MARONDERA- Murume ane makore makumi mana nemashanu ekuberekwa akasungwa nemapurisa
emaMutoko achipomerwa mhaka yekuuraya vabereki vake avo vaiedza kupindira panyaya yekuti
aiti hanzvadzi yake iri kumuroya.
Chiitiko ichi chakatora nzvimbo mudunhu rekwaNyarungwe riri pasi pamambo Mutoko imo
maMutoko makare.
Zvinonzi izvo nemutauriri wemapurisa munharaunda yeMashonaland East vaSimon Chazovachiyi
vakatsinhira nyaya iyi, vabereki vemupari wemhosva pamwe naiye musungwa vaive vakaungana
pamwe chete nemwanakasikana maringe nezvainetsa pamusoro pemukadzi wemwana wavo naiye
mwanakomana wavo.
Zvinonzi pakapera dare, baba vemusunngwa vaive vagere pamusha iye achibva ananga kunoshanda
mumunda wenzungu waive padyo nepamusha apa.
Nekuda kwekuti munda waive padhuze, nguva padzakasvika pana gumi dzemangwanani hanzvadzi
yakafunga kunomushevedza kuti auye kuzodya chikafu chemangwanani kunova ndiko kwakazomuka
bongozozo mushure mekunge mupari wemhosva apomera hanzvadzi kuti ndiye aimuroya.
Akabva atanga kutema hanzvadzi yake nezvidhinha kugotsi pamwe chete negokora rekuruboshwe.
Baba vavo vakauya kuzorandutsira mwanasikana wavo vakabata badza mumaoko, murohwi achibva
aita chitsoka ndibereke akananga kumba kwaive naamai vavo.
Kuenda kwakaita mwanasikana uyu, mupari wemhosva akabvuta badza kubva muruoko rwababa
achibva ava ponda nemupinyi waro kakawanda mumusoro nekumeso kusvika vazodonha pasi
vasisina mweya wekufema.
Kupedza kurova kwaakaita anonzi akabva aendera amai vake avo akarova kusvika akuda kubatwa
nevapfuuri, asi hazvina kubetsera nekuti mupfuuri uyu akatanga kumhanyiswa apo achideedzera
rubetsero pamisha yaive pedyo.
Vagari vemunzvimbo iyi vakazokwanisa kumubata achibva vamuvharira mumba, kusvika vaenda
kunomhan'ara kumapurisa emaMutoko zvakazoita asungwe.
Mitumbi yevabereki yakaendwa nayo kwaMutoko District Hospital kunochengetwa mitumbi yevafi
kuti zvinoongororwa, uye nyaya ichiri kuongororwa zvizere nemapurisa .
VaChazovachiyi vari kukomekedza ruzhinji kuti vadzidze kugadzirisa nyaya dzemumusha
murunyararo uye kana nyaya dzacho dzanyanya kunetsa vanotsvaga rubatsiro kubva kuvatungamiriri
vemunharaunda kuitira zvisazopera nekuurayana.


