVaMorgan Tsvangira avo vake mutungamiri
wekutanga webato rinopikisa, vaChamisa vakatsabvura hutungamiri hwebato iri
kubva kunaThokozani Khupe uye hunyoro huno, vakatsaurira vaTendai Biti parutivi
kuti vasazokwikwidza senhengo yeParamende yeHarare East.
Vamwe vakasairirwa ndokutsvetwa padivi kubva panguva iyo vaChamisa vakave
mukuru webato rinopikisa vanosanganisira baWelshman Ncube, vaIan Makonese
nedzimwe nhengo huru dzebato iri dzine mazita.
Pakufamba kwenguva, zvinofanirwa kungozivikanwa kuti vanhu ngatingokoshekesei
nekuziva nhoroondo nemafambiro anoitika mukati mehupenyu hwemaramiro edu.









