LOADING

Type to search

Nehanda Guardian Provincial Newspapers

Mhondi dzemabakatwa dzatanga zvakare

Share

GLENDALE – NEKUDA kwekuwanda kwenyaya dzembavha idzo dziri kuba dziine
mabhemba, Mapurisa emumusha weGlendale vari kuyambira vagari wenzvimbo iyi,
kunyanya vezvemabhizimusi nevarimi nezvembavha pamwe nemhondi dziri
kutenderera munzvimbo iyi.

Muchiziviso chemapurisa chekuyambira veruzhinji nezvemhondi idzi, vari kukurudzira
vagari venzvimbo iyi kuti vamhan'are nokukasira kana pane nyaya dzine chekuita
nembavha idzi vachishandisa nhare dzinoti 0662182849.

Zvimwe zvazoita kuti nzvimbo yeGlendale izare mbavha inyaya yekuti kuJumbo Mine
kwaimboitirwa chikorokoza kwakavharwa saka vazhinji vaishandako havachisina
mabasa izvo zvaunza mbavha zhinji munzvimbo yeGlendale.

Nekuda kwembavha idzi mapurisa varikurudzira vanhu kuti vasafambe husiku uye
vasataurire vamwe nezvehurongwa hwemafambiro avo.

Mapurisa arikuenderera mberi muziviso yechenjedzo vachiti tikabatana tinogona
kukunda kuparwa kwemhosva munzvimbo iyi.