LOADING

Type to search

Chaminuka Provincial Newspapers

Kanzuru yotsoropodzwa nekutadza kudzima moto wekupisa motokari zhinji

Share

MARONDERA- Vagari vemudhorobha reMarondera, vanamuzvinabhizimisi nevamwewo
vakaratidza kutsutsumwa kukuru zvichitevera kukundikana kudzima moto kwakaitwa
nekanzuru zvinova zvakakonzera kuti motokari dzine chitsamha dzinge dzichitsva munguva
pfupi ichangodarika.
Pakaitwa kurudziro yekuti kanzuru inge ichizama nepainokwanisa napo kuti inge iine
zvikwanisiro zvinodiwa zvakakwana maringe nekupa rubatsiro rwunenge rwuchidiwa kana
pachinge paitika chiitiko chakadai.
Motokari zhinji dzakatsva kusara ave mazengenya pachiitiko chemoto chinosuwisa
chakaitika pagaraji reTop Gear Panel Beaters kunharaunda yemaindasitiri yemuMarondera.
Chiitiko ichi chakaitikira pedo-pedo nepane muzinda webandiko rekanzuru rinoona
nezvenyaya dzezvekudzimwa kwemoto, kuchengetedzeka kwenharaunda dzeMarondera
pamwe nekutakurwa kwevarwere.
Moto uyu wakaita kuti vanhu vazhinji vange vachirasikirwa nemotokari dzavo zvinova
zvinosuwisa zvikuru sezvo isiri nyore kuti munhu atenge ngoro yake yemoto yongoparara
nenzira yakadaro.
Varidzi vemotokari dzakatsva vainge vadziendesa pagaraji iri kuti dzigadzirwe asi pakatanga
moto uyu, kanzuru yakatadza kuenda kunoudzima sezvo motokari yayo imwechete
inoshandiswa kuita basa iri yainge yaendeswa kumwewo kunogadzirwa.
Kwakazofonerwa kanzuru yeguta reHarare kuti inge ichiuya kuzodzima moto uyu asi
yakatora nguva kuti isvike pagaraji iri muMarondera sezvo paine chinhambwe uye
pakazosvika motokari yekudzimisa moto iyi, motokari zhinji dzainge dzatoparadzwa.
Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa muMashonaland East, Assistant Inspector Misheck
Denhere, vakatsinhira chiitiko ichi uye panguva yekunyorwa kwenyaya ino, zvainge zvisati
zvazivikanwa kuti chii chainge chakonzeresa moto uyu.
Tsvakurudzo dzekuziva chainge chakonzeresa chacho chaifambira mberi.
Huwandu hwemotokari dzakatsva chaihwo hwainge husati hwanyatsojekeswa asi vamwe
vevane karuzivo kane chekuita nechiitiko ichi vakati dzinogona kudarika gumi neshanu.
Zvichitevera chiitiko ichi, vagari vemudhorobha rino vakapa muono wavo vakakurudzira kuti
kanzuru inge yakarongeka kubudikidza nekuva nezvikwanisiro zvakakwana zvekushandisa
panguva dzose panenge paitika tsekwende dzerudzi urwu.
Sachigaro wesangano reMarondera Progressive Residents and Ratepayers Association
(MAPRRA), VaGolden Munjoma vakati kanzuru inofanirwa kutenga dzimwe motokari
dzekudzimisa moto porega kuwanikwa pachitsva mizinda kana dzimba nemoto unenge
watadza kudzimwa panguva yakafanira.
“Ichi chiitiko chinosuwisa zvikuru uye kuipa kwazo ndekwekuti chabuditsa pachena
kusarongeka kwekanzuru munguva yematambudziko. Zvinosuwisazve kuziva kuti moto uyu
wakapisa motokari pagaraji riri chinhambwe chidiki kubva pamuzinda webandiko rekanzuru
rinofanirwa kuita basa rekudzima moto.

“Dai kuri kuti kanzuru yakarongeka, moto uyu ungadai wakadzimwa nekukasika uye zvaiita
kuti vanhu vasarasikirwe nemotokari dzavo sezvakaitika izvi. Sesangano reMAPRRA, tiri
kukurudzira kuti kanzuru inge ichikoshesa zvikuru kuti itenge imwe motokari yekudzimisa
moto. Izvi zvinobatsira kuti pazenge paine motokari inenge iri panzvimbo yakamirira
kushandiswa pese panenge paitika dambudziko remhando iyi.
“Kunyangwe zvazvo painge pasina motokari yekudzimisa moto pakaitika chiitiko ichi,
vashandi vekanzuru vangadai vakatsvaga dzimwe nzira dzekuzama nadzo kuenda
kunodzima moto uyu dzakaita sekushandisa zvingoro zvavo zvinotakuriswa kana
kuchengeterwa mvura,” VaMunjoma akadaro.
Mashoko avo akatsinhirwawo nasachigaro weMarondera Urban Business Forum (MUBF)
VaEmmanuel Danha avo vakati kanzuru ngaizive zvekukoshesa mumashandiro ayo nguva
dziri dzose zvadzo.
Vakati: “Zvakakosha zvikuru kuti kanzuru yedu yeMarondera igare iine motokari kana
zvimwewo zvikwanisiro zvingashandiswe kana pachinge paita dambudziko remhando iyi
kana mamwewo. Takatarisana nedambudziko remhando iyi tinoona kuti zvinosuwisa zvikuru
nekuti vanhu vazhinji vakarasikirwa nengoro dzavo dzemoto kubudikidza netsekwende
yaikwanisika kudzivirirwa dai kuri kuti kanzuru yedu yainge yagara yakarongeka kana
kuzvigadzirira.”
Vaimbova executive Mayor wekanzuru yeMarondera, Alderman Ralph Chimanikire, vakati
hazvipe chimiro chakanaka kuona kuti kanzuru haina zvikwanisiro zvakakwana kubandiko
rayo rinoona nezvekudzimwa kwemoto, kuchengetedzeka kwenharaunda nekutakurwa
kwevarwere.
“Chiitiko ichi idambudziko guru ratibaya moyo uye pamusoro pekukonzeresa kurasikirwa
nemotokari kwaitwa nevanhu vane chitsamha, zvakanganisawo mashandiro emuridzi
wegaraji wechidiki uyu uyo aizvishandira nesimba mubasa rake. Ndiri mumwe wevanhu
vanogadzirirwa motokari naye uye anga achiita basa rake zvakanakisa chose.
“Pamusoro pezvo, chinonyanyosuwisa ndechekuti pakatadza kuwaniswa rubatsiro
rwekudzima moto uyu. Kanzuru yeMarondera inofanirwa kuona zvekuita pachiine nguva uye
inofanirwazve kugarodengenyeka sezvo pasina angagare afanoziva nguva kana kuchaitikira
dambudziko rakafanana neiri. Dai pakawanikwa ruyamuro nenguva yakafanira, motokari
dzingadai dzisina kutsva,” vakadaro VaChimanikire.
Gideon Chauke, mugari wemuMarondera, akapawo shoko rimwe chete iroro rekuti kanzuru
izame nepainokwanisa napo kuti inge iine motokari nezvikwanisiro zvekushandisa pese
panenge paita dambudziko mudhorobha rino.
Akati: “Handione zviine musoro kuti kanzuru inotonzi yakatadza kutora danho rekubatsira
panguva yakatsva motokari pagaraji iri. Ngatipafungei kuti chii chaizoitika dai kuri kuti
muchivakwa chakatsvira motokari idzi mainge muine vanhu. Zvakangooma hazvo nekuti
vanhu vaitozongogona kurasikirwa nehupenyu. Ngapave nekurongeka kukuru kubva
kukanzuru yedu.”
Cecilia Chiwara uyo anogara pedyo negaraji iri akati panguva dzakatanga moto uyu,
akamhanyira kumahofisi ebandiko rezvekudzima moto akanozivisa vashandi vaivepo
panguva yacho asi akaudzwa kuti painge pasina rubatsiro rwaigona kupihwa ipapo-ipapo.
“Pandakatanga kuona chiutsi chichitogoka kubva muchivakwa ichi, ndakatanga ndafonera
nekuzivisa muridzi wegaraji sezvo ndichimuziva. Ndakazomhanyira kumahofisi ekanzuru ari

chinhambwe chingangosvika mamita zana kubva panzvimbo yaibvira moto asi vakati
motokari yekudzimisa yainge isipo.
“Mushure mekunge ndaudzwa izvi, ndakafonera vanoita zvekudzima moto veguta reHarare
asi panguva yavakazosvika muMarondera, motokari zhinji dzainge dzatotsva nechekare,”
akadaro Chiwara.
Mukushi wemashoko wedhorobha reMarondera, VaKudakwashe Tapfumaneyi vakaburitsa
mashoko mushure mechiitiko ichi.
Vakati sekanzuru, vane humbowo zvikuru nekuda kwekutsva kwemotokari kwakaitika
pagaraji ndokuenderera mberizve vachiti panguva yakaitika izvi, motokari yekanzuru
yekudzimisa moto imwechete yainge yaenda kunoongororwa nekugadziriswa kuti inge
ichinyatsoshanda zvakanaka.
“Sekanzuru, tine hurombo zvikuru nezvakaitika izvi uye nekurasikirwa nemotokari
kwakavepo. Pazvakaitika, motokari yedu yekudzimisa moto yainge yaendeswa kumwewo
kunogadziriswa. Nekudaro, takazobata vamwe vedu vekuguta reHarare avo vakakwanisa
kuzosvika panzimbo asi hapana zvizhinji zvavakazokwanisa kuita.
“Panguva ino, tiri mushishi kushandidzana nemapurisa nevamwewo kuti pange pachiitwa
tsvakurudzo nehwerengedzo yechingangodaro chakakonzera moto uyu. Mushure mezvo,
tichazozivisa zvizere zviri maererano nechiitiko ichi,” vaTapfumaneyi vakazivisa mumashoko
avo.
Vakatizve kanzuru yeMarondera iri kutarisira kuzopihwawo motokari itsva yekudzimisa moto
neHurumende munguva pfupi iri kutevera.