LOADING

Type to search

News

Gogo vanopomerwa huroyi

Share

New Ziana–Mapurisa emuMashonaland East Province akasunga murume ane
makore makumi matatu ane mana okuberekwa Charles Twini Dick mushure
mekunge apomera gogo Finita Samu huroyi.
Murume uyu anoti iye gogo vakange varikumoroya uye nekukonzera matambudziko
mazhinji muhupenyu hwake izvo zvaita kuti hupenyu hwake usafambe nenzira
yakanaka.
Dick anonzi akanzwika nemuzukuru wagogo Samu achiti zuva ranhasi rinofanira
kupera auraya munhu mumwechete kududzira gogo Samu. Dick anonzi akange
akatakura badza itsva apo aitaura mashoko aya.
Muzukuru wagogo Samu anonzi paakanzwa mashoko aya achitaurwa naDick
akamhanya kumba kwagogo kunovataurira zvakange zvarehwa naDick.
Muzukuru akasvika ambuya vachigeza zvawo ndokubva ovaudza mashoko aDick.
Pakunzwa mashoko aya, ambuya vakaudza muzukuru wavo kuti ataurirewo
vavakidzani vawo nekuchimbidza kuti vabatsire kudzora Dick asati asvika pamba
pavo kuzoita zvaakanga ataura.
Mushure memashoko aya gogo vakaedza kutiza vakananga mumba asi havana
kubudirira sezvo vakabva vasangana naDick achibva avatema musoro nebadza
raaiva naro kakawanda. Gogo vakabva vawira pasi asi hazvina kumisa Dick apo
akaramba achivatema tema vari pasi kudaro.
Mutauriri wemapurisa emuMashonaland East Province Inspector Simon
Chazovachiyi vakatsinhira chiitiko ichi vakati ivo Dick akatiza kubva panzvimbo
yaakarovera ambuya ava aine fungidziro yekuti akange vauraya.
"Pasina chinguva zvinonzi vanhu vemumusha umu vakasvika ndokuona gogo Samu
varere muvhu vakakuvara musoro ndokuvaendesa KuNyamapanda clinic nokukasira
uko kwavakanzi vanofanira kuendeswa kuchipatara cheKotwa district hospital.
“Dick akange achipomera gogo ava kuti muroyi. Semapurisa, tinopa kurudziro yekuti
kana vanhu vachinge vanetsana, vanofanirwa kutsvaga muyananisi pachinzvimbo
chekuisa mutemo mumaoko avo kubudikidza nemhirizhonga iyo inokonzera kuti
vanhu vakuvare zvakaipisisa kana kutofuga ravo vega chaiko. Vanhu kana vasina
kunzwanana ngavatsvage rubatsiro kuvatungamiri vemunharaunda, vedzisvondo
kana mapurisa,” Inspector Chazovachiyi vakadaro.