MAMWE maporofita maviri kubva kukereke ichangonyuka kuMazowe yeShoko
Dzvene Apostolic, vakarwisana svondo rapfuura nemusi weChishanu pasowe ravo
mushure mekunge pasowe apa pasvika imwe mhene iyo yaida kushandirwa.
Zvakaitika ndezvekuti pasowe revarume ava – Madzibaba Nickson Giremu
naMadzibaba Samuel Tizola – pakasvika mumwe murume akange ane motokari
yake uye aitaridza kuti akange aine mari.
Zvadaro murume uyu akabva apfugama pasowe iri achimirira kushandira. Maporofita
aya, pavakaona murume uyu achida kushandirwa vakaita chipiti-piti kumhanyidzana
kuda kumushandira nokuti yakange iri mhene.
Pakumhanyidzana apa, mumwe akatangirwa ndokurwadziwa nazvo. Vaviri ava
vakazotanga kugwinyana gwinyana zvikazokonzera kuti varwe.
Mukukakavadzana, maporofita aya vakabva vakandana zvibhakera apo vanhu
vakatarisa pasowe iri izvo zvakazoita kuti murume aida kushandirwa asimuke
ndokuenda zvake.
Dambudziko rakange rafambirwa nemhene iyi hapana akange ataurirwa kusvika iye
zvino.
Nekuda kwechiitiko ichi, vatendi vekereke yeShoko Dzvene Apostolic vakashora
zvikuru hunhu hwakaratidzwa nemaporifita aya.
"Takanyara kuona maporofita vachirwira kushandira murwere. Kuita uku kwakaipa
zvikuru," akadaro Rumbidzai Soko.
Maporofita aya anobhadharisa kushandira varwere asi pasowe pavo hapawanzouya
vanhu vazhinji saka pakauya munhu vanotogwinyana gwinyana nekuti panenge
paita zvemari. Madzibaba Nickson Giremu vakabvuma kuti vakarwisana nemumwe
wavo, asi vari kuti nyaya yacho hainei nevekunze kwe kereke yavo.


