MARONDERA- Murume ane makore makumi matatu ekuberekwa anobva mumana maSabhuku Mungate mudunhu raMambo Chinamhora akasungirwa mhosva yekubata chibharo mwana ane makore gumi nemaviri ekuberekwa.
Chiitiko chinosuwisa ichi chakaitika munguva shoma ichangodarika uye mwana wekubatwa chibharo uyu anonzi aitozvibvira zvake kuchikoro akananga kumba pazuva rakaparwa mhaka iyi.
Zvinonzi izvo asati abata mwana wechidiki uyu chibharo, mupari wemhosva akaburitsa banga achivhundutsira kuda kubaya mwana kana achinge angoita ruzha rwekuti angakwanisa kunzwikwa.
Mutevedzeri wemutariri vemapurisa emuMashonaland East Province Assistant Inspector Misheck Denhere vakatsinhira nyaya iyi kubepanhau rino.
Vakati ivo mupari wemhosva uyu akabhinya mwanasikana uyu kamwechete uye mwana uyu hapana kana munhu mumwechete waakataurira.
Nyaya iyi yakazobuda pachena mushure mekunge mwana uyu audza mudzidzisi wake uyo akazonyeurira amai vemwana uyu nezvechiitiko ichi.
Pave pashure, nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa mupari wemhosva akasungwa musi wa21 Ndira gore rino.
Mune imwe nyaya inokatyamadza zvikuru uye yakada kurerekera kune iyi, mumwe mwanasikana wechidiki anodzidza pane chiwme chezvikoro zvemuHwedza akabatwa chibharo nemurume ane makore makumi maviri nemapfumbamwe.
Izvi zvakaitika mumwedzi waZvita gore rakapera.
Mwana wekusangana netsekwende yekubhinywa kuHwedza uyu akasangana nemupari wemhosva uyo akamudhonzera musango ndokumuvhundutsira achishandisa banga kumutyisidzira achimuudza kuti aizopfuudza hupenyu hwake kana akazomhan’ara nezvekubatwa kwake chibharo.
Nyakubhinya mwana uyu aive muvakidzani wemhuri yemwana waakabata chibharo.
Pakuzobuda pachena kwenyaya iyi, mwana uyu ainge ashanyira amai vake paHwedza Growth Point pavanogara ndokuvaudza.
Pave pashure, amai vake vakazomhan’ara nyaya iyi kunanamugaradzakasungwa musi wa17 Ndira gore rino. Panguva yekunyorwa kwenyaya ino, tsvakurudzo dzemapurisa dzainge dzichifambira mberi.


