LOADING

Type to search

Chaminuka Provincial Newspapers

Madzishe okurudzirwa kushandidzana neHurumende

Share

MARONDERA- Gurukota rinoona nezvekusimudzirwa kwematunhu, VaWinston
Chitando, munguva shoma yapfuura vakapa kurudziro yekuti Madzishe ose arambe
achishanda akabatana neHurumende mumatunhu akasiyana-siyana kuitira kuti mabsa
ose anosimudzira nharaunda akatangwa ange achisvika pakupedziswa.

Vakatura mashoko aya pazvirongwa zvekugadzwa kwemadzimambo maviri apo vainge
vakamiririrwa negurukota rinoona nezvekufambiswa kwebasa muMashonaland East, Dr
Aplonia Munzverengwi.

Pamitambo yekugadzwa kwemadzimambo maviri aya, Denford Shonhai
wemuMarondera akagagadzwa kuti ave Mambo Nenguwo zvichitiwo kuMudzi, Newton
Kachepa akagadzwa zviri pamutemo kuti ange achizova Mambo Mukota.

Pakaitwa mitambo iyi iri miviri, vashandi veHurumende vemapazi akasiyana-siyana
nevamwe vanhu veruzhinji vaivepo.

Mambo Shonhai naMambo Kachepa vakatanga basa ravo mushure mekunge President
Mnangagwa vapa mvumo kutanga musi wa08 Nyamavhuvhu gore rino.

Pamhemberero dzekugadzwa kwemadziMambo maviri aya, VaChitando vakati
vatungamiririri vevanhu pachivanhu chedu vanofanirwa kurwira kubudirira
kwenharaunda dzavo avo kuchengetedzwa kwetsika nemagariro.

Vakati: “Hurumende inoziva chose kushandira pamwe kunofanirwa kunge kuchiitwa
nemadziMambo pamwe chete nemakanzuru ose munyika. Vanofanirwa kutonga zviri

pajekerere, vachiyananisa vanhu vanenge vakanganisirana nguva nenguva uyewo
vachikurudzira kubatana kwevanhu nguva dzose.

“Kune vatungamiri vakasarudzwa nevanhu mumawadhi, makanzura edu ayo atinoda
kuti ange achishandidzana zvakanaka nemadziMambo edu mumatunhu ose munyika.

Vanofanirwa kubatsirana kupedza dambudziko rekumbunyikidzwa kwevanhu, huori
pamwe nemamwe makakatanwa anoitika munharaunda dzedu. Kuita uku ndiko chete
kunogona kubatsira kuti magariro evanhu mumatunhu edu ange achisimukira,
mukubatana uye murunyararo. Izvi ndizvo zvimwe zvishuwo zveHurumende yedu iri
kutonga inotingamirirwa naPresident Mnagagwa.”

Vachitaura nebepanhau reChaminuka, mukuru wemadziMambo ose emuMashonaland
East, Senator Mambo Nechombo vakapa kutenda kwavo kukuru kuHurumende nekuda
kwezvirongwa zvekugadza makurukota matsva aya.

Vakati: “Ndinoda kupa kutenda kukuru kuHurumende yedu yeZimbabwe iri
kutungamirirwa naPresident Mnangagwa rekugadza madziMambo matsva aya uye
kurudziro yangu kune vapihwa zvigaro zvehuMambo ava zviri pamutemo ndeyekuti
vaedze nepose pavanokwanisa kushandisa nesimba mukuona kuti vanhu vanogara
munharaunda dziri pasi pehutongi pematunhu avo dzasimukira. Chatinoda
kusimudzirwa kwenharaunda kwevanhu uye kubva pasichigare, zvose izvi
zvinotungamirirwa neMadziMambo,” vakadaro Mambo Nechombo.