More
    HomeProvincial Newspapers‘Ngative vatariri vehupfumi hwedu’

    ‘Ngative vatariri vehupfumi hwedu’

    Published on

    spot_img

    MUTUNGAMIRI wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakati mukuvandudzwa
    kwenyika nezvicherwa zvizvarwa zveZimbabwe zvinofanira kuva vatariri vehupfumi
    apo pahunenge huchicherwa.

    Vachitaura pagungano ranga rakaungana paBikita Minerals apo vaivhura chivakwa
    chitsva cheSpodumene nePetallite vakati varidzi vezvicherwa munharaunda
    vanofanira kuwana pundutso kubva mazviri kudarika varikuchera.

    Hurumende pasi pehutungamiriri hwaVaMnangagwa yakamisa zviga zvekuti
    hupfumi hwese hunocherwa hunofanira kuvandudzirwa muno kuzama kudzora
    kuburitswa kwezvicherwa zvichiendwa nazvo kunze kwenyika.

    “Isu vemuZimbabwe hatina kukotsira tinoziva kuti zvicherwa zvedu izvi zvinobatsira
    dzimwe nyika dzisina zvicherwa izvozvo saka isu pazvinenge zvabva ngatiwane
    musuva mukuru. Ngative varidzi nevataririri vehufumi hwedu pahunenge
    huchicherwa maziso edu nendangariro ngazvivepo kuti vashandira ani zvakawanda
    kudarika ashandira umwe.”

    “Patinenge tichichera izvi tanga takazvigarira kwemakore zvino kwazouya vanoziva
    kuti zvinocherwa saka takavati cherai asi vachichera toonekwa kuti varidzi vazvo
    vawana pakuru pane avo vanochera.”

    Vakati kwemakore mazhinji vanochera vaingoita pamadiro vachiti mavhu ivo
    vachitobuda nehupfumi kune dzimwe nyika, asi vagari vachisirwa makomba
    angocherwa.”

    Vakati vagari vemunyika vanofanira kuva ivo vanowana musuva mukuru
    pazvicherwa zvinonge zvabva muvhu ravo.

    “Kare taingorega vachichera voti tatakura mavhu kuendesa kwavo tikati bodo pesvai
    mavhu iwawa tinoone zvinoshanda zvinobva muvhu takatarira tikaisa mutemo
    uwoyo, saka nhasi uno seHurumende tinofana kuona zvakaperera kuvandudzwa
    kwehupfumi hwedu.”

    VaMnangagwa vakatenda veSinomine Resource Group vekuChina nemabasa
    ekusimudzira upenyu hwevagari vemuBikita nenzvimbo dzakapoteredza.

    “Pamakore zana apfuura, vanhu vaingouya pano vodya vodya voenda vamwe vouya
    vaodya voenda vachisiya makomba asi idzi shamwari dzedu idzi havasi kungochera
    chete asi varikutita mabasa okusimudzira nharaunda. Hapana chatinonongedza
    nhasi chakasiiwa pamakore zana apfuura neveBritain.”

    “Ndinokorokotedza Bikita Minerals neSinomine Resource Group nemabasa makuru
    avarikuita munyika medu. Ndinokurudzira mamwe makambani kuti vaise mari

    mumabasa akaita seawa ekusimudza upfumi hwedu uye kusimudzira hwupenyu
    hwevanhu vemunyika yedu, Zimbabwe.”

    Vakakurudzira vagari kuti kunyangwe tiine upfumi huri pasi hwatinenge tichida kuti
    hubude hubatsire nyika pane chivanhu chedu chinofana kuteverwa.

    Vakati vanenge vachizoita mabasa aya ngavachengete chivanhu kwavanenge
    vaudzwa kuti chiriko.

    Latest articles

    Media Must Expose Healthcare Failures to Protect Citizens — CIMAS CEO

    CIMAS chief executive officer Vulindlela Ndlovu has urged the media to continue playing its...

    Daughters of Virtue to host long awaited Thanks Giving Camp

    Staff Writer Daughters of Virtue (DOV) from Wednesday November 26 to Saturday 29...

    President Mnangagwa hails General Sibanda’s 51 years of service as ZDF leadership changes hands

    Harare, (New Ziana) — President Emmerson Mnangagwa on Monday presided over the handover and...

    Fake Medicines Killing 100k People in Africa Annually-COMESA

    Bulawayo, (New Ziana)-The Common Market for Eastern and Southern Africa (COMESA) has warned that...

    More like this

    Media Must Expose Healthcare Failures to Protect Citizens — CIMAS CEO

    CIMAS chief executive officer Vulindlela Ndlovu has urged the media to continue playing its...

    Daughters of Virtue to host long awaited Thanks Giving Camp

    Staff Writer Daughters of Virtue (DOV) from Wednesday November 26 to Saturday 29...

    President Mnangagwa hails General Sibanda’s 51 years of service as ZDF leadership changes hands

    Harare, (New Ziana) — President Emmerson Mnangagwa on Monday presided over the handover and...
    error: Content is protected !!