LOADING

Type to search

Provincial Newspapers Pungwe News

Kurambwa kwemari dzakabvaruka kotemesa musoro

Share

KURAMBWA kwemari dzakasviba pamwe nedzakabvaruka uko kuri kuitwa neavo
vanoita zvekutengesa zvakasiyana siyana kuri kuenderera mberi mudunhu
reMashonaland Central, uye kuita uku kwoshorwa zvikuru nevagari vedunhu iri sezvo
zvichiunza kutambura apo munhu anenge aine mari yake.

Dunhu reMashonaland Central idunhu rinoitwa mabasa ekurima, kuchera goridhe
pamwe nemamwewo mabasa emaoko akasiyana-siyana ayo anoitwa kubva
munzvimbo iyi nechinangwa chekuti vanhu vararame, asi zvimwe zvakuzoitwa
mudunhu iri zvinogona kuunza hurombo kuvanhu vazhinji apo vanhu vane mari
dzakasviba kana dzakabvaruka vasiri kugona kutenga nemari dzerudzi urwu.

Mumwe mugari wekuMvurwi, Tapson Nherera, akati akambopinda muchitoro chiri
mudhorobha iri ndokurambirwa mari yake $10 zvichinzi yakange yakabvaruka apo aida
kutenga hupfu.

"Zviri kuitwa muzvitoro hazviite ndakarambirwa kutenga hupfu zvichinzi mari yangu
yakabvaruka", akadaro Tapson.
Mumwezve mugari wekuChiwaridzo kuBindura, Nelson Dangarembizi, akati
akarambirwa mari yake $1 mune chimwe chitoro zvichinzi mari yake yakasviba pamwe
nekubvaruka apo aida kutenga mushonga weshangu.
"Zvimwe zvacho hazviite ndakatotadza kutenga zvichinzi mari yangu yakasviba uye
kubvaruka," akadaro Nelson Dangarembizi.

Kurambwa kwemari nezvikonzero zvekubvaruka pamwe nekusviba kwayo hakusi
kuitwa mumadhorobha chete nokuti Shyleen Nematombo wekuRushinga kuMt Darwin
akati ukapinda muchipi nechipi zvacho chitoro kubva munzvimbo iyi mari yake inotanga
yatarisiswa zvinobva zvatotemesa musoro pakutenga.

Mashoko aya akada kuenderana nekutaura kwaFreedy Murombedzi wekuGuruve uyo
akati akapinda muchitoro mari inobva yapenengurwa- penengurwa ichitsvagirwa
zvipomero.

"Kurambwa kwemari hakuvake nyika uye kwakutotisvota. Mari inoongororwa kuti zvadii.
Izvi zvakutoda kuti Hurumende ipindire panyaya yemari iyi", akadaro Freedy.
Dambudziko rekusemwa kwemari riripo zvekare munzvimbo dzemumapurazi apo
Tafadzwa Chiremba wekuAshford Farm kuCentenary akati papurazi pavo tsika
yekurambwa kwemari iripo kunyanya kune avo vanoita zvekutengesera mudzimba.

Nepfungwa yekuda kupedza nyatwa yekurambwa kwemari, mumwe mugari
wekuShamva, Gibson Chekutemura, akati kana vanhu vakadzidza kushandisa mari
zvakanaka dambudziko rekubvaruka pamwe nekusviba kwemari yacho rinopera, uye
zvinobva zvabvisa kusemwa pamwe nekutarisiswa pasi kwemari yacho pakutenga.