More
    HomeNehanda GuardianMuroyi okumbirwa ruregerero arwarisa mwana

    Muroyi okumbirwa ruregerero arwarisa mwana

    Published on

    spot_img

    NaHeadrance Viga

    Shamva – MUMWE murume wekwaGono kuShamva, Malven Jim akaenda kumba kwemumwe mudzimai munzvimbo yeGlendale nemusi weMugovera svondo rakapera kunokumbira ruregerero kune mudzimai uyo waari kufungidzira kuti ndiye ari kurwarisa mwanasikana wake. Mwana waMalven ari kurwara chirwere chinofungindzirwai chiri kukonzerwa nehuroyi.

    Sekutsanangurwa kwazvo, mwana waMalven ari kurohwa nezvishiri siku nesikati pasina zororo uye izvi zvakatanga mushure mekunge mwana uyu atukanidzana nemudzimai wekuGlendale munguva shoma yadarika.

    Zvinonzi mwana waMalven uyo abva zera akange achinwa doro nemudzimai weGlendale umo munogarwa nevaviri ava asi vari mukudhakwa kudaro, vakabva vatadza kuwirirana izvo zvakazoita kuti vatange kutukanidzana.

    Mukukanidzana uku, mudzimai uyu akatukwa zvinyadzi nemwana waMalven, naizvozvo haana kufara nazvo sezvo mwanasikana waMalven ari mudiki zvikuru pane mukadzi uyu.

    Vari pakati pekuchinjana mashoko kudaro, mudzimai wekuGlendale akabva audza mwanasikana waMalven kuti achazviona nekuti matukiro ake akange akarema uye akaratidza kudherera mukadzi uyu zvakanyanya. Zvadaro uye pasina kupera mazuva, mwana uyu akazotanga kurwara zvisiri kunzwisisika kusvika iyezvino izvo zvakazoita kuti vabereki wemwana uyu vafambe-fambe kumaporofita uko kwavari kuudzwa kuti mwanasikana uyu akagadzirwa nemunhu wechidzimai uyo waakapopotedzana naye munguva shoma yadarika.

    Muongororo yakazoitwa zvinotaridza kuti mudzimai wekuGlendale uyu ndiye chete akange atukanidzana nemwana waMalven. Nekuda kwekurwarisa kwemwana uyu, vabereki wake vakazomutakura ndokuenda naye kuShamva uko kwaari kugara panguva ino yehurwere hwake.

    Dzimwe tsanangudzo kubva kumaporofita dziri kuyambira mwana uyu kuti asadzokezve munzvimbo yeGlendale nokuti akangodzoka chete anosvikoitwa gochi- gochi nevaroyi. Nechinangwa chekuti mwana apore uye azokwanisa kudzokera kuGlendale, baba wemwana vakazoenda kuGlendale kunokumbira ruregerero kumudzimai uyu kuti mwana apore.

    “Ndakakumbira ruregerero kumudzimai ari kurwarisa mwana wangu uye akatambira chichemo changu” akadaro Malven. Nyangwe zvisiri nyore kubvuma mabasa ehuroyi, mudzimai wekuGlendale akabvuma kuti akapopotedzana nemwana waMalven ndokutukwa zvinyadzi asi akatomuregerera nechekare uye akati pakurwara kwemwana uyu haasi iye ari kuita izvi.

    Latest articles

    Ghana, Zambia, and Iran ambassadors-designate present credentials

    Harare,  (New Ziana) – President Emmerson Mnangagwa on Monday received credentials from ambassadors-designate from...

    Zim Churches Urged to Channel Portion of Tithes Towards Fight Against Drug and Substance Abuse

    Harare,  (New Ziana) –Zimbabwean have been urged to play a role in the fight...

    UDCORP embarks on revival mission

    Harare, (New Ziana) – The Urban Development Corporation (UDCORP) has embarked on a mission...

    Natfoods boosts food security with $8.6 million Bulawayo wheat mill investment

    Harare, (New Ziana) – National Foods Private Limited has invested US$8.6 million in a...

    More like this

    Ghana, Zambia, and Iran ambassadors-designate present credentials

    Harare,  (New Ziana) – President Emmerson Mnangagwa on Monday received credentials from ambassadors-designate from...

    Zim Churches Urged to Channel Portion of Tithes Towards Fight Against Drug and Substance Abuse

    Harare,  (New Ziana) –Zimbabwean have been urged to play a role in the fight...

    UDCORP embarks on revival mission

    Harare, (New Ziana) – The Urban Development Corporation (UDCORP) has embarked on a mission...
    error: Content is protected !!