More
    HomeMasvingo StarNguva yekurasira marara pasi yapfuura

    Nguva yekurasira marara pasi yapfuura

    Published on

    spot_img

    TSIKA yokurasira marara pese pese nekuda kwekushaikwa pokumaisa, uye nekuda
    kwechijairira yakuzosvika mukupera sezvo kanzura yakapiwa mabhini ekuchenesa
    guta.
    Muvhiki rapfuura kambani huru inoita nezvekutengeswa kwesimbi dzemotokari
    yeKopje Spares Distributors (KSPD) muchikamu chavo chokudzorera kunharaunda
    (Corporate Social Responsibility) vakapa kanzuru yeMasvingo City Council mabhini
    anokwa makumi matatu (30).
    Dambudziko remarara inhau yanetsa mumaguta mazhinji sezvo vanhu vavakuita
    chijairira chokurasira marara pese pese dzimwe nguva nechikonzero chekusafamba
    nenguva kwemotokari dzemarara.
    Achitaura pakutambidza mabhini aya, Marketing Officer weKSPD, Liberty Maziti,
    akati vauya nechipo ichi kukanzuru nekuti nharaunda yakachena inoita kuti
    vashandidzike nevatengi vavo vave nehutano.
    “Tinoita chirongwa chekudzorera kunharaunda dzatiri mumwedzi waMbudzi wega
    wega. Tinopa kudzimba dzinochengeta nherera asi taona zvakafanira kusana kuuya
    nechipo chiduku tichidzoka muMasvingo kuti tikurudzire nharaunda yakachena.
    “Nharaunda yakachena inoita kuti mutengi wedu ange aine utano uye kuti vanhu
    vashandire pakachena.”
    Dunhu reMasvingo panguva ino ririkurwa kudzivirira kupararira kwechirwere
    checholera.
    Mukuru wezveutano kukanzuru yeMasvingo, Suzanne Madamombe, vakatenda
    kamabani iyi vakati varikubetsera kuvandutsa utsanana muguta zvichienderana
    nezviga zve World Health Organisation (WHO).
    “Ibasa redu rekunge tichiisa mabhini kuvagari vedu nekune vanofamba munzira
    dzedu dzemuguta saka chipo ichi chawedzera kumabhini atinofanira kuva nawo.
    “WHO inotaura kuti panofanira kuva nemamita makumi mashanu kusvika pazana
    pakati pebhini roga roga.
    “Kuwanda kwekwekurasira marara kunoita kuti marara pasi aite mashoma nekuti
    mufambo pakati pebhini rimwe nerimwe unenge wava mashoma, uyezve kune
    vamwe vaya vanonetseka nekubata marara kwenhanho refu saka vanenge vowana
    pekurasira.”
    Vakati mukudzivirira kuraswa kwemarara kanzuru yava nenzira dzakawanda
    dzekubetsera vagari dzinosanganisira kuripa kana wawonekwa uchityora mutemo
    uyu.

    Latest articles

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...

    Masvingo records 5000 drug abuse cases

    Antony Chawagarira BIKITA -- The fight against drug and substance abuse is intensifying across Masvingo...

    More like this

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...
    error: Content is protected !!