LOADING

Type to search

Provincial Newspapers The Times

Mudzidzi wechisikana okwezva vanhu neruzivo rwemishonga yechivanhu

Share

Musikana ari mugwaro rechitatu paRakodi High School muMarondera akakwezva
vanhu nevaenzi vaive pagungano reNational Annual Science Sport and Arts Festival
nokuratidza ruzivo rwake rwemishonga yechivanhu.
Whitney Ngwarai (16) uyo aive pakati pevanhu vairatidza unyanzvi hwavo
pagungano reNASSAF rakaitirwa pa Chaplain High School, anoti akafara zvikuru
nedanho rakatorwa neveMinistry of Primary and Secondary Education reEducation
5.0 iyo inokurudzira vadzidzi kushandisa zvinowanikwa munharaunda mukubudirira
nokuumba mabasa kwete kuve vanotsvaga mabasa.
“Ndiri kufara zvikuru nemhando yedzidzo iyi nokuti ndave kukwanisa kuita
zvandinofarira,” akadaro mudzidzi uyu.
Anoenderera mberi achiti havasi vose vanogona dzidzo yemabhuku saka NASSAF
iri kuvapa mukana wekuratidza zvavanokwanisa.
Ngwarai akati anokwanisa kubatsira vanhu vane urwere hwakasiyana-siyana
neruzivo rwake rwemishonga yechivanhu.
“Ndinokurudzira vanhu kushandisa mishonga yechivanhu sezvo isingakuvadzi uye
ichigadzirwa isina zvakawedzeredzwa ,” akadaro mudzidzi uyu akawedzera zvakare
achiti ine mitengo yakaderera zvichienzaniswa nemimwe mishonga.
Ngwarai anoti vanhu vanokwanisa kurarama zvakanaka vachitengesa mishonga
yechivanhu uye akakurudzira vanoita nezvemishonga yechivanhu kuti vasiyane
nokuzviratidza zvakanyanya kudzivirira kushoropodzwa.
Mutungamiriri webato rePrimary neSecondary Education, Torerai Moyo anoti
chirongwa cheEducation 5.0 chinovandudza kutanga zvinhu zvitsva, kufunga zvine
hunyanzvi, kubatira pamwe nekupedza matambudziko seunyanzvi hunodiwa
nevanhu mukubudirira.
“Chirongwa chedzidzo yekuzvivandudza, chinotarisa maatsi, mitambo nesainzi
senzira yedzidzo inovandudza nekunatsurudza zvipo,” vanodaro VaMoyo.
VaMoyo vakakurudzira vabereki kuti vaone zvipo zvine vana vavo kuti vakwanise
kuvakurudzira zvichienderana nechirongwa cheEducation 5.0 uye muono
wekusasiya munhu kana nzvimbo kumashure.”
Vadzidzi vakabva kuMatunhu dzakasiyana-siyana vane vairatidza unyanzvi hwavo
muzvirongwa zvakasiyana-siyana.
Nyaya iyi yakaturikirwa kubva kuChirungu kuenda kuChiShona neMidland State
University National Language Institute.