More
    HomeChaminukaJosphat Somanje obura dambarefu idzva

    Josphat Somanje obura dambarefu idzva

    Published on

    spot_img

    MARONDERA- Kuva neukama nemimhanzi kwaita kuti Josphat Somanje uyo anova
    mumwe wevakatanga chikwata chePengaudzoke aenderere mberi nekutsikisa mimhanzi
    inodakadza vanofarira musambo weSungura.
    Munguva pfupi ichangodarika, mutapi wenhau webepa rino akaita mahwekwe nemuimbi
    wemuMarondera uyu uyo akanyanyoiya mukurumbira mushure mekuridza nziyo
    dzinodakadza zvikuru dziri padambarefu rake rakanetsa rinonzi This Time (Haulume)
    makore ane chitsamha adarika.
    Hapana angapokane nazvo kuti Josphat ndemumwe wanachamangwiza wekuridza Sunguru
    Akaudza bepanhau rino kuti ari kutarisira kutsikisa rimwezve dambarefu idzva gore rino risati
    rasvika kumupendero waro uye vanofarira mhanzi vangangotamba zororo reKisimisi
    vachidakadzwa nemhanzi yake kana zvikafamba sekutarisira kwaakaita.
    Nziyo dzichange dziri padambarefu iri dzatova mumaoko evatsikisi avo vari pakati
    pekunyatsodzikwenenzvera kuti pabude mhanzi inodakadza.
    Iri richazenge riri dambarefu raJosphat rechigumi nenomwe uye akatoripa zita rekuti Daniel
    Chapter 7. Nziyo dzichazenge dzakadengezerwa apa dzinotarisira Chiremba wekwaMakoni,
    Muromo Haugoni, Vimba Hako Neni, Kuseka kweweparadio, Makwambara nekanoti Hope
    dzaDaniel.
    “Ndichiri kufambira nekuridza mimhanzi. Ndine nyaya yakanaka kune vatsigiri vangu
    vanoteerera mhanzi yandinoridza pamwechete nevose vanofarira musambo weSunguru.
    Pane zvavanofanirwa kutarisira kubva kwandiri nechikwata changu cheSomanje Stars sezvo
    ndiri kuda kubura dambarefu idzva rinonzi Daniel Chapter 7.
    “Nguva yose iyi, ndanga ndiri mushishi tichiita kuti titsikise mhanzi inotambirika kuvanhu
    sezvo riri basa redu kuvafadza kana kunyevenutsa moyo yavo kubudikidza nemimhanzi.
    Dambarefu ratichatsikisa richange riine nziyo dzinosvika kunhanhatu. Ndingadezve kuzivisa
    kuti ratova mumaoko evakotsveri avo vari mushishi rekunyatsokwenenzvera nziyo dzacho
    kuitira kuti zviratidze kuti ndave nenguva yakareba zvikuru ndichiita zvemimhanzi.
    “Mukubuda nenziyo dziri padambarefu randiri kutaura nezvaro iri, ndakahwerengedza
    zvakasiyana-siyana zvinoitika mumararamiro edu zuva rega-rega raMwari. Ndakabatabata
    mapfundo emumagariro edu ane chitsamha uye chivimbo changu chikuru kuti vateereri
    vemazera ose vachafadzwa naro dambarefu idzva iri,” akadaro Josphat.
    Muimbi anotaura zvinyoro-nyoro uyu akambonyanyonetsa ari kuchikwata chePengaudzoke
    mumakore aaiimba akabatana nemukoma wake mushakabvu Daiton. Pari zvino, chikwata
    chePengaudzoke chiri kutungamirirwa nemwana waDaiton anonzi Faheem.
    Josphat akapa muono wekuti mimhanzi isimukire, vaimbi vanofanirwa kushandidzana
    zvakanaka nevanhu vanosimudzira mimhanzi.
    Akati: “Ndave nenguva yakareba ndichiita zvemagitare uye zvizhinji zvandaona
    nekusangana nazvo mubasa iri. Kuti vaimbi vedu vasimukire, vanofanirwa kushandidzana
    zvakanaka nevanosimudzira mimhanzi porega kuitwa tutsika twechitsotsi kana kusashandira
    mari dzavanenge vapihwa nemimwe mitowo isina kana chekuita nezvemimhanzi.
    “Nguva nenguva, tinonzwa mashoko enyunyuto kubva kuvaimbi vanenge vachiti hatisi
    kuwaniswa zvakafanira kana kuvharwa nevanosimudzira mimhanzi asi kana tikazvitarisira,
    isuwo vaimbi pane zvimwe zvatinenge taita zvinozosvika pakukonzeresa tutsika tunoitwa
    nevanotibatsira kusimudzira nekushambadzira mimhanzi yedu. Seketaura kwandamboita
    paya, ngatingoshandidzanei nemazvo zvisina hukopokopo uye tikaita sekudaro, mimhanzi

    yedu munyika inosimukirawo. Kuimba ratova basa pachezvaro uye kunotova nevaimbi
    vazhinji vari kurarama hupenyu hwepamusoro kubudikidza nekukwenya magitare.”
    Kune mashoko anombotaurwa nevanhu ekuti Josphat haawirirane naFaheem asi akati uku
    kunongova kutaura kwevanhu vanenge vachida kuti vapesane sezvo vachidyidzana
    zvakanaka sababa nemwana.
    “Dzimwe nguva, makuhwa anotaurwa haasi ekuisa pamoyo kana kupfumbidza sechokwadi.
    Zvisinei nekutaura kunoitwa nevamwe kana kuti kufungidzira kuti ini nemwana wemukoma
    wangu mushakabvu takarimirana kumuganhu, ndinoda kuti vanhu vazive kuti hakuna
    zvakadaro. Tinodyidzana zvakanakisisa uye kana kuine vanofambisa mashoko enhema aya
    vaine chinangwa chekuti tinge tiine ruvengo pakati pedu, ndinoti ngavataure zvavo asi
    hapana chinombofa chakashanduka.
    “Kana paine vanga vasati vazviziva, takatoridza tose pane mumwe mutambo wakaitirwa
    kuMutawatawa munaChikunguru gore rino uye kana zvikafamba zvakanaka, tinotova
    netarisiro yekuzowanikwa tichibura kambo kamwechete kana twuviri twose munguva
    inotevera. Nguva nenguva, tinotomboita hurukuro dzekuronga kuti toridzirepi kana kuti
    mumazuva api pamwechete. Zvose izvi zvinoratidza kuti hukama hwedu hwakasimba
    zvikuru,” Josphat akataura kudaro.
    Muimbi anogara murokesheni rweCherutombo uyu akapawo muono wake panyaya yekuti
    vaimbi vane mukurumbira vange vachidzidzisa vana vavo kuti vagozotevera matsimba avo.
    Akati: “Hapana kana chakashata pakuti munhu anoimba nekukwenya magitare adzidzise
    kana kukurudzira mwana wake kuti aitewo zvemimhanzi. Mumaonero angu zvangu
    pachangu, munhu wose akazvarwa akapfumbata chipo chake uye zvakanaka kuti chipo
    chemunhu wega-wega chinge chichisimudzirwa. Kana mwana akazvarwa achinzi ane chipo
    chekuimba, hapana anochibvisa maari uye anozongoguma aimba nekuti hakuna kana
    munhu angakwanisa kumutorera chipo chinenge chiri maari.”

    Latest articles

    POTRAZ hands over wheelchairs to St Giles, reaffirms commitment to inclusivity

    Harare,  (New Ziana) – The Postal and Telecommunications Regulatory Authority of Zimbabwe (POTRAZ) on...

    Zimbabwe Elected UN Tourism General Assembly Vice President

    Harare, (New Ziana) - Zimbabwe shone brightly at the official opening of the 26th...

    Without adequate funding, gvt presses on with broadcasting digitalisation

    Harare,  (New Ziana)- The Government has intensified efforts to complete the long-delayed Zim-Digital project...

    Ghana, Zambia, and Iran ambassadors-designate present credentials

    Harare,  (New Ziana) – President Emmerson Mnangagwa on Monday received credentials from ambassadors-designate from...

    More like this

    POTRAZ hands over wheelchairs to St Giles, reaffirms commitment to inclusivity

    Harare,  (New Ziana) – The Postal and Telecommunications Regulatory Authority of Zimbabwe (POTRAZ) on...

    Zimbabwe Elected UN Tourism General Assembly Vice President

    Harare, (New Ziana) - Zimbabwe shone brightly at the official opening of the 26th...

    Without adequate funding, gvt presses on with broadcasting digitalisation

    Harare,  (New Ziana)- The Government has intensified efforts to complete the long-delayed Zim-Digital project...
    error: Content is protected !!