More
    HomeProvincial NewspapersDunhu ReChimanimani Rotambudzwa Nemarariya

    Dunhu ReChimanimani Rotambudzwa Nemarariya

    Published on

    spot_img

    Sharon Chigeza

    MUTARE-Dunhu reChimanimani riri kutatarika nechirwere chemarariya chakanyanya, uye vanhu zana nemakumi maviri vanonzi vabatwa munzvimbo dzakasiyana siyana dzinosanganisira Gwindingwi, Charleswood neNgorima.

    Mamiriro ezvinhu aya aita kuti vakuru vezveutano mumatunhu vatore matanho nekukasika, kuita ongororo, kufambiswa kwenyaya, pamwe nekutevera kurwisa kupararira kwechirwere ichi.

    Mvura isingaperi ichangobva kunaya yakagadzira mamiriro akanaka ekuberekesa umhutu, zvichiwedzera dambudziko remarariya. Nzvimbo dziri pedyo nemuganhu weMozambique dzakaita seMutsvangwa, Demene, Vhimba neChikukwa ndidzo dziri kunyanya kubatwa nechirwere ichi.

    Nekuda kweizvozvo, vezvehutano vari kuita nzira huru dzekudzivirira chirwere ichi, izvo zvinosanganisira kumwaya mudzimba, kugovera mambure ekudzivirira humhutu, uye kuwaniswa kwemishonga inodzinga humhutu nemakoiri.

    Dr. Donatas Mugari, District Medical Officer (DMO), vakaratidza kushat kwemamiriro ezvinhu pamusangano wedunhu rekuchengetedzwa kwevanhu.

    Akatsinhira kuti pane vanhu vaviri vanonzi vafa nekuda kwemarariya, vachisimbisa kukosha kwekupindira nekukasika.

    “Mumwaka uno wekunaya kwemvura, nzvimbo dzekuberekera humhutu dzichawanda, zvoisa vanhu vakawanda panjodzi,” Dr. Mugari vakayambira.

    Pamusoro pekupfapfaidza nekugovera mambure, vakuru vezvehutano vari kurongawo zvirongwa zveutano muzvikoro pamwe nehurongwa hwekudzidzisa nharaunda nezvekudzivirira marariya. Zvirongwa izvi zvine chinangwa chekuzivisa uye kukurudzira vagari kuti vatore matanho ekurwisa kurumwa neumhutu.

    Zvakadaro, bazi rezveutano nekurerwa kwevana (MOHCC) rakatarisana nematambudziko makuru mukuyedza kurwisa chirwere ichi. Kushaikwa kwemotokari, kunyanya ma land cruiser anokodzera nzvimbo yedunhu ine mawere, inovhiringa zvifambiso zvezvirongwa zvekusvika vanhu. Pamusoro pezvo, kushaikwa kwemafuta ekufambisa kunowedzera kuomesa mamiriro ezvinhu, zvichitadzisa kugadzirisa dambudziko remalaria panguva.

    Kuti vagadzirise matambudziko aya, mapazi ose ehurumende, vanodyidzana nebudiriro, nemakambani emunyika vakakurudzirwa kuti vapewo mari nerutsigiro. Kushanda pamwe chete kwakakosha mukusimudzira kushanda kwezvirongwa zvehutano zvirikuenderera mberi uye kuderedza dambudziko remalaria muChimanimani.

    “Kubatana kwemapoka emuno kuchange kwakakosha zvikuru mukurwisa chirwere chinodziviririka ichi, zvikuru munguva ino yekunaya kwemvura yakaoma,” vakadaro Dr Mugari.

    Latest articles

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...

    Masvingo records 5000 drug abuse cases

    Antony Chawagarira BIKITA -- The fight against drug and substance abuse is intensifying across Masvingo...

    More like this

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...
    error: Content is protected !!