MUMWE murume ane makore makumi matatu nemashanu ekuzvarwa, Rybius
Sibanda, achibva mumusha weRujeko munzvimbo yeGlendale, akabviswa chiri
kumeso neimwe pfambi-kadzi inonzi Edna Fokoro svondo radarika nemusi
weMuvhuro apo mumume uyu akatadza kubhadhara mari yavainge
vatenderana nepfambi iyi kuti vaite bonde.
Kutadza kubhadhara kwemurume uyu kwakaita kuti asungwe sikarudzi yake iyo
yaakutadza kushanda sezvinotarisirwa panhengo yechirume.
"Nyaya yamurikungonzwa ichokwadi. Ndakagadzirwa nepfambi yandakarara nayo.
Izvozvi nhengo yangu haisi kushanda haina action ndakasotwa," akadaro Sibanda.
Vaviri ava vakange vaonana kuTsungubvi Beerhall uko vakabvumirana mari inoita
$15 yokupana bonde husiku hwese. Sibanda akatenderana nazvo asi akazoputsa
chirangano nenyaya yekuomera ndokutambidza pfambi iyi mari inoita $1 mushure
mekupiwa bonde rakakwana.
Izvi zvakazogumbura mukadzi uyu akazoramba kutambira mari yaSibanda achiti
yaive shoma.
"Ndakamuti tsvaga mari yangu ndoda yose yakakwana, " akadaro Edna Fokoro.
Mushure mechiitiko ichi zvinonzi pfambi iyi yakasiya chipfeko chayo chemukati
mumba maSibanda senzira yekuratidza kutsutsumwa kukuru nezvakange zvaitika.
Mudzimai uyu asati abuda mumba memurume uyu akamutaurira kuti aizomupfidzisa
nekuda kwehutsotsi hwake.
"Ndakasiya chipfeko changu chemukati kumba kwake uye ndichanochitora kana
andipa mari yangu yose. Ndakabva ndamuudza kuti achazviona handishandisirwe
mahara."
Kubva musi wakaitika chiitiko ichi, Sibanda haasati awana hope. Ari kunekaira siku
nesikati achitsvaga angamutse nhengo yake nekuti nanhasi uno achiri
mutsekwende.
Ongororo yakaitwa nemunyori wenhau inotaridza kuti mudzimai uyu anoshandisa
mushonga wekuranga varume vasingade kubhadhara bonde sezvo zvichinzi
Sibanda haasi wekutanga kutorerwa simba panhengo yake yesikarudzi nemudzimai
uyu.