LOADING

Type to search

Nehanda Guardian Provincial Newspapers

Orarwa neChigure panyaradzo

Share

CONCESSION – MUMWE musikana ane makore makumi maviri nerimwe ekuzvarwa
(21) achigara kuKachere Farm kuConcession akamitiswa neChigure padoro
renyaradzo iyo yakaitwa munzvimbo iyi mwedzi mitatu yadarika.

Zvekumitiswa kwemusikana uyu zvakutoonekwa kana nepwere sezvo dumbu rake
riri kukura zuva nezuva uri mucherechedzo wekuti akazvitakura.

Zvinonzi pazuva renyaradzo iyi, musikana uyu akange achiimbira Zvigure zvaitamba
ngoma ndokubva apfimbwa nechimwe Chigure icho chakange chabva kuDandamera
muConcession.

Zvadaro, Chigure ichi chakazopa musikana uyu mari inoita $5 ndokurara vose
pasina dziviriro zvenguva diki. Panguva yavakaita bonde vose Chigure chakakumura
zvose zvachakange chakavharisa kumeso kwacho ndokusara chiri munhu chaiye asi
musikana anoti haana kuzocherechedza chiso chemukomana aiveChigure uyu
sezvo kwakange kune rima uye huri husiku.

Ndakapfimbwa nemumwe mukomana weZvigure ndokurara naye tisina dziviriro,
naizvozvo akandipa pamuviri pandiri napo izvozvi, akadaro musikana uyu.

Zvekuti musikana uyu akamitiswa neChigure zvakazobuda pachena mushure
mekurohwa kwemusikana uyu nevabereki vake nemusi weChishanu svondo
radarika maringe nenyaya ine chekuita nezvenhumbu yake.

Musikana akazotaura zvose zvakaitika kuti asvike pakupihwa pamuviri asi
akamboda kunzvengesa nyaya iyi zvikashaya basa apo akati akange asina pamuviri
uye zvaari kungori kusimba kwaari kuita, asi shamhu ndiyo yakazomudzidzisa
kutaura chokwadi.

Amai vemusikana vakatsinhira kuti mwana wavo akadanana neChigure ndokupuhwa
pamuviri apo pangangoita mwedzi mitatu.

"Zvatakaitirwa nemwana hazvina matauro, chokwadi kudanana neChigure pamusoro
pazvo ndokupuhwa mimba, vakadaro amai.

Mai ava vakazoti mukomana weZvigure uyu anofanirwa kuwanikwa kuti ariritire
pamuviri pake pamwe nekuzochengeta mwana wake kana azobarwa. Shamwari
yemusikana yakatsigirazve kuti mumwe wake akarara neChigure zvechokwadi uye
akazopuhwa pamuviri.

Zuva racho akanditi ndakechwa nemumwe mukomana wekuZvigure, zvadaro
ndokubva varara vose. Saka ichokwadi kuti akapuhwa mimba nemukomana
wekuZvigure, yakadaro shamwari.

Nyaya yemusikana uyu yakatosvitswa kuvakuru weZvigure munzvimbo iyi uye
vakuru vacho vakavimbisa kubatsira pakutsvaga nyakumitisa musikana uyu
nokuchimbidza.

Next Up