LOADING

Type to search

Nehanda Guardian Provincial Newspapers

Odirwa mhiripiri avete

Share

GLENDALE – MUMWE murume wechidiki ane makore makumi maviri nemashanu
ekuzvarwa (25), Nelson Tapureta wekuRujeko Phase 4 kuGlendale akadirwa mhiripiri
mubhurugwa nemudzimai wake husiku akarara nemusi weMugovera vhiki rapfuura
paine fungidziro yekuti murume uyu ari kuita mabasa echipfambi.

Mushure mekukakavadzana kwevaviri ava zvemasvondo maviri nenyaya ine chekuita
nechipfambi icho chiri kunzi chiri kuitwa nemurume waNomsa Mhizha. Nekurwadziva
mudzimai uyu akazomuka husiku ndokuvhura zipi yechikabudura chakange
chakapfekwa nemurume wake ndokubva adururira mhiripiri yakagaiwa muchikabudura
macho. Pose pakaitwa izvi murume uyu ainge akarara uye mukadzi akati apedza kuita
izvi ndokunyepera kurara achifara nekurwadzisa kwaakange aita murume wake.

Nekuda kwekuvaviwa nemhiripiri, Nelson Tapureta haana kuwana hope ndokubva
amuka. Amuka kudaro, ndokutanga kukwenya nhengo yesikarudzi yake iyo yakange
yazadzwa mhiripiri. Pakutanga Nelson Tapureta aifunga kuti pamwe ainge afambwa
negonye asi akazonyatsotarisisa ndokuona sikarudzi yake izere nemhiripiri apo zipi
yakavhurwa.

Mushure mekuona kuti yaive mhiripiri, Nelson Tapureta akabva amutsa mudzimai wake
kuti anzwisise zvakange zvaitika asi mudzimai wake akaramba akarara ndokuzomuka
kwapera chinguva.

Amuka ndokunyepera kukanuka asi ari iye honzeri padambudziko racho. Zvadaro
murume uyu akabva azvigeza nesipo asi kurwadza hakuna kupera kusvika iyezvino.

Ndakanetsana nemudzimai wangu achinditi ndiri kuhura saka akabva andidira mhiripiri
mubhurugwa rangu husiku ndakarara. Izvezvi nhengo yangu yesikarudzi yakasvuka
nekukwenya uye iri kurwadza, akadaro Nelson Tapureta.

Mudzimai wake akaramba nezvemhosva yaari kupomerwa nemurume wake yokuisa
mhiripiri mubhurugwa remurume uyu.

Handisiri ini ndakaisa mhiripiri mubhurugwa make. Ngaasiyane neni. Aona kuti apihwa
chirwere oti ndini ndamuisira mhiripiri, akadaro Nomsa Mhizha.

Nyangwe zvazvo mukadzi uyu akaramba kuti ndiye akadira mhiripiri mubhurugwa
remurume wake asi vakaratidzwa chikabudura chemurume uyu vakati ichokwadi kuti
bhurugwa rakange rakadirwa mhiripiri.

Bhurugwa ratakaratidzwa rakange rizere mhiripiri ende mukadzi uyu ane hutsinye.
Chokwadi haapinde denga", akadaro Martin Sango mugari wenzvimbo iyi.
Mamwe mashoko anotaridza kuti mukadzi uyu ndiye nyakudira mhiripiri mubhurugwa
remurume wake nekuti vaviri ava vanogara voga nemwana wavo mucheche ane gore
rimwe chete rekuzvarwa uyo asingakwanisi kubata zvinhu zvakaita semhiripiri.

Vanhu ava vanogara vari vatatu – baba, amai nemwana mucheche, saka mukadzi
ndiye akadira mhiripiri mubhurugwa remurume wake, akadaro Sandra Magora
wekuGlendale.

Kubva panyaya yemhiripiri iyi, hama dzemurume dziri kudya marasha dzichiti mukadzi
uyu imhondi anofanirwa kudzokera kuvabereki vake asi murume ndiye ari kutsika-tsika
panyaya iyi, zvichiratidza kuti achiri kuda mudzimai.