More
    HomeNewsGogo vanopomerwa huroyi

    Gogo vanopomerwa huroyi

    Published on

    spot_img

    New Ziana–Mapurisa emuMashonaland East Province akasunga murume ane
    makore makumi matatu ane mana okuberekwa Charles Twini Dick mushure
    mekunge apomera gogo Finita Samu huroyi.
    Murume uyu anoti iye gogo vakange varikumoroya uye nekukonzera matambudziko
    mazhinji muhupenyu hwake izvo zvaita kuti hupenyu hwake usafambe nenzira
    yakanaka.
    Dick anonzi akanzwika nemuzukuru wagogo Samu achiti zuva ranhasi rinofanira
    kupera auraya munhu mumwechete kududzira gogo Samu. Dick anonzi akange
    akatakura badza itsva apo aitaura mashoko aya.
    Muzukuru wagogo Samu anonzi paakanzwa mashoko aya achitaurwa naDick
    akamhanya kumba kwagogo kunovataurira zvakange zvarehwa naDick.
    Muzukuru akasvika ambuya vachigeza zvawo ndokubva ovaudza mashoko aDick.
    Pakunzwa mashoko aya, ambuya vakaudza muzukuru wavo kuti ataurirewo
    vavakidzani vawo nekuchimbidza kuti vabatsire kudzora Dick asati asvika pamba
    pavo kuzoita zvaakanga ataura.
    Mushure memashoko aya gogo vakaedza kutiza vakananga mumba asi havana
    kubudirira sezvo vakabva vasangana naDick achibva avatema musoro nebadza
    raaiva naro kakawanda. Gogo vakabva vawira pasi asi hazvina kumisa Dick apo
    akaramba achivatema tema vari pasi kudaro.
    Mutauriri wemapurisa emuMashonaland East Province Inspector Simon
    Chazovachiyi vakatsinhira chiitiko ichi vakati ivo Dick akatiza kubva panzvimbo
    yaakarovera ambuya ava aine fungidziro yekuti akange vauraya.
    "Pasina chinguva zvinonzi vanhu vemumusha umu vakasvika ndokuona gogo Samu
    varere muvhu vakakuvara musoro ndokuvaendesa KuNyamapanda clinic nokukasira
    uko kwavakanzi vanofanira kuendeswa kuchipatara cheKotwa district hospital.
    “Dick akange achipomera gogo ava kuti muroyi. Semapurisa, tinopa kurudziro yekuti
    kana vanhu vachinge vanetsana, vanofanirwa kutsvaga muyananisi pachinzvimbo
    chekuisa mutemo mumaoko avo kubudikidza nemhirizhonga iyo inokonzera kuti
    vanhu vakuvare zvakaipisisa kana kutofuga ravo vega chaiko. Vanhu kana vasina
    kunzwanana ngavatsvage rubatsiro kuvatungamiri vemunharaunda, vedzisvondo
    kana mapurisa,” Inspector Chazovachiyi vakadaro.

    Latest articles

    CAZ intensifies support, awareness amid rising cases

    Bulawayo, (New Ziana)-The Cancer Association of Zimbabwe (Caz) has reaffirmed its commitment to supporting...

    Zimbabwe to hold double heroes burial on Wednesday

    Harare,(New Ziana) – Zimbabwe will on Wednesday hold a double burial of two of...

    President Mnangagwa signs condolence book over Pope Francis

    Harare,  (New Ziana) – President Emmerson Mnangagwa on Monday signed the book of condolence...

    Kariba hit by malaria

    Harare, (New Ziana) — Kariba district in Mashonaland West province is experiencing a troubling...

    More like this

    CAZ intensifies support, awareness amid rising cases

    Bulawayo, (New Ziana)-The Cancer Association of Zimbabwe (Caz) has reaffirmed its commitment to supporting...

    Zimbabwe to hold double heroes burial on Wednesday

    Harare,(New Ziana) – Zimbabwe will on Wednesday hold a double burial of two of...

    President Mnangagwa signs condolence book over Pope Francis

    Harare,  (New Ziana) – President Emmerson Mnangagwa on Monday signed the book of condolence...