ZVAKAITIKA muGlendale svondo radarika zvonetsa kunzwisisa kuti kuroya here
kana kuti kuroiwa apo mushakabvu Sixpence Nico, uyo akange ane makore makumi
mana nemasere ekuzvarwa akadyiwa mhuno yose ari chitunha ndokuzovigwa asina
mhuno.
Sixpence akafa mushure mekurwara kwenguva yakareba asi rufu rwake rwasiya
vanhu vane kutaura kwakasiya-siyana apo vamwe vari kuti murume uyu akange
akaromba ndosaka akavigwa asina mhuno.
Vamwe ndovari kuti murume uyu akadyiwa mhuno nemakonzo. Kutaura kwese uko
kwasiya vagari wemuGlendale vasina chokwadi nezvakaitika maringe nezvemhuno
yemushakabvu.
Takashama nazvo Sixpence akavigwa asina mhuno uye haana kuzoonekwa
neweruzhinji asati avigwa nekuti hazvaiita kuti aonekwe, akadaro Joe Yotamu.
Raramiro yaSixpence asati afa yaivhundutsa zvikuru apo murume uyu airara
muimba imwechete namai vake vachifuga gumbeze rimwechete.
Zvinonzi vaviri ava vakange vane chigaba chavaishandisa pakurasira mvura husiku
icho chinozivikana nekuti (Chamber), uye aipedzisira kumuka ndiye ainorasa mvura
yemuchigaba ichi.
Zvaiitwa nemushakabvu asati afa zvakaoma nekuti aitodanana namai vake
zvekutoti vanogona vakatoita bonde vose," akadaro Bisman Mhandu. Mamwewo
mashoko maringe nemushakabvu anotaridza kuti iye namai vake vaitombogeza
vose. Sixpence aive murume ane pfungwa dzinoshanda uye aitoshanda mamwe
mabasa emaricho anowanika munharaunda.
Sixpence taitoshanda naye kumaricho uye akange asingapenge, akadaro Nomsa
Kahuni.
Mushakabvu uyu ndiye zvekare aitovaka dzimba dzavaigara iye namai wake.
Sixpence akamboroora kare kare ndokuzoparadzana nemudzimai wake mushure
mekutadza kugarisana naye. Kugara kwaakaita nemudzimai wake, Sixpence haana
kubvira aita mwana kudzamara asvika pakufa.
Maitiro emurume uyu asati afa, anoramba achizunguza misoro yevagari venzvimbo
iyi. Mamwe mashoko anotaridza kuti mushakabvu uyu ndiye zvekare aitengera mai
wake nhumbi dzekupfeka idzo dzinosanganisira zvipfeko zvemukati. Nekuda
kwemaitiro ake asati afa, vanhu vakungozevezerana kuti pada mushakabvu
anogona akange akaromba izvo zvakazokonzera kushaikwa kwemhuno yake iyo iri
kufungidzirwa kuti yakadyiwa nevaroyi.


