LOADING

Type to search

Chaminuka Provincial Newspapers

Josphat Somanje obura dambarefu idzva

Share

MARONDERA- Kuva neukama nemimhanzi kwaita kuti Josphat Somanje uyo anova
mumwe wevakatanga chikwata chePengaudzoke aenderere mberi nekutsikisa mimhanzi
inodakadza vanofarira musambo weSungura.
Munguva pfupi ichangodarika, mutapi wenhau webepa rino akaita mahwekwe nemuimbi
wemuMarondera uyu uyo akanyanyoiya mukurumbira mushure mekuridza nziyo
dzinodakadza zvikuru dziri padambarefu rake rakanetsa rinonzi This Time (Haulume)
makore ane chitsamha adarika.
Hapana angapokane nazvo kuti Josphat ndemumwe wanachamangwiza wekuridza Sunguru
Akaudza bepanhau rino kuti ari kutarisira kutsikisa rimwezve dambarefu idzva gore rino risati
rasvika kumupendero waro uye vanofarira mhanzi vangangotamba zororo reKisimisi
vachidakadzwa nemhanzi yake kana zvikafamba sekutarisira kwaakaita.
Nziyo dzichange dziri padambarefu iri dzatova mumaoko evatsikisi avo vari pakati
pekunyatsodzikwenenzvera kuti pabude mhanzi inodakadza.
Iri richazenge riri dambarefu raJosphat rechigumi nenomwe uye akatoripa zita rekuti Daniel
Chapter 7. Nziyo dzichazenge dzakadengezerwa apa dzinotarisira Chiremba wekwaMakoni,
Muromo Haugoni, Vimba Hako Neni, Kuseka kweweparadio, Makwambara nekanoti Hope
dzaDaniel.
“Ndichiri kufambira nekuridza mimhanzi. Ndine nyaya yakanaka kune vatsigiri vangu
vanoteerera mhanzi yandinoridza pamwechete nevose vanofarira musambo weSunguru.
Pane zvavanofanirwa kutarisira kubva kwandiri nechikwata changu cheSomanje Stars sezvo
ndiri kuda kubura dambarefu idzva rinonzi Daniel Chapter 7.
“Nguva yose iyi, ndanga ndiri mushishi tichiita kuti titsikise mhanzi inotambirika kuvanhu
sezvo riri basa redu kuvafadza kana kunyevenutsa moyo yavo kubudikidza nemimhanzi.
Dambarefu ratichatsikisa richange riine nziyo dzinosvika kunhanhatu. Ndingadezve kuzivisa
kuti ratova mumaoko evakotsveri avo vari mushishi rekunyatsokwenenzvera nziyo dzacho
kuitira kuti zviratidze kuti ndave nenguva yakareba zvikuru ndichiita zvemimhanzi.
“Mukubuda nenziyo dziri padambarefu randiri kutaura nezvaro iri, ndakahwerengedza
zvakasiyana-siyana zvinoitika mumararamiro edu zuva rega-rega raMwari. Ndakabatabata
mapfundo emumagariro edu ane chitsamha uye chivimbo changu chikuru kuti vateereri
vemazera ose vachafadzwa naro dambarefu idzva iri,” akadaro Josphat.
Muimbi anotaura zvinyoro-nyoro uyu akambonyanyonetsa ari kuchikwata chePengaudzoke
mumakore aaiimba akabatana nemukoma wake mushakabvu Daiton. Pari zvino, chikwata
chePengaudzoke chiri kutungamirirwa nemwana waDaiton anonzi Faheem.
Josphat akapa muono wekuti mimhanzi isimukire, vaimbi vanofanirwa kushandidzana
zvakanaka nevanhu vanosimudzira mimhanzi.
Akati: “Ndave nenguva yakareba ndichiita zvemagitare uye zvizhinji zvandaona
nekusangana nazvo mubasa iri. Kuti vaimbi vedu vasimukire, vanofanirwa kushandidzana
zvakanaka nevanosimudzira mimhanzi porega kuitwa tutsika twechitsotsi kana kusashandira
mari dzavanenge vapihwa nemimwe mitowo isina kana chekuita nezvemimhanzi.
“Nguva nenguva, tinonzwa mashoko enyunyuto kubva kuvaimbi vanenge vachiti hatisi
kuwaniswa zvakafanira kana kuvharwa nevanosimudzira mimhanzi asi kana tikazvitarisira,
isuwo vaimbi pane zvimwe zvatinenge taita zvinozosvika pakukonzeresa tutsika tunoitwa
nevanotibatsira kusimudzira nekushambadzira mimhanzi yedu. Seketaura kwandamboita
paya, ngatingoshandidzanei nemazvo zvisina hukopokopo uye tikaita sekudaro, mimhanzi

yedu munyika inosimukirawo. Kuimba ratova basa pachezvaro uye kunotova nevaimbi
vazhinji vari kurarama hupenyu hwepamusoro kubudikidza nekukwenya magitare.”
Kune mashoko anombotaurwa nevanhu ekuti Josphat haawirirane naFaheem asi akati uku
kunongova kutaura kwevanhu vanenge vachida kuti vapesane sezvo vachidyidzana
zvakanaka sababa nemwana.
“Dzimwe nguva, makuhwa anotaurwa haasi ekuisa pamoyo kana kupfumbidza sechokwadi.
Zvisinei nekutaura kunoitwa nevamwe kana kuti kufungidzira kuti ini nemwana wemukoma
wangu mushakabvu takarimirana kumuganhu, ndinoda kuti vanhu vazive kuti hakuna
zvakadaro. Tinodyidzana zvakanakisisa uye kana kuine vanofambisa mashoko enhema aya
vaine chinangwa chekuti tinge tiine ruvengo pakati pedu, ndinoti ngavataure zvavo asi
hapana chinombofa chakashanduka.
“Kana paine vanga vasati vazviziva, takatoridza tose pane mumwe mutambo wakaitirwa
kuMutawatawa munaChikunguru gore rino uye kana zvikafamba zvakanaka, tinotova
netarisiro yekuzowanikwa tichibura kambo kamwechete kana twuviri twose munguva
inotevera. Nguva nenguva, tinotomboita hurukuro dzekuronga kuti toridzirepi kana kuti
mumazuva api pamwechete. Zvose izvi zvinoratidza kuti hukama hwedu hwakasimba
zvikuru,” Josphat akataura kudaro.
Muimbi anogara murokesheni rweCherutombo uyu akapawo muono wake panyaya yekuti
vaimbi vane mukurumbira vange vachidzidzisa vana vavo kuti vagozotevera matsimba avo.
Akati: “Hapana kana chakashata pakuti munhu anoimba nekukwenya magitare adzidzise
kana kukurudzira mwana wake kuti aitewo zvemimhanzi. Mumaonero angu zvangu
pachangu, munhu wose akazvarwa akapfumbata chipo chake uye zvakanaka kuti chipo
chemunhu wega-wega chinge chichisimudzirwa. Kana mwana akazvarwa achinzi ane chipo
chekuimba, hapana anochibvisa maari uye anozongoguma aimba nekuti hakuna kana
munhu angakwanisa kumutorera chipo chinenge chiri maari.”