LOADING

Type to search

Provincial Newspapers The Times

Ngamuve nemvura muGweru

Share

SHONA — Makanzura eGuta reGweru vachangobva mukusarudzwa vakatsidza
kushanda kuti vaderedze matambudziko okushaikwa kwemvura
anogarosanganikwa nawo muguta iri.
Makanzura vakataura neNew Ziana mushure mekutora mhiko kwavakaita pamuzinda
weKanzuru yeGweru neChishanu vakati vanoziva nezvematambudziko ari kusangana
nevagari vemuguta uye vachashanda kuagadzirisa.
Kanzura weWard 18 VaWilliam Mazango vakati vanoda kukoshesa kufambiswa
kwebasa kuitira kuti vadzorere chiremerera cheGweru.
“Tinoda kukoshesa kufambiswa kwemabasa, izvo zvinorevawo kukoshesa vashandi
vekanzuru.”
“Chidanho cheGweru chaderera uye tinofanira kuidzosera pachidanho cheguta
repamusorosoro repasi rose, chinova chisingagoni kusvikika kana tisina marobhoti
anoshanda sezvazvakaita panguva ino," vakadaro VaMazango.
Gweru yave nemakore anoda kusvika gumi (10) isina marobhoti anoshanda sezvo
kanzuru yave nenguva yakareba ichikakavadzana nekambani yakapiwa basa
rokumaisa.
Vashandi vekanzuru vanonyunyutawo nemugove uri pasi wavanopiwa uye mashandiro
asina kumira zvakanaka.
Kanzura weWard 9, Nyaradzo Madzikure akati basa rezvekuwaniswa kwerubatsiro
mune zveutano muguta iri rakaparara zvokuti hapana mishonga pamakiriniki mazhinji.
Akawedzera zvakare achiti kunodikanwa kuvandudza zveutano hwavanamai muguta
kuburikidza nokuvhura mamwe makiriniki anoitwa zvokusunungutsa vanamai
vakazvitakura.
“Parizvino hapana rubatsiro rwekusunungutsa vakazvitakura rwunopiwa paKiriniki
yeMkoba 1, zvichireva kuti madzimai akazvitakura vanofanirwa kuenda kuMkoba
Polyclinic iri muMkoba 13 neMtapa Clinic. Kuvhura makiriniki anokusunungutsa
vanamai vakazvitakura kunoderedza mari yokufambisa inoshandiswa nevakadzi
vakazvitakura kuti vawane rubatsiro mune zvekusungunuka," akadaro Nyaradzo
Madzikure.
Madzikure akati zvakare kunodikanwa kuvandudza kwekuwaniswa kwemvura sezvo
vanhukadzi vachipedza nguva refu vari mumitsetse pazvibhorani pamwe pacho
dzinenge dziri nguva dzeusiku vachizviisa kunjodzi dzembavha.

SHONA

Kanzura weWard 3, VaMartin Chivhoko, avo vari kushandira mukana wechipiri
pachigaro, vati vachakurudzira hurumende kuti irerutse mitemo yokutenga zvinhu iyo
yakaita kuti kanzuru yapfuura ikundikane kuwana pombi dzemvura kuti iwedzere simba
rokupomba.
“Hurongwa hwekuunza pombi hwakarebesa uye tinoda kunyengetedza Procurement
Regulatory Authority of Zimbabwe kuti irerutse hurongwa hwekutenga zvinhu,”
vakadaro VaChivhoko.
VaChivhoko vakati vachakurukura zvakare nekambani yeZimbabwe Electricity
Transmission and Distribution Company kuitira kuti Gwenoro Pump Station iwane
magetsi pasina kukanganiswa.

"Tinoda kukurukura nevanoita nezvemoto wemagetsi kuitira kuti pasave nekumbodzima
paGwenoro, izvo nedzimwe nguva zvinoita kuti vagari vatadze kuwana mvura
yakakwana," vakadaro VaChivhoko.
Vakafanobata Chigaro cheMunyori weGuta reGweru VaLivingston Churu vakati
vatungamiriri vekanzuru vachaendeswa kuzvidzidzo zvemazuva maviri zvinova
zvichaitiswa neBazi reHurumende dzeMatunhu neMabasa Anobatsira Ruzhinji mushure
mezvo vachasarudza meya, vatevedzeri vameya nemasachigaro emakomiti.
VaChuru vakati vatungamiriri vanotarisira kuti makanzura vashande zvine chiremera,
vakatendeka uye zvine unyanzvi.
Mukuru anoona nezvebudiriro mudunhu diki reGweru, VaTarisai Mudadigwa, vakapa
chitsvambe kumakanzura vachangobva mukusarudzwa ava kuti vasiye nhaka
yokushanda nesimba, kutendeseka uye kuzvipira pabasa.
Makanzura anosvika gumi nemasere (18) ose pamwe chete akasarudzwa uye vashanu
vaimiririra chikamu chemadzimai. Vazhinji vemakanzura akapa mhiko vaiva vebato
reCitizens Coalition for Change.
Vanhukadzi vana vakasarudzwa pakati pegumi nevasere (18).

Nyaya iyi yakaturikirwa kubva kuChiRungu kuenda kuChiShona neMidlands State
University National Language Institute.

Next Up