Murume wekuMahusekwa akaurairwa ngoma
Share
NaRopafadzo Chigona
MARONDERA- Mapurisa emuMashonaland East Province ari kutsvaga uye ari kuda kuziviswa kungawanikwe vamwe varume vaviri, Willard naPhillip Gutuza, nemhosva yekuuraya Taurayi Marara kuMahusekwa.
Mukutaurwa kwazvo, nemusiwa 27 Kubvumbi panguva dzemahusiku, mushakabvu Marara akaenda pachiitiko chaiitika munharaunda kudunhu raSabhuku Gomo, munyika ya Ishe Mudzimuirema kuMahusekwa.
Pakazova nebopoto pamusoro pengoma pakati pe mushakabvu naWillard. Mutauriri mukuru wemapurisa mudunhu reMashonaland East Inspector Simon Chazovachiyi vakadudzira chiitiko chinosuwisa zvikuru ichi.
“Mushure mekunetserana ngoma yairidzwa pane chimwe chiitiko chemudunhu iri, Willard naPhillip vakasiya varova mushakabvu akati tasa, panguva imwechete iyoyo vamwe vagari vemunharaunda vakatora Taurai vakamuendesa kumba semunhu aigara ega.
“Pazuva rakatevera, mumwezve mugari wemuraini iroro anonzi Kundishora akaenda kumba kwa Taurayi akamuona ari muimba yake yekurara. Taurai akazivisa Kundishora kuti ainzwa nyama dzake dzichirwadza akamuudza kuti aive arohwa zvakaipisisa naWillard pamwechete naPhillip. Kundishora akabva ipapo akasiya ava mushakabvu akarara,” vakadaro Inspector Chazovachiyi.
Vakaenderera mberi vachiti panguva dzeina zuva roda kupinda muna amai varo, mumwe mugari wemunharaunda imwe chete iyoyo anonzi George Chipidza ane (makore makumi mashanu nemana) aipfuura nepamba paMarara akaona kuti mbudzi dzake dzichiri mudanga akati ambonodongorera hugari hwemushakabvu sevanhu vaidyidzana.
George Chipidza akaenda muimba yemushakabvu akamuona akafa. Chipidza akanozivisa sekuru vemashakabvu avo vakaenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisaepaMahusekwa ayo akazoenda panzvimbo yakaitikira izvi.
Mutumbi wemushakabvu wakatakurwa ukaendwa nawo kuimba inochengeterwa vafi pachipatara cheMahusekwa. Pakunyorwa kwenyaya ino, vanopomherwa mhaka iyi vainge vasati vabatwa uye mapurisa anokumbira rutsigiro rwekuti nhubu dzakapara mhaka iyoyo dzinge dzichisungwa dzisangane nemutongo wadzo.
Inspector Chazovachiyi vakurudzirazve veruzhinji kuti vasaise mutemo mumaoko avo kana paine kunetsana kunenge kwaitika. Vanhu vakasununguka kuenda kumapurisa nekune vanoremekedzwa munharaunda kuti vabatsirwe nekutaurirana murunyararo.