LOADING

Type to search

Chaminuka Provincial Newspapers

Mayor mutsva wedhorobha reMarondera akagadzwa

Share

MARONDERA- Kanzura veWard 8 mudhorobha reMarondera, VaAbel Nyakarombo
vakasarudzwa kuti vagozova Mayor wedhorobha guru remuMashonanalnd East pasarudzo
dzakaitwa svondo rakapera.
VaNyakarombo vari kusimudzira kubva pakasiiwa naVaSimbarashe Nyahuye veMDC-T.
Mayor vatsva veMarondera ndevebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change (CCC) uye
mutevedzeri wavo ndavaBornface Tagwirei (Ward 3) uye vari kubato rimwechete iroro.
Vachitaura pachirongwa chekugadzwa kwevamiriri vevagari vemuMarondera vatsva ava mu
Council Chamber, District Development Coordinator (DDC), VaClemence Masawi,
vakakurudzira makanzura kuti ave nekubatana mukuumba zvisungo zvinoita kuti mabasa
anosimudzira dhorobha afambe mune zvakanaka.
Vakati: “Makasarudzwa nevagari vemuMarondera kuti muzenge muchimirira zvido zvavo
kunyanya uyewo kuona kuti vashandi vekanzuru vazadzikisa here mabasa ose anoita kuti
dhorobha redu risimukire. Izvi ndizvo zvamunotsungirwa kuita uye chivimbo changu chikuru
kuti muchaita muonerapamwe mukuona kuti izvi zvazadzikiswa here.
“Kukavadzana hakuna kwakunosvitsa chero vanhu saka nekudaro, chitsvambe chekuona
kuti vanhu vari kuwana mvura, vari kutakurirwa mabhini, kucheneswa kwenzvimbo dzese
dzemudhorobha, kufambika kwakanaka mumigwagwa nezvimwewo zviri kutarisirwa kubva
kumashandiro amuchange muchiita.”
Mukugamuchira kusarudzwa kwavo, Mayor Nyakarombo vakati vakazvipira kuzotungamira
uye vachaedza nepose pavanokwanisa kuona kuti kanzuru yeMarondera yasimukira
munhau dzemabsa nezvirongwa zvakasiyana-siyana.
“Ndinozvininipisa nekuzvityora zvikuru pameri peavo vandisarudza kuti ndigozova Mayor
wedhorobha redu reMarondera kwemakore mashanu ari kutevera. Handina kunge
ndakazvitarisira asi ndinogamuchira nemoyo wose kusarudzwa uye kugadzwa kwandaitwa
uku.
“Ndazvipira kushanda nesimba nepandinogona uye mukutungamira kwandichange ndichiita,
ndichashanda nemakanzura ose zvisinei nekuti uyu ndewekubato ripi. Tose tiri vagari
vemuMarondera uye tinofanirwa kushanda zvakanaka kuitira kuti tinge tichivandudza
magariro evanhu. Ndinotarisira kushandidzana zvakanaka nevashandi vakuru vemukanzuru
mukuzadzikisa zvatinenge tatenderana kuti zvinofanirwa kuitwa mukusimudzira dhorobha
redu,” Mayor Nyakarombo vakadaro.
Madhorobha mazhinji nemaguta munyika ari kutungamirirwa nemakanzura ebato rinopikisa
reCCC asi zvinoratidza kuti pane kakukundikana kanenge karipo sezvo mamwe emabasa
akaita sekugadzirwa kwemigwagwa nekutakurwa kwemarara asiri kuitwa nemazvo zvinova
zvinoita kuti Hurumende ipindire mukugadzirisa zvinetswa zvakadai.
Mukanzuru yeMarondera, bato reCCC rine makanzura mapfumbamwe akasarudzwa
pasarudzo dzakaitwa mwedzi wadarika kuchitiwo bato riri kutonga reZanu PF rine

makanzura matatu akasarudzwa anoti VaHilton Chipashu veWard 8, VaMoses Ndoro (Ward
5) naVaJoel Mujaranji vekuWard 12.
Vakapinda vakamiririra madzimai kubva kumapato maviri aya vanosanganisira Busisiwe
Govere (Zanu PF), Deffeny Nyatondo (CCC), Sisipile Mutizwa (CCC) naClara Hove (Zanu
PF).
Mamwe makanzura ndevaimbove Mayor weMarondera Chengetal Murowa (Ward 1), More
Maradza (Ward 2), Charles Ngwena (Ward 4), Cephas Mazambani (Ward 6), Gresham
Muponda (Ward 9), Thomson Magaluwa (Ward 10), Size Vilela (Ward 11).