More
    HomeProvincial NewspapersTsikamutanda wotiza

    Tsikamutanda wotiza

    Published on

    spot_img

    CHEGUTU – MUMWE murume anofungidzirwa kuti anoita basa reutsikamutanda
    akasvorwa zvikuru kwazvo nevagarisani vake mushure mekunge atengera
    murapwisikana wake chipfeko chemukati svondo rapera.

    Cuthbert Chidhakwa, uyo anonzi anoita basa rehutsikamutanda munzvimbo dziri
    kure nekuno dzakaita seRaffingora, Hurungwe, Gokwe, Sanyati, Mhondoro, Kwekwe
    nekumwewo parizvino akatotiza paanogara.

    Murume uyu akavhevhetedza mwanasikana uyo anonzi anemakore gumi
    nematanhatu uye anomborasika pfungwa, kuti aizoda kumurapa paurwere hwake.

    Mwana akanoudza amai vake, Faustina Mupandawana, nyaya yaainge audzwa ivo
    ndokumutendera kuti arapwe.

    Chidhakwa akati kunongera hadzichanetse sezvo dzawira mutswanda.

    Akatora murwere wake ndokuenda naye mugomba maimbokanyirwa zvidhina
    maakamuudza mwanasikana kuti akumure chipfeko chemukati sezvo aida kumurapa
    sikarudzi.

    Izvi zvakaitika masikati machena rakacheka nyika.Chidhakwa anonzi akaudza amai
    vemwana nemudzimai wake kuti vasare havo pamba iye achienda nemurwere wake.

    Tsikamutanda uyu anonzi akabata bata murwere wake muviri wose
    ndokumuchichidzira kuti asaudza vanhu. Anonzi akadzokorora zvakare maitiro aya
    musikana asingaudze kana ani zvake.

    Nyaya yakazobuda pachena apo Chidhakwa akazotengera musikana uyu shashiko.

    Mwanasikana akatora chipfeko chiya ndokunoratidza mugarisani wavo, Amai
    Nomalanga Ncube.

    Amai Ncube vakatora shashiko ndokuenda nayo kumudzimai waChidhakwa anonzi
    Prudence Mucharangwa. Mucharangwa akaudza Ncube kuti amirire muridzi
    wenyaya sezvo ainge asipo. Mumwe mudzimai anogara pedyo nemhuri
    yaChidhakwa, Amai Mirriam Muvengwa vakaudza Ncube kuti murume uyu
    imhombwe chaiyo sezvo àkatombokanda mashoko epfimbo kwavari.

    Chidhakwa paakazosvika akawana nyaya yake yakamumirira. Tsikamutanda uyu
    paakapirwa nyaya yake akabva anyepera kunozvibatsira ndokupota neseri kwemba
    ndiye nyangara akadaro. Nanhasi murume uyu hapana arikuziva kwaari.

    Mucharangwa akabva atizawo pamba pavanoroja achiti akuenda kuvabereki vake
    kumapurazi ekuMukute.

    Vanhu vazhinji vanogaro yambirwa kuti vatarisise vana kubva kushinywi dzakaita
    semaporofita enhema, asi vazhinji vanooma musoro zvinova zvinozosvitsa vana
    pakaoma.

    Gore rino muna Nyamavhuvhu, Michael Mundiya wemubhuku raSabhuku Mugadya
    pasi paMambo Benhura kuMhondoro-Ngezi akazvisungirira padyo nepamusha
    paanatezvara vake mushure mekunge mukadzi wake anyangarika natsikamutanda.

    Latest articles

    Media Must Expose Healthcare Failures to Protect Citizens — CIMAS CEO

    CIMAS chief executive officer Vulindlela Ndlovu has urged the media to continue playing its...

    Daughters of Virtue to host long awaited Thanks Giving Camp

    Staff Writer Daughters of Virtue (DOV) from Wednesday November 26 to Saturday 29...

    President Mnangagwa hails General Sibanda’s 51 years of service as ZDF leadership changes hands

    Harare, (New Ziana) — President Emmerson Mnangagwa on Monday presided over the handover and...

    Fake Medicines Killing 100k People in Africa Annually-COMESA

    Bulawayo, (New Ziana)-The Common Market for Eastern and Southern Africa (COMESA) has warned that...

    More like this

    Media Must Expose Healthcare Failures to Protect Citizens — CIMAS CEO

    CIMAS chief executive officer Vulindlela Ndlovu has urged the media to continue playing its...

    Daughters of Virtue to host long awaited Thanks Giving Camp

    Staff Writer Daughters of Virtue (DOV) from Wednesday November 26 to Saturday 29...

    President Mnangagwa hails General Sibanda’s 51 years of service as ZDF leadership changes hands

    Harare, (New Ziana) — President Emmerson Mnangagwa on Monday presided over the handover and...
    error: Content is protected !!