SHONA — Muchiitiko chinosuwisa, mumwe murume ane makore makumi maviri nemashanu (25)
okuberekwa uyo akanga achishanyira musikana wake mumusha weMbizo unogara vanhu
vakawanda, anonzi akarohwa zvakaipisisa mushure mokunge vavakidzani vamufungira kuti
imbavha.
Mapurisa vakazivisa nezverufu rwaSylvester Ncube uye kusungwa kwevanhu vakamurova
zvakaipisisa.
Mutauriri wemapurisa kuMidlands Inisipekita Emmanuel Mahoko vakati musi wa2 Chikunguru
nenguva dza9 manheru, Ncube akashanyira musikana wake uyo anogara munzvimbo yeMbizo
inogara vanhu vakawanda muKwekwe.
"Akagogodza pamusuo wemusikana wake asi hapana akapindura.
Akaenda kumba yomuvakidzani ndokugogodza zvakare.
"Zvinonzi, mugari wepamba apa Philip Luthuli ane makore makumi maviri nemaviri (22) okuberekwa
akabuda ndokubatana naShepherd Mafukidzekurova Ncube nechamboko nechinhu
chisingazivikanwe mumuviri wake wose mushure mokunge vamufungira kuti imbavha," vakadaro
VaMahoko.
Inisipekita Mahoko vakati musi wa7 Chikunguru, Ncube akatanga kurwadziwa nembabvu ndokuzivisa
shamwari dzake nezvekurohwa kwaakaitwa.Akaendeswa kuChipatara Chikuru cheKwekwe uko
akanopiwa mubhedha kuti arapwe achigara pachipatara.
Musi wa8 Chikunguru, kuma12:00 masikati, urwere rwaNcube rwakanyanyisa achibva ashaika.
Vaviri vanofungidzirwa kuti ndivo vakapara mhosva iyi vanova Luthuli naMafukidze vakasungwa uye
vari mumaoko emapurisa vachipomerwa mhosva yokuponda.
Vanhu voruzhinji havafanirwe kurwisa kana kuisa mutemo mumaoko avo maererano nevanhu
vavanofungidzira kuti vapara mhosva," vakadaro Inisipekita Mahoko.
Nyaya iyi yakaturikirwa kubva kuChiRungu kuenda kuChiShona neMidlands State University National
Language Institute.