More
    HomeNehanda GuardianMaporofita orwisana

    Maporofita orwisana

    Published on

    spot_img

    MAMWE maporofita maviri kubva kukereke ichangonyuka kuMazowe yeShoko
    Dzvene Apostolic, vakarwisana svondo rapfuura nemusi weChishanu pasowe ravo
    mushure mekunge pasowe apa pasvika imwe mhene iyo yaida kushandirwa.
    Zvakaitika ndezvekuti pasowe revarume ava – Madzibaba Nickson Giremu
    naMadzibaba Samuel Tizola – pakasvika mumwe murume akange ane motokari
    yake uye aitaridza kuti akange aine mari.
    Zvadaro murume uyu akabva apfugama pasowe iri achimirira kushandira. Maporofita
    aya, pavakaona murume uyu achida kushandirwa vakaita chipiti-piti kumhanyidzana
    kuda kumushandira nokuti yakange iri mhene.
    Pakumhanyidzana apa, mumwe akatangirwa ndokurwadziwa nazvo. Vaviri ava
    vakazotanga kugwinyana gwinyana zvikazokonzera kuti varwe.
    Mukukakavadzana, maporofita aya vakabva vakandana zvibhakera apo vanhu
    vakatarisa pasowe iri izvo zvakazoita kuti murume aida kushandirwa asimuke
    ndokuenda zvake.
    Dambudziko rakange rafambirwa nemhene iyi hapana akange ataurirwa kusvika iye
    zvino.
    Nekuda kwechiitiko ichi, vatendi vekereke yeShoko Dzvene Apostolic vakashora
    zvikuru hunhu hwakaratidzwa nemaporifita aya.
    "Takanyara kuona maporofita vachirwira kushandira murwere. Kuita uku kwakaipa
    zvikuru," akadaro Rumbidzai Soko.
    Maporofita aya anobhadharisa kushandira varwere asi pasowe pavo hapawanzouya
    vanhu vazhinji saka pakauya munhu vanotogwinyana gwinyana nekuti panenge
    paita zvemari. Madzibaba Nickson Giremu vakabvuma kuti vakarwisana nemumwe
    wavo, asi vari kuti nyaya yacho hainei nevekunze kwe kereke yavo.

    Latest articles

    KMC WINS THE COMMUNITY EMPOWERMENT AND SOCIAL IMPACT AWARD

    Kamativi Mining Company (KMC), a leading lithium producer, has been honored with the prestigious...

    ZIFA convenes club licensing regulations workshop

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe Football Association (ZIFA) on Thursday convened a workshop...

    Government still pursuing establishment of Road Accident Fund

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe government is expediting the establishment of the Road...

    Caledonia Mining Posts 467 percent Profit Surge

    Harare, (New Ziana) — Caledonia Mining Corporation recorded a dramatic 467 percent surge in...

    More like this

    KMC WINS THE COMMUNITY EMPOWERMENT AND SOCIAL IMPACT AWARD

    Kamativi Mining Company (KMC), a leading lithium producer, has been honored with the prestigious...

    ZIFA convenes club licensing regulations workshop

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe Football Association (ZIFA) on Thursday convened a workshop...

    Government still pursuing establishment of Road Accident Fund

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe government is expediting the establishment of the Road...
    error: Content is protected !!