LOADING

Type to search

Chaminuka Provincial Newspapers

Mugwagwa unobatanidza Melfort neBromley wakavhurirwa motokari dzeruzhinji

Share

MARONDERA- Panguva iyo Hurumende iri mushishi kunatsurudza mugwagwa mukuru
unobatanidza Harare neMutare kuti unge wakafaranuka, bazi rezvekutakurwa
kwezvinhu nekufamba kwevanhu ravhura makiromita anokwana makumi mana
nematanhatu emugwagwa uyu kuti ange achishandiswa nengoro dzemoto pamwechete
nevanhu.
Chimwe chidimbu chemugwagwa uyu chinosvika kumakiromita matanhatu uye
chichibatanidza Melfort neBromley chakavhurwa zviri pamutemo neGurukota rebazi iri
pamutambo wakaunganirwa nevanhu vaisanganisira Gurukota rinoona
nezvekufambiswa kwemabasa ebudiriro muMashonaland East, Dr Aplonia
Munzverengwi nevashandi veHurumende vekumapazi akasiyana-siyana.
Kuvhurwa kwechidimbu chemugwagwa uyu kwakaitwa panguva iyo Hurumende
yeSecond Republic inotungamirirwa naPresident Mnangagwa iri mushishi kushanda
nesimba kuitira kuti migwagwa yose munyika inge ichifambika zvakanaka nguva dzose.
Hurumende yeSecond Republic ndiyo iri kutonga munyika zvakare zvichitevera
kukunda musarudzo zvine mutsindo kwakaitwa neZanu PF mwedzi wakapera
mumazuva a23 na24 Nyamavhuvhu.
Mabasa ose ari kuitwa neHurumende akazendamira kuzvisungo zve National
Development Strategy-1 (NDS-1) neVision 2030, izvo zvine midzi yazvo pakuona kuti
Zimbabwe yazova nyika isiri muhurombo hwakanyanya patinozosvika mugore ra2030.
Kukudzwa pamwe nekuvandudzwa kwemugwagwa unobatanidza Harare neMutare
unova unozoyambutsidza mimwe kumisika yenyika yatakaganhurana nayo
yeZimbabwe kwakatanga kuitwa makore gumi nemaviri akapera.
Mabasa ekuvandudzwa kwemugwagwa uyu haana kumbenge akazonyatsoitwa kana
kufambiswa zvinoonekera asi zvose izvi zvakazoshanduka pakatanga kutongwa nyika
ino naPresident Mnangagwa.
Kutanga kutonga kwaPresident Mnangagwa neHurumende yavo yeSecond Republic
kwakaratidza pachena kuzvipira kwavo kuvandudza mapfundo ane chekuita
nekubudirira kwenyika anosanganisira migwagwa, zvikoro, zvipatara, mazambuko,
zvekurima, zvezvicherwa nemamwewo akangodaro.
Mabasa aisamboitwa nemazvo kana kungopihwa zvivimbiso zvekuti aizoitwa ave
kusimudzirwa achibva aitwa nemazvo nenguva yakafanira zvinova zvinoratidza zvega
kuti Hurumende iripo kuvandudza hupfumi hwenyika nemagariro evanhu.
Mukuvandudzwa kwemugwagwa uyu, zvakaratidza kuti Hurumende inoreva idi paye
painenge ichiti nyika inovakwa nevene vayo sezvo kambani yemuno munyika Fossil

Contracting (Private) Limited iri iyo yakapihwa basa rekuvandudza Harare-Mutare
Highway.
Mushure mekunge vachangobva kuvhura zviri pamutemo makiromita anosvika
matanhatu emugwagwa uyu anobatanidza nzvimbo dzeMelfort neBromley dziri muno
mudunhu reMashonaland East, Gurukota rinotungamirira bazi rekutakurwa kwezvinhu
nekufamba kwevanhu, VaFelix Mhona vakati mabasa ane chekuita nezvekusimudzira
nyika anoitwa kubudidza nekutakurwa zvezvishandiswa zvakasiyana-siyana uye
kufamba kwevanhu mumigwagwa yakanaka nguva dzose.
Nekudaro, vakati Hurumende iri kushingaira kuona kuti migwagwa yose iri munzvimbo
dzakasiyana-siyana dzemunyika yavandudzwa kuitira kuzadzikisa izvi.
Vakati: “SeHurumende, tinozviziva kuti mabasa ekusimudzira hupfumi hwenyika pamwe
nemagariro akanaka evanhu anongovapo chete kana vachifamba kana kushandisa
migwagwa yakaringana. Zvinhu zvizhinji zvingave zvekushandisa mumaindasitiri,
munhau dzekurima kana mamwewo mabandiko ekuvaka nyika yedu zvinotakurwa
mumigwagwa. Isu sevanhu tinodawo kushandisa migwagwa yakanaka, inofambika
zvisina njodzi kana tichida kuenda kuzvikoro, kuzvipatara kana kushanya chaiko saka
nekudaro, ticharamba tichishingaira kuitira kuti migwagwa yedu yose munyika inge
yakavandudzika uye ichifambika zvakanaka.
“Pachiitiko chatiunganidza nhasi kudai, tavhura makiromita anokwana matanhatu kuti
ange achishandiswa nevedzimotokari nevamwewo. Makiromita atavhura nhasi aita kuti
tinge tichiwanikwa tavhura makiromita anosvika kuhuwandu hwemakumi mana
nematanhatu pakuvandudzwa kwemugwagwa uno uno kuguta guru remunyika
reHarare uchinoribatanidza neguta guru repurovhinzi yeManicaland inonzi Mutare.
“Hurongwa hwedu sebazi reHurumende huri pakuti mugwagwa uyu unobata dhorobha
guru reMashonaland East, Marondera, wonhanhira kuMacheke maMurehwa
uchizoyambukira kuHeadlands, Rusape dzamara Mutare muManicaland. Pamusoro
pezvo, tine hurongwa hwekuvandudza mugwagwa watinenge tichiti Christmas Pass
stretch uri maMutare. Pamugwagwa uyu, tichazenge tichivaka makiromita anosvika
kumakumi maviri nematanhatu uye uchazenge uchinyanyoshandiswa nemagonyeti
nedzimwewo motokari dzinotakura zvinorema dzakananga kumaindasitiri ekwaMutare
akasiyana-siyana kana kunosvika kuMozambique chaiko. Pari zvino, motokari zhinji
dzinotakura zvinorema dziri kuita tsaona pamugwagwa unopfuura nemugomo
reChristmas Pass asi munguva inotevera, zvose izvi ichange yave nhoroondo.”
VaMhona vakaenderera mberizve vachiti pane humwe hurongwa hwekuona kuti
hushandiko hweForbes Border Post mupurovhinzi yeManicaland hwavandudzwa uye
panotova nemakambani atove kugadzira nzira dzemavandudzirwo achazoitwa nzvimbo
iyi. Izvi zvichange zviri zvimwe chete nekuChirundu Border Post, sezvatakaita
paBeitbridge Border Post, kuitira kuti pange pachishandika zvisingapedzere
vanoshanyira nyika kana vanenge vachida kuyambukira kune dzimwe nyika nguva
yavo.

“MuMashonaland East, mugwagwa unobatanidza Harare neNyamapanda pamwe
chetewo neBorder Post reNyamapanda zviri pahurongwa hwekuvandudzwa.
Tichagadzira patsva kana kuvandudza migwagwa yedu nenzira dzakafanira.
Mazambuko edu nemaBorder Posts tichaita kuti ange achishandika zvakanaka uye
achionekera zvinofambirana nenguva yechizvino-zvino. Zvose izvi tichazviita
takatarisana nechinangwa chenyika chekusimudzira magariro nemashandiro
ezvizvarwa zveZimbabwe zvinova zvinobatsira mukusimudzira nyika yedu.
Vachitaura pachirongwa chimwechete, Gurukota rinoona nezvekufambiswa kwemabasa
ekusimudzirwa kwedunhu reMashonaland East, Dr Aplonia Munzverengwi, vakapa
kutenda kukuru kunaPresident Mnangagwa nekuda kwechido chavo chekuona kuti
migwagwa yemudunhu rino yavandudzwa.
Dr Munzverengi vakatendazve gurukota rebazi rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu
nekufamba kwevanhu VaFelix Mhona pamwe chete nekambani ye Fossil Contracting
(Private) Limited nekuda kwekubata basa kwairi kuita nemazvo.
“Kuvhurwa zviri pamutemo kwepfundo remugwagwa uno rinosvika kumakiromita
matanhatu anobatanidza Melfort neBromley kunoratidza kuti kune mabasa mazhinji ari
kuitwa neHurumende mukusimudzira nyika yedu pamwe nedunhu rino reMashonaland
East. Migwagwa yakatokoshera zvikuru sezvo tichishandisa nguva nenguva
mukurarama kwedu nekuti inobatanidza nzvimbo nenzvimbo. Kuti vanhu vakwanise
kusvika kuzvitoro, kuzvikoro, kuzvipatara, mizinda yemabhizimisi nedzimwewo nzvimbo
zvinotongogoneka kana vachishandisa migwagwa yakaringana.
“Pamugwagwa uno unobatanidza Bromley neMelfort, tinoona kuti pane zambuko riripo
paMelfort apo uye ndinovimba kuti zambuko iri richavakwa nekukasika kuitira
kuderedza tsaona dzinowanzoitika pariri kana pedyo naro nguva nenguva. Zvakanaka
kuti paonekwe zvekuita nguva ichiripo kuitira dambudziko renjodzi dzemumigwagwa,
dzimwe dzacho dzinokonzera kufa kwevanhu.
“Dunhu redu reMashonaland East rine migwagwa mikuru inobatanidza Zimbabwe
nenyika dzayakavakidzana nadzo dzakaita seSouth Africa neMozambique. Nyika idzi
ndedzimwe dzedzatinodyidzana zvine hudzamu munhau dzezvekutengeserana uye
migwagwa inotibatanidza nadzo inosanganisira weHarare-Beitbridge, weHarare-Mutare
kuchizotiwo weHarare-Nyamapanda. Migwagwa iyi inofanirwa kunge ichifambika
zvakanaka nguva dzose uye Hurumende yedu inotungamirirwa naPresident
Mnangagwa iri kuita zvose zvainokwanisa mukuona kuti migwagwa iyi yavandudzwa
here zvinova zvinoita kuti vanhu vatyaire ngoro dzavo dzemoto pasina matambudziko
avanosangana nawo.
“Ndinoda kupa kutenda kukuru kubazi rezvekutakurwa kwezvinhu nekufamba
kwevanhu rinotungamirirwa naVaMhona nekuda kwekupa kambani yeFossil
Contracting mukana wekuti inge ichishanda mukuvandudza mugwagwa unobatanidza
Harare neMutare. Sedunhu reMashonaland East, ndingati tawana tichiparurirwa pamwe
nekuzadzikisirwa zvirongwa zvebudiriro zvakati wandei neHurumende yedu. Tinoda

kupa kutenda kukuru nekuda kwemabasa aya uye ndine chivimbo chekuti
achangoramba achizadzikiswa kumabandiko ehupfumi hwenyika akasiyana-siyana
nguva dzose,” vakadaro Dr Munzverengwi.
Mumashoko avo pamusangano wemakurukota eHurumende svondo rakapera,
mutungamiri wenyika zvichitevera kukunda kwavakaita zvine mutsindo musarudzo
dzakaitwa mwedzi wakapera, President Mnangagwa vakati vatungamiri vemapazi ose
eHurumende vanofanirwa kushanda nesimba vopedzisa zvirongwa zvavanenge
vatanga pamwe nekutanga zvimwe zvavanozopedzisa nechinangwa chekusimudzira
magariro evanhu munyika.
Vakati chirongwa chekuvandudzwa kwemigwagwa munzvimbo dzose dzemunyika,
cheEmergency Road Rehabilitation Programme (ERRP) chicharamba chichifambira
mberi panguva iyo tatarisanana nemwaka wekunaya kwemvura.

Next Up