More
    HomeProvincial NewspapersChikomba chakaonekwa sembavha, ndokupondwa

    Chikomba chakaonekwa sembavha, ndokupondwa

    Published on

    spot_img

    SHONA — Muchiitiko chinosuwisa, mumwe murume ane makore makumi maviri nemashanu (25)
    okuberekwa uyo akanga achishanyira musikana wake mumusha weMbizo unogara vanhu
    vakawanda, anonzi akarohwa zvakaipisisa mushure mokunge vavakidzani vamufungira kuti
    imbavha.
    Mapurisa vakazivisa nezverufu rwaSylvester Ncube uye kusungwa kwevanhu vakamurova
    zvakaipisisa.
    Mutauriri wemapurisa kuMidlands Inisipekita Emmanuel Mahoko vakati musi wa2 Chikunguru
    nenguva dza9 manheru, Ncube akashanyira musikana wake uyo anogara munzvimbo yeMbizo
    inogara vanhu vakawanda muKwekwe.
    "Akagogodza pamusuo wemusikana wake asi hapana akapindura.
    Akaenda kumba yomuvakidzani ndokugogodza zvakare.
    "Zvinonzi, mugari wepamba apa Philip Luthuli ane makore makumi maviri nemaviri (22) okuberekwa
    akabuda ndokubatana naShepherd Mafukidzekurova Ncube nechamboko nechinhu
    chisingazivikanwe mumuviri wake wose mushure mokunge vamufungira kuti imbavha," vakadaro
    VaMahoko.
    Inisipekita Mahoko vakati musi wa7 Chikunguru, Ncube akatanga kurwadziwa nembabvu ndokuzivisa
    shamwari dzake nezvekurohwa kwaakaitwa.Akaendeswa kuChipatara Chikuru cheKwekwe uko
    akanopiwa mubhedha kuti arapwe achigara pachipatara.
    Musi wa8 Chikunguru, kuma12:00 masikati, urwere rwaNcube rwakanyanyisa achibva ashaika.
    Vaviri vanofungidzirwa kuti ndivo vakapara mhosva iyi vanova Luthuli naMafukidze vakasungwa uye
    vari mumaoko emapurisa vachipomerwa mhosva yokuponda.
    Vanhu voruzhinji havafanirwe kurwisa kana kuisa mutemo mumaoko avo maererano nevanhu
    vavanofungidzira kuti vapara mhosva," vakadaro Inisipekita Mahoko.

    Nyaya iyi yakaturikirwa kubva kuChiRungu kuenda kuChiShona neMidlands State University National
    Language Institute.

    Latest articles

    President Calls for Content that Reflects Community Hopes

    Bulawayo, (New Ziana)-President Emmerson Mnangagwa has implored the nation to leverage on available communication...

    Churches partner gvt in HIV fight

    Harare, (New Ziana) - Religious leaders have pledged stronger support for the Prevention of...

    Prof Mthuli defends new VAT rate, announces revision of gold royalty proposal

    Harare, (New Ziana)- Finance, Economic Development and Investment Promotion Minister, Prof. Mthuli Ncube has...

    New Development Bank of BRICS: driver of growth for Global South countries

    In 2025 the NDB marked its 10th anniversary. Throughout this time, being essentially the...

    More like this

    President Calls for Content that Reflects Community Hopes

    Bulawayo, (New Ziana)-President Emmerson Mnangagwa has implored the nation to leverage on available communication...

    Churches partner gvt in HIV fight

    Harare, (New Ziana) - Religious leaders have pledged stronger support for the Prevention of...

    Prof Mthuli defends new VAT rate, announces revision of gold royalty proposal

    Harare, (New Ziana)- Finance, Economic Development and Investment Promotion Minister, Prof. Mthuli Ncube has...
    error: Content is protected !!