LOADING

Type to search

Nehanda Guardian Provincial Newspapers

Muroyi okumbirwa ruregerero arwarisa mwana

Share

NaHeadrance Viga

Shamva – MUMWE murume wekwaGono kuShamva, Malven Jim akaenda kumba kwemumwe mudzimai munzvimbo yeGlendale nemusi weMugovera svondo rakapera kunokumbira ruregerero kune mudzimai uyo waari kufungidzira kuti ndiye ari kurwarisa mwanasikana wake. Mwana waMalven ari kurwara chirwere chinofungindzirwai chiri kukonzerwa nehuroyi.

Sekutsanangurwa kwazvo, mwana waMalven ari kurohwa nezvishiri siku nesikati pasina zororo uye izvi zvakatanga mushure mekunge mwana uyu atukanidzana nemudzimai wekuGlendale munguva shoma yadarika.

Zvinonzi mwana waMalven uyo abva zera akange achinwa doro nemudzimai weGlendale umo munogarwa nevaviri ava asi vari mukudhakwa kudaro, vakabva vatadza kuwirirana izvo zvakazoita kuti vatange kutukanidzana.

Mukukanidzana uku, mudzimai uyu akatukwa zvinyadzi nemwana waMalven, naizvozvo haana kufara nazvo sezvo mwanasikana waMalven ari mudiki zvikuru pane mukadzi uyu.

Vari pakati pekuchinjana mashoko kudaro, mudzimai wekuGlendale akabva audza mwanasikana waMalven kuti achazviona nekuti matukiro ake akange akarema uye akaratidza kudherera mukadzi uyu zvakanyanya. Zvadaro uye pasina kupera mazuva, mwana uyu akazotanga kurwara zvisiri kunzwisisika kusvika iyezvino izvo zvakazoita kuti vabereki wemwana uyu vafambe-fambe kumaporofita uko kwavari kuudzwa kuti mwanasikana uyu akagadzirwa nemunhu wechidzimai uyo waakapopotedzana naye munguva shoma yadarika.

Muongororo yakazoitwa zvinotaridza kuti mudzimai wekuGlendale uyu ndiye chete akange atukanidzana nemwana waMalven. Nekuda kwekurwarisa kwemwana uyu, vabereki wake vakazomutakura ndokuenda naye kuShamva uko kwaari kugara panguva ino yehurwere hwake.

Dzimwe tsanangudzo kubva kumaporofita dziri kuyambira mwana uyu kuti asadzokezve munzvimbo yeGlendale nokuti akangodzoka chete anosvikoitwa gochi- gochi nevaroyi. Nechinangwa chekuti mwana apore uye azokwanisa kudzokera kuGlendale, baba wemwana vakazoenda kuGlendale kunokumbira ruregerero kumudzimai uyu kuti mwana apore.

“Ndakakumbira ruregerero kumudzimai ari kurwarisa mwana wangu uye akatambira chichemo changu” akadaro Malven. Nyangwe zvisiri nyore kubvuma mabasa ehuroyi, mudzimai wekuGlendale akabvuma kuti akapopotedzana nemwana waMalven ndokutukwa zvinyadzi asi akatomuregerera nechekare uye akati pakurwara kwemwana uyu haasi iye ari kuita izvi.

vulkan vegas, vulkan casino, vulkan vegas casino, vulkan vegas login, vulkan vegas deutschland, vulkan vegas bonus code, vulkan vegas promo code, vulkan vegas österreich, vulkan vegas erfahrung, vulkan vegas bonus code 50 freispiele, 1win, 1 win, 1win az, 1win giriş, 1win aviator, 1 win az, 1win azerbaycan, 1win yukle, pin up, pinup, pin up casino, pin-up, pinup az, pin-up casino giriş, pin-up casino, pin-up kazino, pin up azerbaycan, pin up az, mostbet, mostbet uz, mostbet skachat, mostbet apk, mostbet uz kirish, mostbet online, mostbet casino, mostbet o'ynash, mostbet uz online, most bet, mostbet, mostbet az, mostbet giriş, mostbet yukle, mostbet indir, mostbet aviator, mostbet casino, mostbet azerbaycan, mostbet yükle, mostbet qeydiyyat