LOADING

Type to search

Nehanda Guardian Provincial Newspapers

Orohwa afanana nanyakumitisa pfambi

Share

NaHeadrance Viga

GLENDALE – CHIMWE chiitiko chichangobva mukuitika munzvimbo yeGlendale ndechenyaya yemumwe murume wechidiki, Nickson Magora (25), wekuRujeko imo mumusha weGlendale.

Magora akabatwa ndokurohwa neimwe pfambi pedyo nechikoro cheRujeko apo murume uyu akafungidzirwa kuti ndiye akange amitisa pfambi yacho gore rakapera. Sekutaurwa kwazvo, Magora akabatwa ndokurohwa pamwe nekunyadziswa neimwe pfambi iyo yaimupomera mhosva yekumitisa pfambi yacho ndokubva murume uyu atiza nechinangwa chekutya kuzoriritira pamuviri pamwe nemwana kana azobarwa.

Ari pakati pekuzvambura murume uyu, pfambi yacho yakazoona kuti murume uyu akange asiri iye akamumitisa asi vakada kuita kakufanana zvishoma. Zvadaro pfambi yokumitiswa iyi yakazopupura kuti murume uyu akange asiri iye akamupa pamuviri, asi varume ava vakafanana zvisingaite pachimiro. Pedzezvo pfambi yacho yakazokumbira ruregerero kumurume uyu asi ruregerero rwacho haruna kutambirwa nechimbi-chimbi apo murume uyu aida kusvitsa nyaya iyi kumapurisa asi nyaya yacho haina kuzoenderera mberi sezvo vaviri ava vakazotaurirana uye hembe yemurume uyu yakabvarurwa yakazoripwa nemudzimai uyu.

Murume wekurohwa anoti zvaakaitwa nepfambi-kadzi iyi zvakamugumbura zvikuru. “Ndaitozvifambira neshamwari yangu ndokusangana nemumwe mudzimai ndokunditi ndini ndakamumitisa gore rakapera. Achifungidzira kudaro akabva andirova uye akatobvarura hembe yangu.”

Murume uyu Akazowedzera achiti pakutanga aifunga kuti mukadzi wacho anopenga asi akazoona kuti akange ari pachokwadi chokutsvaga murume akamumitisa. Ndichitaura nepfambi yacho iyo isina kusununguka kuti zita rayo rishambadzwe, zvinotaridza kuti yakange yanyengedzwa nemumwe murume iro gore rakapera vari kubhawa munaNdira, ndokuita bonde vose apo vakatenderana kuita bonde nezvidziviriro izvo zvaienderana nemari asi murume wacho akazoita bonde rakadaro achiti mimba nemwana aizochengeta asi mushure mebonde murume wacho akabva atiza.

Atiza kudaro, pfambi iyi yakazosara yobata pamuviri. Parizvino pfambi iyi yakazobara mwana mukomana uyo ane mwedzi mitanhatu waari kugara naye asi kuchengeta mwana wacho richiri dambudziko kwaari nokuti mudzimai uyu haashande ndosaka akaita hasha dzekubata kwiyo murume aaifunga kuti ndibaba vemwana wake.

Nyangwe zvisiri nyore kuvhima nyakumumitisa mudzimai uyu akati haisi kuzomira kutsvaga murume akamupa mwana kusvika amuwana.

Shamwari yaMagora iyo inonzi Talkmore Gwerume, yakange iripo pose pakaitika izvi akati: “Taitofamba zvedu ndopandakaona mumwe wangu adhonzwa hembe ndokutanga kurwiswa nemumwe mudzimai achiti akapuhwa mwana neshamwari yangu iyi,” akadaro Gwerume.

Rudzi rwenyaya iyi, yakamboitika zvekare munzvimbo yeGlendale zvichireva kuti pfambi zhinji kubva munzvimbo iyi hadzinyatsocherechedza zvikomba zvadzo.