LOADING

Type to search

Provincial Newspapers Pungwe News

Chikoro CheGimboki Chonyoresa Vadzidzi

Share

MUTARE-Guta reMutare rakapedza kuvaka zvibhuroko zveGimboki Primary School ECD senzira
yekuyedza kusimudzira magariro evagari veko pamwe nevabhadhari.
Mutauriri wekanzuru yeguta reMutare, VaSpren Mutiwi, vanoti chikoro chitsva ichi chakatotanga
kunyoresa vadzidzi kubva kuECD kusvika Grade 2, chirongwa ichi chiri kuitirwa pachikoro
cheChirowakamwe cheDangamvura.
“Takasununguka kuzivisa kupera kwechikoro chechinomwe chekanzuru muguta. Kunyoresa
kwezvidzidzo zvetemu yekutanga 2024 kwave kutoenderera uye tinokurudzira vagari nevabereki kuti
vashanyire Chikoro cheChirovakamwe Primary School nechinangwa chekunyoresa,"vakadaro VaMutiwi.
Vadzidzi vanosvika mazana mashanu vachabatsirikana nemabhuroko mana ekirasi anenge apedzwa
sezvo vechidiki ava vange vasingachafambe nzendo refu kuenda kuzvikoro zviri pedyo neDangamvura.
“Takaona kuti kushaikwa kwezvikoro zvepuraimari muDangamvura nenzvimbo dzakatenderedza.
Nekuwanda kwevanhu veGimboki, vadzidzi vazhinji veECD vaifanira kuenda kumakirasi pane imwe
nguva nekuda kwechinhambwe chavanofanira kufamba kuenda kuzvikoro zviri pedyo izvo zviri pedyo
nemakiromita matatu. Tinoda kusimudzira kuwaniswa kwedzidzo yepuraimari kwaMutare,” vanodaro
VaMutiwi.
Chikoro icho chatove kunyoresa chakagadzirirwa kuvhura magonhi acho muna Ndira 2024.
Gimboki yoga ine zvivakwa zvinodarika 5000 uye parizvino haina chikoro chepuraimari nesekondari
munzvimbo iyi
Zvakadaro, VaMutiwi varatidzawo kuti pane zvimwe zvakabatsira zvakauya nekuvakwa kwechikoro ichi
nemukana wemabasa izvo zvakawaniswa vanovaka.