LOADING

Type to search

Nehanda Guardian Provincial Newspapers

Opuhwa mwana neChikomba murume aripo

Share

NaHeadrance Viga

CONCESSION – KUMWE kutaura kunenge kungori kusimbisana bedzi kana zvichinzi chikomba hachina mwana.

Mashoko aya akwanawo munyaya yemumwe murume wekuConcession, Darlison Chando, uyo akasara akabata shaya mushure mekutorerwa mwana wake nechikomba chemukadzi, apo mudzimai wake akabuda pachena kuti mumwe mwana haasi waDarlison asi kuti ndewechikomba chake.

Darlison Chando nemudzimai wake vakarambana gore rakapera mushure mekutadza kugarisana nekuda kwenyaya dzemudzimba. Zvadaro mudzimai waDarlison akabva akanoroorwa nemumwe murume, ari murume uyo ari kufungirwa kuti akatanga kudanana nemudzimai waDarlison panguva yaakange achigara naDarlison semudzimai wake.

Pakarambana vaviri ava, vakange vane vana vaviri vanoti mukomana (10) nemusikana (3). Asi chakazoshamisa Darlison ndechekuti mudzimai uyu akazouya pamba paDarlison nechikomba chake kuzotora mwana mukomana waDarlison pavana ava zvichinzi mwana wacho ndewechikomba kwete waDarlison.

Panyaya iyi pakamboda kuita hondo asi madzisahwira vemhuri vakazopindira ndokupomhodza hasha dzaDarlison. Nyaya yacho yakazotsanangurwa zvizere nemudzimai waDarlison kuti mwana uyu akange asiri waDarlison, asi kuti mudzimai uyu akamupihwa nechikomba icho chaakange auya nacho kuzotora mwana wacho.

Ndakamuti mwana haasi wako, iye ndokurambira mwana wacho kubva kare, akadaro mukadzi waDarlison. Zvadaro mudzimai uyu nechikomba vakazobvumidzwa kutakura mwana, asi Darlison akazoti anoda mari inoita $500 semubhadharo wekuchengeteswa mwana asiri wake kwenguva refu.

Chikomba chakazobvuma kuzobhadhara pashoma nepashoma kusvika chazopedza. Zvadaro chikomba chakazosiya mari shoma yekubvuma mhosva. Mushure mekubvumirana, Darlison akazopa zvekare chikomba mumwe mwana wepiri uyo waakaita nemudzimai uyu achiti iye akange asisina chokwadi chekuti mwana wacho ndewake.

Mwana wepiri uyu akazotakurwa nechikomba ichi nyangwe asiri wake. Chikomba chemudzimai wangu chakauya ndikachipa vana vacho sezvo ndakanzi handisi muridzi, akadaro Darlison.

Hama dzaDarlison dzakafara zvikuru nekupihwa kwakaita chikomba vana wacho. Hazviite kuti munhu achengeteswe vana vasiri wake. Akagona murume uyu kutora vana wake", akadaro, Nelson Chando, mukoma wake.

Nyaya yechikomba ichi yauya panguva ino apo mudzimba zhinji mune bopoto maringe nekusavimbika kwevari muwanano, izvo zvakonzera kupararira kwezvirwere zvepabonde, kurovana, kuurayana pamwe nekurambana.