LOADING

Type to search

Nehanda Guardian Provincial Newspapers

Mazai ekuba oramba kuibva

Share

NaHeadrance Viga

CHIWESHE – NYANGWE zvazvo Natasha Gwatidzo(19) wekwaGweshe kuChiweshe akange amboudzwa nambuya vake kuti haafanirwe kupinda mudanga rehuku asi nekuda kwenharo, musikana uyu akabva apinda mudanga racho nemusi weMuvhuro, Kubvumbi 8, 2024 apo mbuya vakanga vasipo ndokubva atora mazai mashanu pedzezvo ndokubika mazai acho.
Akazokahadzika mazai acho aramba kuibva.

Kana nanhasi uno Natasha achiri kuzunguza musoro pamwe nekudedera mushure mekuda kudzidzira humbavha masikati machena, apo akaronga kuba mazai aambuya vake ndokubika. Abika kudaro, mazai acho akaramba ari zvaari kana kumboibva. Mushure mekupedza kubika, Natasha akatanga kuputsa zai rimwe nerimwe kusvika apera uye ose ari mashanu akange asina kuibva. “Ndakatora mazai ehuku mudanga rambuya vangu ivo vasipo ndokubva ndaabika, asi mazai acho akaramba kuibva,” akadaro Natasha.

Musikana uyu anogara pamusha apa nambuya vake, zvino musi wechiitiko ichi akatora mukana wekusara ega ndokubva arebesa ruoko rwake kusvika mudanga umo akazoba mazai ayo akazoramba kuibva. “Ndakangoti regai ndimbotora mazai ndimbobika asi zvakaramba. Ndakamboudzwa kuti ndisatambire mudanga iri, asi ndakaita nharo manje apa ndadzidza kubva munharo dzangu,” akadaro Natasha. Mumwe sahwira wemhuri iyi, Stella Bhobho, akatsinhira nezvechiitiko chemazai ichi apo akati ambuya vaNatasha havabirwe kana kuminda kwavo nokuti vakakugadzira nemushonga.

“Mbuya vaNatasha ndisahwira wangu, uye vanoranga mbavha kubvira nekubvira uye ichokwadi kuti kazukuru kakaba mazai asi mazai acho akazoramba kuibva abikwa,” akadaro Stella Bhobho. Ambuya vaNatasha havana kufarira kuda kutaura zvizhinji maringe nenyaya yemazai, asi mukutaura kwavo vachiita nechidimbu vakabvuma kuti danga ravo rakagadzirwa, uye rinozvichengeta iro roga pacharo.

“Zvedanga rangu hazvisi zveruzhinji, asi rega nditi danga rangu rakachengetedzeka zvehupenyu hwese nokuti rakagadzirwa kuitira mbavha,” vakadaro ambuya vaNatasha. Vakazoenderera mberi vachiti vanhu ngavadzidze kukumbira kana kuzvishandira, kwete kuba. Mamwe mashoko maringe nedanga raambuya vaNatasha anotaridza kuti danga ravo rakagadzirwa nemushonga nokuti mumakore adarika pane imbwa mbiri dzakaba huku mudanga rambuya ava asi imbwa dzacho dzakazotanga kupenga ndokunogara musango uye dzinofungidzirwa kuti imbwa dzacho dzinogona dzakatozofa.

Next Up