More
    HomeProvincial NewspapersMwaka wemoto wasvika, dunhu renyu makagadzirira here?

    Mwaka wemoto wasvika, dunhu renyu makagadzirira here?

    Published on

    spot_img

    GORE negore kubva musi was 31 Chikunguru kusvika musi wa 30 Mbudzi hapana
    anotenderwa kuvesa moto kunze kwechivanzi.
    Kushandiswa kwemoto kugobora minda kana kupisa mashanga echibage, donje
    kana fodya hazvitenderwe. Tinokurudzira kuti mutore matanho akasiyana siyana
    kudzivirira moto yesango anosanganisira:

    Kuita magwariro (fireguards) anodarika 9m kutenderedza misha, kereke,
    bhuku/chikoro kana purazi renyu. Huswa hwose hwakareba hwakatenderedza
    misha/zvikoro nematanga ngahuchekwe huchishandiswa kuita ma compost, kudya
    kwemombe kana kupfiririsa dzimba nemipanda.

    Vanovhima mhuka kana kubura huchi ngavarege kushandisa moto. Vaputi vefodya
    dzimai zvigusvani zvenyu.

    Dzidziso yekudzivirirwa kwemoto mupengo ngadzitaurwe pamisangano yose
    kusanganisira parufu, mumakereke, kunyange panokombwa makuva nekuti moto
    inoparadza mafuro, misha, midziyo uye hupenyu. Dzidzisai vana njodzi dzemoto
    muzvikoro uye nekumba kuti vazive kuipa kwemoto.

    Masabhuku vanokurudzirwa kuva nemapoka anotarisa zvemoto mupengo pamwe
    nekutemwa kwemiti uye makoronga nezvimwe zvese zvinechekuita nezviwanikwa.

    Misha yose ngaive nemakomba emarara uye makomba iwayo ngaasakurirwe kuti
    moto usapunyuke kana kupisa misha kana maiswa madota ane moto. Uye
    ngatigarei maspray edu aine mvura uye tinogona kugadzira zvekudzimisa moto
    tichishandisa matehwe kana ma heavy duty bags akabvaruka. Ibasa remunhu wose
    kudzima moto mupengo kana uchinge watanga.
    Mhan’arai mhosva dzose dzemoto mupengo kumadzishe nemasabhuku,
    kana kuzivisa vekanzuru yenyu, veEnvironmental Management Agency,
    Forestry Commission kana mapurisa aripedyo nemi.
    Kana muchida kuziva zvakawanda munogona kubata veEMA parunhare rwunoti
    Toll free 08080028 or 0867700244

    Latest articles

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...

    Masvingo records 5000 drug abuse cases

    Antony Chawagarira BIKITA -- The fight against drug and substance abuse is intensifying across Masvingo...

    More like this

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...
    error: Content is protected !!