LOADING

Type to search

Nehanda Guardian Provincial Newspapers

Chikwata chovaraidza weruzhinji

Share

CENTENARY – CHIKWATA chemutambo wekusetsa pamwe nekudzidzisa icho
chinonzi Five in One Theatre Group chinowanika kwaMhene kuCentenary
choenderera mberi nekunakidza weruzhinji munharaunda yenzvimbo iyi.
ParIzvino chikwata ichi chine mitambo mishanu iyo yachiri kufamba chichipakurira
weruzhinji muzvikoro pamwe nemunzvimbo dzinoitirwa mafaro.
Mitambo yechikwata ichi yakarerekera kudzidzisa kuipa kwekushandiswa
kwezvinodhaka, kushata kwekuroorwa kwevana vasati vayaruka, uye kushata
kwekubatwa chibharo kunyanya kuvanhukadzi avo vasina simba zhinji
rekupukunyuka panyatwa iyi.
Five in One chikwata chinotungamirwa naTafadzwa Maisato, uye ndiye anonyora
mitambo yose yechikwata ichi. Parizvino chikwata ichi chine vatambi vashanu vanoti
iye Tafadzwa Maisato, mudzimai wake pamwe nemadzikoma ake matatu. Chikwata
ichi chine vana vemhuri imwechete ndosaka chakanzi Five in One, izvo zvinoburitsa
kubatana pamwe nekushandidzana kwemhuri iyi.
Nenyaya dzekushaika kwemari, chikwata ichi hachisi kukwanisa kunoitira mitambo
yacho kunzvimbo dziri kure uye chiri kutadza zvekare kutsikisa mitambo yacho kuti
igoonekwa pazvivhitivhiti sezvinoitwa nezvimwe zvikwata zvemitambo yekusetsa
weruzhinji.
"Mari ndiyo iri kusunga zvinhu hatisi kukwanisa kuenda kunzvimbo dziri kure kunoita
mitambo yedu, uye mitambo yedu haisi pazvivhitivhi nokuti panodiwa mari yekuti
tizviite," akadaro Tafadzwa Maisato.
Mukutaura kwaTafadzwa zvinoratidza kuti pane wezvemabhizimusi vakambovimbisa
kubatsira chikwata ichi nemari asi parizvino hapana ati abatsira chikwata ichi.
"Tine vamwe varimi vakamboti vachatibatsira asi kusvika parizvino hatisati
tabatsirwa," akadaro Tafadzwa.
Zvisinei nehurombo, chikwata ichi chiri kuratidza kufarirwa zvikuru nekuti pose
pachinoita mitambo yacho chinounganidza vanhu vazhinzji kwazvo kubva kumazera
ose.
Mumwe akamboona chikwata ichi, Natasha Guru, akati chikwata ichi chine vatambi
vane chipo chekusetsa."Ndakamboona chikwata ichi kamwechete uye ndakafa
nekuseka nekuti vanogona," akadaro Natasha Guru.
Nechinangwa chekuda kuwedzera mafaro, mukuru wechikwata ichi anoti ari kunyora
mumwe mutambo zvekare uyo unonzi “Mhosva” uri mutambo unogona kufarirwa
zvikuru nemapurisa nekuti mutambo wacho unopokana nekuparwa kwemhosva
zhinji.

Chikwata che Five in One, chine ramangwana rakajeka kana tichitarisa nyaya
dzekufadza veruzhinji, asi rwendo rwechikwata ichi rwunogona kureruka kana
vakawana rutsigiro kunyanya rwemari yekutsikisa mitambo yavo pamwe nekutenga
nhumbi dzekushandisa pakuita mitambo yacho.