More
    HomeChaminukaMadzishe okurudzirwa kushandidzana neHurumende

    Madzishe okurudzirwa kushandidzana neHurumende

    Published on

    spot_img

    MARONDERA- Gurukota rinoona nezvekusimudzirwa kwematunhu, VaWinston
    Chitando, munguva shoma yapfuura vakapa kurudziro yekuti Madzishe ose arambe
    achishanda akabatana neHurumende mumatunhu akasiyana-siyana kuitira kuti mabsa
    ose anosimudzira nharaunda akatangwa ange achisvika pakupedziswa.

    Vakatura mashoko aya pazvirongwa zvekugadzwa kwemadzimambo maviri apo vainge
    vakamiririrwa negurukota rinoona nezvekufambiswa kwebasa muMashonaland East, Dr
    Aplonia Munzverengwi.

    Pamitambo yekugadzwa kwemadzimambo maviri aya, Denford Shonhai
    wemuMarondera akagagadzwa kuti ave Mambo Nenguwo zvichitiwo kuMudzi, Newton
    Kachepa akagadzwa zviri pamutemo kuti ange achizova Mambo Mukota.

    Pakaitwa mitambo iyi iri miviri, vashandi veHurumende vemapazi akasiyana-siyana
    nevamwe vanhu veruzhinji vaivepo.

    Mambo Shonhai naMambo Kachepa vakatanga basa ravo mushure mekunge President
    Mnangagwa vapa mvumo kutanga musi wa08 Nyamavhuvhu gore rino.

    Pamhemberero dzekugadzwa kwemadziMambo maviri aya, VaChitando vakati
    vatungamiririri vevanhu pachivanhu chedu vanofanirwa kurwira kubudirira
    kwenharaunda dzavo avo kuchengetedzwa kwetsika nemagariro.

    Vakati: “Hurumende inoziva chose kushandira pamwe kunofanirwa kunge kuchiitwa
    nemadziMambo pamwe chete nemakanzuru ose munyika. Vanofanirwa kutonga zviri

    pajekerere, vachiyananisa vanhu vanenge vakanganisirana nguva nenguva uyewo
    vachikurudzira kubatana kwevanhu nguva dzose.

    “Kune vatungamiri vakasarudzwa nevanhu mumawadhi, makanzura edu ayo atinoda
    kuti ange achishandidzana zvakanaka nemadziMambo edu mumatunhu ose munyika.

    Vanofanirwa kubatsirana kupedza dambudziko rekumbunyikidzwa kwevanhu, huori
    pamwe nemamwe makakatanwa anoitika munharaunda dzedu. Kuita uku ndiko chete
    kunogona kubatsira kuti magariro evanhu mumatunhu edu ange achisimukira,
    mukubatana uye murunyararo. Izvi ndizvo zvimwe zvishuwo zveHurumende yedu iri
    kutonga inotingamirirwa naPresident Mnagagwa.”

    Vachitaura nebepanhau reChaminuka, mukuru wemadziMambo ose emuMashonaland
    East, Senator Mambo Nechombo vakapa kutenda kwavo kukuru kuHurumende nekuda
    kwezvirongwa zvekugadza makurukota matsva aya.

    Vakati: “Ndinoda kupa kutenda kukuru kuHurumende yedu yeZimbabwe iri
    kutungamirirwa naPresident Mnangagwa rekugadza madziMambo matsva aya uye
    kurudziro yangu kune vapihwa zvigaro zvehuMambo ava zviri pamutemo ndeyekuti
    vaedze nepose pavanokwanisa kushandisa nesimba mukuona kuti vanhu vanogara
    munharaunda dziri pasi pehutongi pematunhu avo dzasimukira. Chatinoda
    kusimudzirwa kwenharaunda kwevanhu uye kubva pasichigare, zvose izvi
    zvinotungamirirwa neMadziMambo,” vakadaro Mambo Nechombo.

    Latest articles

    Zim Churches Urged to Channel Portion of Tithes Towards Fight Against Drug and Substance Abuse

    Harare,  (New Ziana) –Zimbabwean have been urged to play a role in the fight...

    UDCORP embarks on revival mission

    Harare, (New Ziana) – The Urban Development Corporation (UDCORP) has embarked on a mission...

    Natfoods boosts food security with $8.6 million Bulawayo wheat mill investment

    Harare, (New Ziana) – National Foods Private Limited has invested US$8.6 million in a...

    High HIV prevalence worries Plumtree chiefs

    Plumtree,  (New Ziana) - Traditional leaders in Matebeland South Province have expressed alarm at...

    More like this

    Zim Churches Urged to Channel Portion of Tithes Towards Fight Against Drug and Substance Abuse

    Harare,  (New Ziana) –Zimbabwean have been urged to play a role in the fight...

    UDCORP embarks on revival mission

    Harare, (New Ziana) – The Urban Development Corporation (UDCORP) has embarked on a mission...

    Natfoods boosts food security with $8.6 million Bulawayo wheat mill investment

    Harare, (New Ziana) – National Foods Private Limited has invested US$8.6 million in a...
    error: Content is protected !!