LOADING

Type to search

Provincial Newspapers Pungwe News

Murume Oponderwa Kuba Nharembozha

Share

Murume ane makore 22 okuberekwa, Morgan Njanji Manyere, anobva
kwaMagudura, kwaSabhuku Nyashanu, nguva pfupi yadarika akapondwa
nemhomho yevanhu gumi nemumwe achipomerwa mhosva yekuba.

Mamiriro akaita nyaya iyi akatanga apo Manyere ari kufungidzirwa kuti akaba
nharembozha paChingombe Business Centre kubva kune mumwe wevari
kupomerwa mhosva yekuuraya, Tawanda Masa.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland,
Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya yekuti Manyere
akarohwa kusvika afa nekutadza kuburitsa nharembozha yake.

“Masa akarasikirwa nenharembozha yake yeItel A 56 kuChingombe uye
anofungidzira kuti Manyere ndiye akamubira. Masa akabatana nevamwe vanhu
vatatu ndokuzvuzvurudzira Manyere kusango raive pedyo uko vakamurova
vachimuti aburitse nharembozha,” vanodaro Ass Insp Chinyoka.

Manyere akaramba zvose zvaaipomerwa uye varume vana ava vakaramba
vachimurova vaine tarisiro yekuti achazvipira.

Vana ava vakadhonzera Manyere kumugodhi wengoda usiri pamutemo uri
makiromita matatu kubva panzvimbo yebhizimisi uko vamwe vanhu vanomwe
vakabatana kumurova.

“Manyere akazozvipira ndokubvuma kuti akakanda nharembozha mumugodhi.
Chikwata chevanhu gumi neumwe chakabva chasunga Manyere netambo
ndokumukandira pasi kuti achinotora mudziyo uyu,” vanodaro Ass Insp
Chinyoka.

Mushure mekutadza kuburitsa nharembozha iyi mugomba, Manyere
akazorohwazve kusvika azofenda achibva afira ipapo.

Varume gumi neumwe ava vakabva vatiza.

Sekuru vaManyere vakazoziviswa nezvekurwiswa uku pavakaenda kunotsvaka
muzukuru wavo ndokuzoona mutumbi wake uri pedyo nemugodhi wengoda.

Vasere vevari kufungidzirwa kuti mhondi vakasungwa vamwe vatatu vachiri
kutsvagwa nemapurisa.

Chiitiko ichi chamutsa kushushikana kwevanhu munharaunda, sezvo kunonzi
kuponda kwaisanganisira boka guru revanhu.

Mapurisa akatanga kuferefeta nyaya iyi kuti aone pamwe nekubata vasungwa
vasara.

Ass Insp Chinyoka vakurudzira veruzhinji kuti vasiyane nekutora mutemo
mumaoko asi kuti vakurumidze kubata nyaya dzakadai.

Next Up